VaHebheru 13
Hebrews 13 · 25 verses
1Rudo pakati pehama ngarugare.
2Musakanganwa kuitira vaeni rudo; nokuti vachidaro vamwe vakagarisa vatumwa mumba, vasingazvizivi.
3Fungai vakasungwa, somunenge makasungwa pamwe chete navo; naivo vanoitirwa zvakaipa, somunenge muri mumuviri imi vo.
4Wanano ngaikudzwe navose, nenhovo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari uchatongesa mhombwe navanofeva.
5Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene wakati: Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.
6Naizvozvo tinotsunga moyo, tichiti: Ishe ndiye mubatsiri wangu; handingatyi; Munhu ungandiiteiko?
7Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo.
8Jesu Kristu unogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi.
9Musatorwa nedzidziso dzimwe dzisingazikanwi; nokuti zakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha; urege kusimbiswa nezvokudya zvisina kubatsira vakafamba mazviri.
10Isu tinearitari, pasingatenderwi kudyiwa navanoshumira tabhernakeri.
11Nokuti mitumbu yezvipfuwo, zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene nomuPirisita mukuru nokuda kwe zvivi, inopiswa kunze kwemisasa.
12Saka naiye Jesu vo wakatambudzika kunze kwesuvo, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake.
13Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemisasa, titakure kunyadziswa kwake.
14Nokuti pano hatineguta richagara, asi tinotsvaka richazovapo.
15Naizvozvo ngatirambe tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.
16Asi musakanganwa kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari unofara nezvibayiro zvakadai.
17Tererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingazviiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu.
18Tinyengetererei; nokuti tinoziva kwazvo kuti tinehana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.
19Ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti muite izvozvo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.
20Zvino Mwari worugare, wakadzosa kuvakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe wedu Jesu Kristu, neropa resungano isingaperi,
21ngaakukwanisei pazvinhu zvose zvakanaka, kuti muite kuda kwake, iye achiita mukati medu izvo zvinofadza pamberi pake, naJesu Krisu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
22Asi ndinokurairai, hama dzangu,kuti mutende neshoko rokuraira, nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma.
23Zivai kuti hama yedu Timotio wakasunungurwa; kana akakurumidza kusvika, ndinozokuvonai pamwe chete naye.
24Ndikwazisirei vatungamiriri venyu vose navatsvene vose. VeItaria vanokukwazisai.
25Nyasha ngadzive nemi mose. Ameni.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.