Bhaibheri

2 VaKorinde 7

2 Corinthians 7 · 16 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino, vadikanwa, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise vutsvene pakutya Mwari.

2Mutizarurirei moyo yenyu; hatina kuitira munhu zvisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina kunyengera munhu.

3Handirevi izvi, kuti ndikupei mhosva; nokuti ndamboreva kuti imi muri mumoyo medu, kuti tife nokurarama pamwe chete nemi.

4Kusatya kwangu kukuru pakutaura kwamuri, nokuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwazvo pakutambudzika kwedu kwose.

5Nokuti takati tasvika Makedhonia, nyama yedu haina kuzorora, asi takatambudzika pamativi ose; kunze kwaiva nokukakavara, mukati maiva nokutya.

6Asi Mwari, unonyaradza vakavora moyo, wakatinyaradza nokusvika kwaTito;

7handiti nokusvika kwake bedzi, asi vo nokunyaradzwa, kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitivudza zvechishuvo chenyu, nokuchema kwenyu, nokushingaira kwenyu pamusoro pangu; saka ndakanyanya kufara.

8Nokuti kunyange ndakakuchemedzai nemwadhi yangu, handizvidyi moyo; kunyange ndakanga ndichizvidya moyo hangu, ndinovona kuti mwadhi iyo yakakuchemedzai, asi yakanga iri nguva duku hayo.

9Zvino, handifari kuti makachemedzwa, asi nokuti makachemedzwa mukatendevuka nokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurashikirwa nechinhu nokuda kwedu.

10Nokuti kuchema sezvinoda Mwari kunovuyisa kutendevuka, kunoisa kukuponeswa kusingazvidyi moyo; asi kuchema kwenyika kunovuyisa rufu.

11Nokuti tarirai kuti chinhu icho chokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, chakavuyisa mukati menyu kushingaira kukuru sei, nokuzvidavirira, nokutsamwa, nokutya, nechishuvo, nokurwadza moyo, nokutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi.

12Zvino, kana ndakakunyorerai, handina kuzviita nokuda kwaiye wakaita zvisakarurama, kana nokuda kwaiye wakaitirwa zvisakarurama, asi kuti kushingaira kwenyu nokuda kwedu kuvonekwe nemi mumene pamberi paMwari.

13Nemhaka iyi isu tinonyaradzwa; zvino pakunyaradzwa kwedu takafara zvikuru kwazvo pamusoro pomufaro waTito, nokuti mweya wake wakasimbiswa nemi mose.

14Nokuti kana ndakazvirumbidza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handina kunyadziswa; asi sezvatakataura kwamuri zvose nezvokwadi, saizvozvo vo kuzvirumbidza kwedu pamberi paTito kwakavonekwa kuti ndokwazvokwadi.

15Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, achirangarira kuterera kwenyu mose, pamakamugachira napo nokutya nokudedera.

16Ndinofara kuti pazvinhu zvose ndingakutendai.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.