Bhaibheri

2 VaKorinde 3

2 Corinthians 3 · 18 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Tinotanga zve kuzvirumbidza kwamuri here? Tinotsvaka here savamwe mwadhi dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dzingatirumbidza?

2Imi muri mwadhi yedu yakanyorwa mumoyo medu, inozikanwa nokuverengwa navanhu vose;

3makavonekwa kuti muri mwadhi yaKristu, yakagadzirwa nesu, isina kunyorwa neinki, asi noMweya waMwari mupenyu; isina kunyorwa pamahwendefa amabwe, asi pamahwandefa enyama omoyo.

4Kutenda kwakadai tinako naKristu, kunaMwari;

5hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kunaMwari;

6iye wakati kwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva, isati iri yezvakanyorwa asi yoMweya; nokuti zvakanyorwa zvinovuraya, asi Mweya unopa vupenyu.

7Zvino kana kushumira, kwakavuyisa rufu, kwanga kwakatemwa namaretere pamabwe, kwakavuya nokubwinya, kwakanga kwakadaro kuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwechiso chake kwakanga kuchipfuvura hako

8ko kushumira kwoMweya hakungavi nokubwinya kukuru here?

9Nokuti kana kushumira,kokutongeswa kwakavuyisa kubwinya zvikuru sei kushumira kokururama kuchakunda pakubwinya.

10Nokuti naicho chakabwinyiswa, hachina kubwinyiswa, kana pachinhu ichi tichichifananidza nokubwinya kuno kunda.

11Nokuti kana icho chinopfuvura chaiva nokubwinya, zvikuru sei icho chinogara ndicho chiri pakubwinya.

12Naizvozvo, zvatinetariro yakadai, tinotaura tisingatyi napaduku,

13tisingaiti saMosesi, waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopfuvura.

14Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa nokuti kusvikira nhasi chidzitiro ichi chichiripo pakuverengwa kwe tesitamende yekare changa chichifanira kubviswa muna Kristu.

15Asi kusvikira nhasi, kana Mosesi achirahwa, chifukidziro chiripo pamoyo yavo.

16Zvino kana munhu achitendevukira kunaShe, chifukidziro chinobviswa.

17Ishe ndiMweya; zvino panoMweya waShe, pane sununguko.

18Zvino isu tose tinoti tichitarira nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwaShe sapachivoni-voni, tinoshandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo, tichibva pakubwinya kumwe tichienda kuno kumwe kubwinya, sezvinobva kuMweya waShe

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.