2 VaKorinde 4
2 Corinthians 4 · 18 verses
1Saka, zvatinako kushumira uku, patakanzwirwa ngoni napo, hatineti;
2asi takaramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi nokunyengera, tisingashatisi shoko raMwari; asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvitendisa kuhana dzavanhu vose pamberi paMwari.
3Zvino kana Evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kuna vanorashika;
4kuna vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro namwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheEvhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari.
5Nokuti hatizviparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri varanda venyu nokuda kwaJesu.
6Nokuti Mwari, wakareva kuti chiedza chibude parima, ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunovonekwa pachiso chaJesu Kristu.
7Asi fuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti vukuru bwesimba bwuve bwaMwari, bwurege kuva bwedu.
8Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasha moyo;
9tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa;
10tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaShe Jesu, kuti novupenyu vo bwaJesu bwuratidzwe mumuviri wedu.
11Nokuti isu vapenyu tinogara tichingoiswa pakufa nokuda kwaJesu, kuti novupenyu vo bwaJesu bwuratidzwe munyama yedu inofa.
12Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi vupenyu mamuri.
13Zvino zvatinomweya iwoyu wokutenda, sezvazvakanyorwa; zvichinzi: Ndakatenda, saka ndakataura; nesuvo tinotenda saka tinotauravo;
14tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, uchatimutsa vo isu pamwe chete naJesu; agotiisa pamberi pake pamwe chete nemi.
15Nokuti zvinhu zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuti nyasha zvadzakawanzwa navazhinji, dziwanze kuvonga, kuti Mwari akudzwe.
16Saka hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze achipera hake, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe.
17Nokuti kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvo-naka kusingaperi;
18tisingatariri zvinovonekwa, asi zvisingavonekwi; nokuti zvinovonekwa zvinopfuvura, asi zvisingavonekwi ndezvokusingaperi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.