Bhaibheri

2 VaKorinde 8

2 Corinthians 8 · 24 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino tinokuzivisai, hama dzangu, nyasha dzaMwari dzakapiwa pakereke dzeMakedhonia;

2kuti pakati pokuidzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwe chete novurombo bwavo bwukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo.

3Nokuti ndinopupura, kuti vakapa nokuda kwavo pavakagona napo, kunyange kupfuvura pavakagona napo;

4vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha nokusongana pakushumira vatsvene;

5havana kuita sezvatakafunga bedzi, asi ivo vakatanga kuzvipa kunaShe, nokwatiri, nokuda kwaMwari.

6Naizvozvo takakumbira zvikuru kunaTito, kuti sezvaakanga atanga, apedzise basa iri renyasha pakati penyu vo.

7Zvino se zvamakapfuvurira mberi pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuvurire mberi pabasa iri renyasha vo.

8Handirevi ndichiraira, asi kuti ndiidze ndizive nokushingaira kwavamwe kana rudo rwenyu ndorwa zvokwadi vo.

9Nokuti munoziva nyasha dzaShe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akafuma, wakava murombo nokuda kwenyu, kuti imi novurombo bwake muve vafumi.

10Pachinhu ichi ndinokuvudzai kufunga kwangu; nokuti zvichakubatsirai, nokuti ndimi makatangira vamwe makei, musingaiti bedzi, asi muchida vo.

11Asi zvino pedzisai kuita vo; sezvamakanga munomoyo unoda, saizvozvo pedzisai vo pamunogona napo.

12Nokuti kana moyo wokupa uripo, chipo chinofadza zvichiinda nokuwana kwomunhu, zvisingaindi nokushaiwa kwomunhu.

13Nokuti handirevi kudaro ndichiti vamwe varerukirwe, imi muremerwe; asi kuti muenzane;

14kuti panguva ino kuwana kwenyu kubatsire kushaiwa kwavo, kuti kuwana kwavo kubatsire kushaiwa kwenyu vo; kuti kuve nokuenzana;

15sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakavunganidza zvizhinji, haana kusarirwa nechinhu; naiye wakavunganidza zvishoma, haana kushaiwa.

16Zvino Mwari ngaavongwe, wakaisa mumoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri.

17Nokuti wakanzwa hake kuraira kwedu, asi zvaakanga achishingaira zvikuru, wakaenda kwamuri, nokuda kwake hake.

18Zvino takatuma pamwe chete naye hama iya, inorumbidzwa paEvhangeri pakereke dzose;

19zvisati zviri izvozvo bedzi, asi iye wakasanangurwa vo nekereke kuti atiperekedze pabasa iri renyasha, rinoitwa nesu, kuti iye Mwari akudzwe; vuye kuda kwomoyo wedu kuratidzwe;

20tichizvichenjerera, kuti kurege kuva nomunhu ungatipa mhosva pamusoro pezvakawanda izvi, zvatinobata nazvo.

21Nokuti hatitsvaki zvinhu zvakanaka pamberi paShe bedzi, asi pamberi pavanhu vo.

22Takatuma vo navo hama yedu, yatakaidza kazhinji tikavona kuti unoshingaira pazvinhu zvizhinji; asi zvino unonyanya kushingaira nokuda kwokutenda kukuru kwaanako kwamuri.

23Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu, nomubatsiri wangu kwamuri, kana dziri hama dzedu, ndivo vaapostora vekereke vuye kukudzwa kwaKristu.

24Naizvozvo muvaratidze napamberi pekereke chiratidzo chorudo rwenyu nechokurumbidza kwedu pamusoro penyu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.