Bhaibheri

2 VaKorinde 13

2 Corinthians 13 · 14 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Iyi inguva yechitatu, yandinovuya kwamuri. Mumiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu mashoko ose achasimbiswa.

2Ndakambokuvudzai, zvino ndokuvudzai sendakanga ndiripo, kechipiri sendakanga ndiripo, zvino ndisipo, ndinovanyorera avo vakatadza navamwe vose kuti kana ndavuya ikozvino handingavaregererizve.

3Zvamunotsvaka chiratidzo chaKristu, unotaura mandiri, iye usingashaiwi simba kwamuri, asi unesimba mamuri.

4Nokuti wakaroverwa pamuchinjikwa nokushaiwa simba, asi unoraramanesimba raMwari nesuvo hatina simba maari asi tichararama pamwe chete naye nesimba raMwari kwamuri.

5Zviidzei imi mumene, muvone kana muri pakutenda; muzvinzverei imi mumene, Hamuzivi here imi mumene kuti Jesu Kristu uri mukati menyu? Kana zvimwe mava vakarashwa henyu.

6Asi ndinoti muchaziva henyu kuti isu hatina kuva vakarashwa.

7Zvino tinonyengetera Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa; handidaro kuti isu tiwanikwe kuti takatendeka, asi kuti imi muite zvakarurama, kunyange isu takaita savakarashwa.

8Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nezvokwadi, asi chinobatsira zvokwadi.

9Nokuti tinofara kana isu tichishaiwa simba, imi muchiva nesimba; ndizvo zvatinokumbira vo, kuti mukwaniswe.

10Saka ndinonyora izvi ndisipo, kuti kana ndavapo, ndirege kuita nehasha, sezvandakapiwa naShe simba rokusimbisa, risati riri rokuputsa.

11Pakupedzisira, hama dzangu, farai, mukwaniswe, munyaradzwe, ivai nomoyo mumwe, garai norugare; Mwari worudo norugare uchava nemi.

12Kwazisanai nokusveta kutsvene.

13Vatsvene vose vanokukwazisai.

14Nyasha dzaShe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuyanana kwoMweya Mutsvene, ngazvive nemi mose. Ameni.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.