Bhaibheri

2 VaKorinde 5

2 Corinthians 5 · 21 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, tabhernakeri yedu, ichiputswa, tinechakavakwa chinobva kunaMwari, imba isina kuvakwa namavoko, isingaperi, iri kudenga.

2Nokuti tinogomera vo mairi, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga;

3kuti kana takafukidzwa hedu, hatingawanikwi tisina chatakafuka.

4Nokuti nesu, tiri mutabhernakeri iyi tinogomera, tichiremerwa; tisingadi kuti tikutunurwe, asi kuti tifukidzwe, kuti chinofa chemedzwe novupenyu.

5Zvino, uyo wakatigadzirira chinhu ichi ndiMwari, wakatipa vo rubatso rwoMweya.

6Naizvozvo tinotsunga moyo nguva dzose, tichiziva kuti kana tichigara mumuviri hatigari kunaShe;

7nokuti tinofamba nokutenda, hatifambi nokuvona;

8tinotsunga moyo vo, tichiti zvirinani tirege kugara pamuviri, kuti tigare kunaShe.

9Saka tinoshingaira kuti timufadze iye, kunyange tichigaramo, kunyange tisingagarimo.

10Nokuti isu tose tinofanira kuratidzwa pamberi pechigaro chokutonga chaKristu;kuti mumwe nomumwe apiwe zvaakaita nomuviri, sezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa.

11Naizvozvo zvatinoziva kutya kwaShe, tinogombedzera vanhu; asi tinoratidzwa hedu kunaMwari; vuye zvino ndinoti dai tichiratidzwa vo pahana dzenyu.

12Hatizvirumbidzi zve kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuda kwedu, kuti mugone kupindura avo vanovimba nezvinovonekwa, vasingavimbi nezvomoyo.

13Nokuti kana tichipenga, takadaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, takadaro nokuda kwenyu.

14Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza; zvatinoziva chinhu ichi kuti mumwe wakafira vose, zvino vose vakafa;

15zvino iye wakafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo wakafa nokumutswa nokuda kwavo.

16Naizvozvo, kubvira zvino hatitongozivi munhu panyama; vuye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo.

17Saka kana munhu ari munaKristu, wava chisikwa chitsva, zvinhu zvakare zvapfuvura; tarirai, zvose zvava zvitsva.

18Asi zvinhu zvose zvakabva kunaMwari, wakatiyananisa naye naJesu Kristu, akatipa kushumira kwokuyananisa;

19ndiko kuti Mwari wakanga achiyananisa nyika naye munaKristu akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa.

20Naizvozvo tiri nhume nokuda kwaKristu, Mwari saanenge achikumbira zvikuru nesu; tinokumbira nokuda kwaKristu, tichiti: Yananiswai naMwari.

21Uyo, wakanga asingazivi zvivi, wakamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.