Isaya 55
Isaiah 55 · 13 verses
1Nhai, imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji, noasina mari, uyai, mutenge mudye; zvirokwazvo, uyai mutenge waini nomukaka, musine mari, pasina mutengo. .
2Munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu muchitenga zvisingagutisi? Nditeererei zvakanaka, mudye zvakanaka,uye mweya yenyu ngaizvifadze nezvakakora.
3Rerekai nzeve yenyu, muuye kwandiri; inzwai, mweya yenyu igorarama; ndichaita nemi sungano isingaperi, nyasha dzazvokwadi dzakapikirwa Dhavhidhi.
4Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi avanhu, ave mutungamiriri nomubati wamarudzi.
5Tarira, uchadana rudzi rwawakanga usingazivi, norudzi rwakanga rusingakuzivi, iwe ruchamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, nokwoMutsvene waIsiraeri; nokuti iye akakukudza.
6Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedo.
7Akaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu asakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye achamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwira zvikuru.
8Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
9Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
10Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudzvari mbewu, nomudyi zvokudya,
11ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.
12Nokuti muchabuda nomufaro, nokufambiswa norugare; makomo nezvikomo zvichaimba nomufaro pamberi penyu; miti yose yokudondo ichauchira.
13Panzvimbo yomuti womunzwa pachamera musaipuresi, panzvimbo yorukato pachamera mumirite; zvichava kuna Jehovha mukurumbira nechiratidzo chisingaperi, chisingazoparadzwi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.