2 VaKorinde 6
2 Corinthians 6 · 18 verses
1Zvino zvatinobatsirana naye, tinokumbira zvikuru kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina.
2(Nokuti iye unoti: Ndakakunzwa iwe nenguva yakafanira, Ndakakubatsira pazuva rokuponeswa; Tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.)
3Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa;
4asi pazvinhu zvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, panhamo, pakushaiwa, pamadambudziko,
5pakurobwa, pakusungwa, pakunyonganiswa, pamabasa, pakusavata, pakuzvinyima zvokudya;
6pakuchena kwomoyo pakuziva, pamoyo murefu, pavunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyengeri;
7pashoko razvokwadi, pasimba raMwari, nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokuruboswe,
8nokukudzwa, nokusakudzwa, neguhu rakaipa, neguhu rakanaka; savanyengeri, asi tiri vezvokwadi hedu;
9savasingazikanwi, asi tichizikanwa hedu zvikuru; savanofa, asi, tarirai, tiri, vapenyu hedu; savanorobwa, asi tisingavurawi hedu;
10savanochema, asi tichigara tichifara hedu; savarombo, asi tichifumisa vazhinji hedu; savasine chinhu, asi tinazvo zvose hedu.
11Imi, vaKorinte, muromo wedu wakashama kwamuri, moyo wedu wakuriswa.
12Hamumanikidzwi kwatiri, asi munomanikidzwa mumoyo menyu.
13Zvino, mundidzosere saizvozvo (ndinotaura sokunavana vangu), imi vo mukuriswe moyo.
14Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi; nokuti kururama kungava novukama bweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima?
15Kristu unganzwana seiko naBeriari? Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi?
16Tembere yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva; achiti: Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
17Saka Budai pakati pavo, muzviravure, ndizvo zvinotaura Ishe, Musabata chinhu chine tsvina; Ini ndichakugamuchirai,
18Ndichava Baba venyu, Nemi muchava vanakomana navanasikana vangu. Ndizvo zvinotaura Ishe unesimba rose.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.