Bhaibheri

2 VaKorinde 9

2 Corinthians 9 · 15 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Nokuti kana kuri kushumira vatsvene, handifaniri kuti ndikunyorerei;

2nokuti ndinoziva kuda kwomoyo yenyu, kwandinorumbidza pamusoro penyu kunavaMakedhonia, kuti vaAkaya vakanga vazvigadzira kubvira makei; nokushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.

3Zvino, ndakatuma hama idzi, kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kurege kuitwa pasina pachinhu ichi; kuti, sezvandakareva, mugare makazvigadzira;

4kuti zvimwe kana vamwe veMakedhonia vachivuya neni, vakakuwanai musina kuzvigadzira, isu(hatirevi imi) tirege kunyadziswa pakutenda uku.

5Naizvozvo ndakati zvakafanira kuti ndiraire hama idzi, kuti vatange kuenda kwamuri, vatange kumbogadzira chipo chokuvonga chamakapikira kare, kuti ichi chigare chakagadzirwa chiri chipo chokuvonga, chirege kuva chinhu chatorwa nesimba,

6Zvino rangarirai chinhu ichi: Unodzwara zvishoma, unocheka vo zvishoma; unodzwara zvizhinji, uchacheka vo zvizhinji.

7Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.

8Mwari unogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti nguva dzose muve nokuringana kwose pazvose, kuti muwanze mabasa ose akanaka;

9sezvazvakanyorwa, zvichinzi; Iye wakaparadzira, iye wakapa varombo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.

10Zvino iye, unopa mudzwari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, uchakupaivo mbeu dzokudzwara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu;

11muchifumiswa pazvose mugoziva kupa zvakawanda, zvinoti, kana zvichiitwa nesu, Mwari unovigirwa nazvo kuvonga.

12Nokuti kushumira kwokubatsira uku hakuzadzisi kushaiwa kwavatsvene bedzi, asi kunowanzisa vo kuvonga kunaMwari;

13nokuda kwezvinovonekwa pakushumira uku vanorumbidza Mwari, pamusoro pokupupura kwenyu kwakaterera Evhangeri yaKristu, napamusoro pokupa kwenyu zvakawanda kwavari nokuna vose.

14Naivo vamene vanokushuvai, vachikukumbirirai, nokuda kwenyasha huru-huru dzaMwari pamusoro penyu.

15Mwari ngaavongwe pamusoro pechipo chake, chisingagoni kurondedzerwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.