Bhaibheri

VaHebheru 1

Hebrews 1 · 14 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Mwari wakataura kare kunamadzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, vuye nemitovo mizhinji,

2zvino pakupedzisira kwamazuva ano wakataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaita vo naye nyika;

3iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, unotakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa zvivi zvedu iye pachake, akagara kurudyi rwoVumambo kudenga,

4akapfuvura vatumwa nokunaka saizvozvo, sezita raakagara nhaka yaro,

5Nokuti wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakubereka? Vuye zve: Ndichava Baba vake, Iye uchava Mwanakomana wangu?

6Vuye, kana achizovuyisa zve dangwe rake panyika, unoti: Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.

7Napamusoro pavatumwa unoti: Iye unoita vatumwa vake kuti vave Mhepo, Navaranda vake, kuti vave murazvo womoto;

8Asi pamusoro poMwanakomana, unoti: Chigaro chenyu chovushe, imi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri, Netsvimbo yokururama ndiyo tsvimbo Yovushe bwako.

9Makada kururama, mukavenga kusarurama; Saka Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuvura shamwari dzenyu.

10Vuye, Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutanga, Nedenga ndiro basa ramavoko enyu;

11Iro richapera, asi imi mucharamba muripo;Richasakara rose senguvo;

12Mucharipeta sechinofukwa, Senguvo, rikashandurwa; Asi imi makangodaro, namakore enyu haangagumi.

13Asi wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako?

14Ko havazi vose mweya inoshumira, yakatumwa, kuzobata nokuda kwavanodya nhaka yokuponeswa here?

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.