Bhaibheri

VaGaratiya 1

Galatians 1 · 24 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Pauro, muapostora,usina kubva kuvanhu, kana kutumwa nomunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba, wakamumutsa kuvakafa),

2nehama dzose dziri kwandiri, kukereke dzeGaratia:

3Nyasha norugare ngazvive nemi, zvinobva kunaMwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu,

4wakazvipa nokuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure kunyika yakaipa yazvino, nokuda kwaMwari, Baba vedu;

5ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.

6Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kune imwe evhangeri;

7isati iri imwe hayo; asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura Evhangeri yaKristu.

8Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga, akakuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa.

9Sezvatakamboreva, zvino ndinoreva zve saizvozvo: Kana kunomunhu unokuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana naiyo yamakagamuchira, ngaave wakatukwa.

10Nokuti zvino ndinoita vushamwari navanhu here, kana naMwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Kana ndaifadza vanhu nazvino, handizaiva muranda waKristu.

11Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Evhangeri yakaparidzwa neni, haina kuita seyavanhu.

12Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu.

13Nokuti makanzwa zvomufambire wangu kare pakunamata kwavaJudha, kuti ndaitambudza kereke yaMwari zvikuru kwazvo, ndikaiparadza;

14pakunamata kwavaJudha ndaipfuvura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu.

15Zvino Mwari, akati afadzwa nazvo, iye wakandisanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake.

16kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati pavahedheni, pakarepo handina kurangana nenyama neropa.

17handina kukwira Jerusarema kunaavo vakanditangira kuva vaapostra, asi ndakaenda ArAbhiya, ndikadzokera Dhamaseko zve.

18Ipapo, makore matatu akati apfuvura, ndikakwira Jerusarema kundovona Kefasi, ndikagara naye mazuva anegumi namashanu.

19Asi handina kuvona mumwe wavaapostora, asi Jakobho bedzi, munun’una waShe.

20Izvi zvandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMwari handirevi nhema.

21Ipapo ndakasvika kunyika dzeSiria neKirikia.

22Asi ndakanga ndisingazikanwi pachiso nekereke dzeJudhea dziri munaKristu.

23asi vakanga vanzwa bedzi, kuti uya, waititambudza kare, zvino woparidza kutenda kwaaiparadza kare;

24vakarumbidza Mwari mandiri.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.