2 VaKorinde 12
2 Corinthians 12 · 21 verses
1Ndinofanira hangu kuzvirumbidza, kunyange zvisina kunaka, asi ndichasvika pazviratidzo nezvakazarurwa zvaShe.
2Ndinoziva munhu uri munaKristu, ave makore anegumi namana apfuvura, (kana zvakaitwa mumuviri, kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari unoziva), munhu wakadai wakakwidzwa kudenga rechitatu.
3Vuye ndinoziva munhu wakadai (kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari unoziva)
4kuti wakakwidzwa muparadhiso, akanzwa mashoko asingagoni kutaurwa, asina kutenderwa munhu kuti areve.
5Pamusoro pomunhu wakadai ndichazvirumbidza; asi pamusoro pangu handizvirumbidzi; asi pamusoro povutera bwangu bedzi.
6Nokuti kana ndichida kuzvirumbidza, handingavi benzi; nokuti ndichareva zvamazvokwadi; asi ndinorega hangu, kuti kurege kuva nomunhu, ungati ndiri mukuru kunezvaakavona kana zvaakanzwa kwandiri;
7zvino, kuti ini ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwovukuru kwazvo bwezvakandizarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, nhume yaSatani, andirove, kuti ndirege kunyanya kuzvikudza.
8Pamusoro pechinhu ichi ndakakumbira Ishe zvikuru katatu, kuti chibve kwandiri.
9Iye akati kwandiri: Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pavutera bwako. Naizvozvo zvirinani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru novutera bwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.
10Naizvozvo ndinofara novutera, nokuzvidzwa, nokushaiwa, nokutambudzika, nenhamo nokuda kwaKristu; nokuti kana ndinovutera, ipapo ndinesimba.
11Ndava benzi; pakuzvirumbidza. Nokuti ini ndaifanira kurumbidzwa nemi; nokuti handizi muduku napaduku kuvaapostora vanopfuvura vose, kunyange ndisi chinhu.
12Zvirokwazvo, zviratidzo zvomuapostora zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru, nezviratidzo, nezvishamiso, namabasa esimba.
13Nokuti makapfuvurwa neiko nedzimwe kereke, asi pakuti ini handina kukuremedzai? Ndikanganwirei henyu kusarurama uku.
14Tarirai, ino ndiyo nguva yechitatu yandakazvigadzira kuvuya kwamuri; handingakuremedziyi; nokuti handitsvaki zvenyu, asi ndinokutsvakai imi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vanofanira kuchengetera vana.
15Nokuti ndingafara zvikuru kupedza zvose zvangu, nokupedzwa ini ndichikudai zvikuru, ini ndodikanwa zvishoma here?
16Zvino, ngazvive saizvozvo hazvo, ini handina kukuremedzai; asi zvandakanga ndinenjere, ndakakubatai namano.
17Ndakakutorerai chinhu here nomumwe waivo vandakatuma kwamuri?
18Ndakaraira Tito, ndakatuma hama iya naye; ko Tito wakakutorerai chinhu here? Hatina kufamba nomweya mumwe here? Vuye namakwara mamwe here?
19Nguva yose makanga muchiti tinozvidavirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari munaKristu; asi tinotaura izvi zvose, vadikanwa, kuti musimbiswe.
20Nokuti ndinotya kuti zvimwe kana ndichisvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoda, neni ndingawanikwa nemi ndakaita sezvamusingadi; zvimwe kungavapo gakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuchera, namakuhwa, namanyawi, nenyonganiso;
21kuti kana ndichisvika zve, Mwari wangu arege kundininipisa pamberi penyu, ndicheme pamusoro pavazhinji vavo vatotadza, vakasatendevuka patsvina yavo, novupombwe, novutere bwavakaita.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.