Bhaibheri

Firimoni 1

Philemon 1 · 25 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimotio, hama yedu, kunaFiremoni, mudikanwa wedu nounobata nesu,

2nokunaApfia, hanzvadzi yedu, nokunaArkipo, murwi pamwe chete nesu, nokukereke iri mumba mako;

3Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kunaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu.

4Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose kana ndichikurangarirai paminyengetero yangu.

5Zvandinonzwa zvorudo rwako nokutenda kwaunako kunaShe Jesu nokuvatsvene vose;

6Kuti kugovana kokutenda kwako kuve nesimba Nokuzivisa zvakanaka zvose zviri mauri munaKristu Jesu.

7Nokuti tinomufaro mukuru nokunyaradzwa murudo rwako, nokuti moyo yavatswene yakavaraidzwa newe hama yangu.

8Naizvozvo, kunyange ndisingatongotyi munaKristu kukuraira kuita zvakafanira,

9kunyange zvakadaro, nokuda kworudo ndinoita zvokukumbira zvikuru, zvandakadai hangu, ini Pauro, mutana, vuye zvino musungwa waKristu Jesu.

10Ndinokumbira zvikuru kwauri pamusoro pomwana wangu, wandakabereka pakusungwa kwangu, Onesimo,

11wakanga asingakubatsiri kare, asi zvino unokubatsira zvikuru, iwe neni;

12wandatumirazve kwauri, naizvozvo iwe umugamuchire uyo uri vura hwangu chaibwo.

13ndaida kuti agare neni, kuti panzvimbo yako andishumire pakusungwa kwangu nokuda kweEvhangeri;

14asi ndakanga ndisingadi kuita chinhu, iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvaungaita zvirege kuitwa nokurovererwa, asi nokuda kwako.

15Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti ugozova naye nokusingaperi;

16arege kuzova muranda, asi munhu unopfuvura muranda, ave hama inodikanwa, munyama nomunaShe, zvikuru kwandiri, asi zvikuru kwazvo kwauri.

17Zvino kana uchiti ndiri mugovani newe, umugamuchire sezvaungandigamuchira ini.

18Asi kana akakuitira chinhu chisakarurama, kunyange anengava newe, undiravireni izvozvo.

19Ini Pauro, ndinozvinyora noruvoko rwangu, ndicharipa; ndisingarevi hangu kuti pamusoro pezvose unengava kwandiri, ndiyewe umene.

20Hongu, hama, ngandive nomufaro kwauri munaShe; uzorodze moyo wangu munaKristu.

21Ndinokunyorera, nokuti ndinotenda kuterera kwako, ndichiziva kuti uchaita vo kupfuvura pandinoreva napo.

22Asi ndigadzirire vopokugara, nokuti ndinotarira kuti muchandipiwa ini nokuda kwokunyengetera kwenyu.

23Epafrasi, musungwa pamwe chete neni munaKristu, unokukwazisa.

24NaMarko, naAristarko, naDemasi, naRuka, vanobate-basa pamwe chete neni.

25Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.