2 VaKorinde 11
2 Corinthians 11 · 33 verses
1Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma pavupenzi bwangu; asi munondiitira henyu moyo murefu.
2Nokuti ndinegodo pamusoro penyu negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kunaKristu semhandara yakachena.
3Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Eva namano ayo zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomoyo kuri kunaKristu.
4Nokuti kana mumwe achivuya unoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira kana imwe Evhangeri, yamusinakumbogamuchira, kana imwe Evhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira moyo murefu kwazvo.
5Nokuti ndinoti handizi muduku napaduku-duku kuvaapostora vanopfuvura vamwe vose.
6Zvino kunyange ndisinganatsi pakutaura, handina kudaro pakuziva; asi pazvinhu zvose takaratidzwa izvozvo kwamuri pamberi pavose.
7Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuti imi mukudzwe, zvandakakuparidzirai Evhangeri yaMwari ndisingapiwi mubairo?
8Dzimwe kereke ndakadzitorera, ndichireva mubairo, kuti ndikushumirei imi.
9Vuye, panguva yandakanga ndiri kwamuri, ndichishaiwa, handina kuremedza munhu; nokuti zvandakashaiwa ndakapiwa nehama dzaibva Makedhonia; pazvinhu zvose ndakachenjera kuti ndirege kukuremedzai, vuye ndicharamba ndichichenjera.
10sezvo zvokwadi yaKristu iri mandiri, hakuna munhu ungandikonesa kuzvirumbidza kunyika dzeAkaya.
11Nemhaka yeiko? Nokuti handikudiyi here? Mwari unoziva.
12Asi chinhu ichi chandinoita, ndinochiita, kuti ndishaise nzira ivo vanotsvaka nzira; kuti vawanikwe vakaita sesu pazvinhu izvozvo zvavanozvirumbidza nazvo.
13Nokuti vakadaro vaapostora venhema, vanobata nokunyengera, vano zvishandura vachizviita vaapostora vaKristu.
14Naizvozvo hazvishamisi; nokuti kunyange naSatani vo unozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza.
15Naizvozvo hachizi chinhu chikuru, kana vashumiri vake vachizvishandura vo, vachizviita savashumiri vokururama; kuguma kwavo kuchava sezvavakabata.
16Ndinopamhidza, ndichiti: Ngakurege kuva nomunhu unoti ndiri benzi; asi kana muchidaro henyu, ndigamuchirei sebenzi, kuti ndizvirumbidze hangu zvishoma vo.
17Zvandinotaura, handizvitauri sezvinobva kunaShe, asi sapavupenzi bwangu, pakuzvitenda uku kwatino zvirumbidza nako.
18Vazhinji zvava nozvirumbidza panyama, neni vo ndichazvirumbidza.
19Nokuti munoitira mapenzi moyo murefu nomufaro, imi muri vakachenjera;
20nokuti munoita nomoyo murefu kana munhu achikuitai varanda, kana achikuparadzai,, kana achikutapai, kana achizvikudza, kana achikurovai kumeso.
21Ndinoreva ndichizvishovora, ndichiti takanga tisinesimba kudaro. Zvino kana kunomunhu unotsunga, (ndinotaura sebenzi), neni ndinotsunga vo.
22Ivo vaHebheru here? Neni vo. Ivo vaIsraeri here? Neni vo. Ivo vana vaAbhurahamu here? neni vo.
23Ivo vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura somunhu unopenga), zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuvura, pakusungwa patorongo ndinovapfuvura, pakurobwa zvikuru-kuru, parufu kazhinji.
24Ndakarobwa navaJudha kashanu, shamhu dzinamakumi matatu nepfumbamwe.
25Katatu ndakarobwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa namabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe vusiku bwumwe namasikati ndakanga ndiri mugungwa;
26panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwangu, panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
27pakubata napakutambura, pakuvata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuzvinyima zvokudya kazhinji, pachando napakushaiwa zvokufuka.
28kunze kwaizvozvi, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose.
29Ndianiko usine simba, neni ndikasava nesimba? Ndianiko unogumburwa, neni ndikasatsva?
30Kana ndikafanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza nezvinhu zvovutera bwangu.
31Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu, unokudzwa nokusingaperi, unoziva kuti handirevi nhema.
32PaDhamasko mubati pasi pamambo Areta wakarinda guta raveDhamasko, achitsvaka kundibata;
33ndikaburuswa ndiri mudengu napawindi parusvingo, ndikatiza pamavoko ake.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.