Tito 3
Titus 3 · 15 verses
1Uvayevudzire kuti vazviise pasi pavabati navanesimba, kuti vaterere, kuti vave vanhu vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka,
2varege kurevera mumwe zvakaipa, varege kuva negakava, vave vanyoro, vaitire vanhu vose vunyoro bwose.
3Nokuti nesu vo kare taiva vokusafunga, tisingatereri, takarashika, tiri varanda vokuchiva kuzhinji navezvose zvinofadza, tigere mukati mokushata negodo, tichivengwa, tichivengana.
4Asi vunyoro bwaMwari, Muponesi wedu, norudo rwake kuvanhu, zvakati zvavonekwa,
5wakatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,
6waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu,
7kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka nokuda kwetariro yovupenyu bwusingaperi.
8Ishoko ra zvokwadi, vuye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, zvokuti avo vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Ndizvo zvakanaka, zvinobatsira vanhu;
9asi unzvenge mibvunzo yovupenzi, namazita amadziteteguru, negakava, nokukakavara pamusoro pomurairo, nokuti hazvinamaturo, hazvinebasa.
10Munhu unodzidzisa zvakatsauka, kana arairwa kamwe norwechipiri, umurambe,
11zvaunoziva kuti wakadaro wakatsauka, unotadza, wazvipa mhosva amene.
12Kana ndichituma Artema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuvuya kwandiri Nikopori; nokuti ndakati ndichagara chando ikoko.
13Zenasi, mududziri womurairo, naAporo, uvaise zvakanaka parwendo, varege kushaiwa chinhu.
14Vanhu vedu ngavadzidze vo kuramba vachiita mabasa akanaka, kuti vabatsire panoshaikwa zvinofanira kuvapo, kuti varege kuva vanhu vasinezvibereko.
15Vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ndikwazisire avo vanotida pakutenda. Nyasha ngadzive nemi mose.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.