Bhaibheri

Isaya 54

Isaiah 54 · 17 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Imba, iwe ngomwa, iwe usina kubereka;muka nokuimba , udanidzirise, iwe usina kumbosununguka; nokuti vana vouri oga vazhinji kukunda vana vomukadzi akawanikwa. Ndizvo zvinotaura Jehovha.

2Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatamure maketeni eugaro hwako; usarega, urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako.

3Nokuti uchapararira kuruoko rworudyi nokuruboshwe;vana vako vachagara nhaka yavahedheni,vaite matongo agarwe.

4Usatya , nokuti haunganyadziswi;uye usakanganiswa, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa kunyara kwohumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kwohuchirikadzi hwako.

5Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake; Mudzikunuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri, iye achanzi Mwari wenyika yose.

6Nokuti Jehovha akakudana somukadzi, akasiyiwa ane shungu pamweya, somukadzi akawanikwa achiri muduku ndokuzorambwa ndizvo zvinotaura Mwari wako.

7Kwechinguvana,ndakakusiya , asi nenyasha huru ndichakuunganidza.

8Nehasha dzakapupuma, ndakakuvanzira chiso changu kwechinguvana ; asi nohunyoro husingaperi ndichakunzwira nyasha , ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikunuri wako.

9Nokuti izvi zvakaita semvura yaNoa kwandiri; nokuti sezva ndakapika kuti mvura yaNoa haingazodarikizve napanyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwiri, kana kukutuka.

10Nokuti makomo achabva, nezvikomo zvibviswe, asi hunyoro hwangu haungabvi kwauri, Kana sungano yangu yorugare haingabviswi ndizvo zvinotaura Jehovha ane nyasha newe.

11Haiwa, iwe mutambudziki, wakaposerwa nedutu remhepo, usina kunyaradzwa, tarira, ndichateya mabwe ako namavara akanaka, ndichateya nheyo dzako namabwe esafiri.

12Ndichaita shongwe dzako ne-agati*, namasuo ako ne-kabhunakeri*, nomuganho wako wose namabwe anofadza.

13Navana vako vose vachadzidziswa naJehovha,uye ruchava rukuru, rugare rwavana vako.

14Uchasimbiswa mukururama; uchava kure nokumanikidzwa, nokuti haungatyi, uye kure nezvinotyisa, nokuti hakungaswederi kwauri.

15Tarira, vachavungana,asi kwete neni Aninani unovungana pamwe kurwa newe uchawa nokuda kwako.

16Tarira, ndakasika mupfuri anopfutidza mazimbe mumoto , ndokuita nhumbi yebasa rake; uye ini ndakasika muparadzi, kuti aparadze.

17Hakuna nhumbi yokurwa inopfurwa kuzorwa newe ingabudirira; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchapiwa mhosva. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo ndo kwangu ndizvo zvinotaura Jehovha.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.