Jakobho 1
James 1 · 27 verses
1Jakobho, muranda waMwari nowaShe Jesu Kristu, kumarudzi anegumi namaviri akapararira: Farai!
2Hama dzangu,zvitorei so mufaro bedzi kana muchiwira mumiidzo mizhinji;
3muchiziva kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.
4Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashaiwi chinhu.
5Zvino kana mumwe wenyu achishaiwa kuchenjera ngaakumbire kunaMwari, unongopa vose asingazotuki; uchapiwa hake.
6Asi ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswa-mutswa.
7Munhu uyu arege kufunga kuti uchazowana chinhu kunaShe;
8munhu, unemoyo miviri, unoshanduka-shanduka panzira dzake dzose.
9Asi hama iri muduku ngaafare nokukudzwa kwake;
10nomufumi nokuninipiswa kwake, nokuti uchapfuvura seruva rovuswa.
11Nokuti zuva rinobuda pamwe chete nemhepo inopisa, ndokuwomesa vuswa; ruva rabwo rinowira pasi, nokunaka kwabwo kwakanga kwavonekwa kunopera; saizvozvo vo mufumi uchasvava panzira dzake.
12Wakaropafadzwa munhu uyo unotsungirira pakuidzwa; nokuti kana atendwa, uchapiwa korona yovupenyu yakapikirwa avo vanomuda.
13Kana munhu achiidzwa, ngaarege kuti ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.
14Asi munhu mumwe nomumwe unoidzwa kana achikwebwa nokuchiva kwake achinyengerwa.
15Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu.
16Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
17Zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, zvichiburuka kunaBaba vezviedza, uyo usina kupinduka kana mumvuri wokushanduka.
18Nokuda kwake wakatibereka neshoko rezvokwadi, kuti isu tiite sechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.
19Munoziva henyu izvozvo hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa;
20nokuti kutsamwa kwomunhu hakuiti kururama kwaMwari.
21Saka bvisai tsvina yose nokuipa kwakawanda, mugamuchire nomoyo munyoro shoko rakasimwa mukati menyu, rinogona kuponesa mweya yenyu.
22Asi ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera.
23Nokuti kana ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unovona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchivonivoni.
24Nokuti unozvivona, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wakadini iye.
25Asi munhu unocherekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, unokanganwa, asi muiti webasa, iye ucharopafadzwa panezvaanoita.
26Kana munhu pakati penyu achiti ndinonamata Mwari, asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakunamaturo.
27Kunamata, kwakarurama, kusine mhosva pamberi paMwari wedu naBaba, ndiko kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, nokuzvichengeta, kuti arege kusvibiswa nenyika.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.