Johani 1
John 1 · 51 verses
1Pakutanga Shoko rakanga riripo, Shoko rakanga riri kunaMwari, Shoko rakanga riri Mwari.
2Ireri pakutanga rakanga riri kunaMwari.
3Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa.
4Vupenyu bwaiva maari: vupenyu bwaiva chiedza chavanhu.
5Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kuchikunda.
6Kwakanga kunomunhu wakatumwa naMwari, zita rake rainzi Johane.
7Iye wakavuya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye.
8Uyo wakanga asati ari icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupurire chiedza.
9Ichi chaiva chiedza chazvokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe pakusvika kwacho panyika.
10Wakanga ari panyika, asi nyika haina kumuziva.
11Wakavuya kunezvake, asi vanhu vake havana kumugamuchira.
12Asi vose vakamugamuchira, wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake;
13avo vasina kuberekwa, neropa kana nokuda kwenyama. Kana nokuda kwomurume, asi naMwari.
14Shoko rakazova nyama, rikagara pakati pedu, (tikavona kubwinya kwake, kubwinya soko wakaberekwa mumwe chete wababa,) azere nenyasha nezvokwadi.
15Johane akamupupurira, akadanidzira, achiti: Uyu, ndiye wandaireva ndichiti;uyu unouya shure kwangu wakavapo mberi kwangu; nokuti wakanditangira.
16Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamusoro penyasha.
17Nokuti murairo wakapiwa naMosesi, asi nyasha nezvokwadi zvakavuya naJesu Kristu.
18Hakunomunhu wakatongovona Mwari; chero nguva ipi; mwanakomana wakaberekwa mumwe woga, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa isu.
19Uku ndiko kupupura kwaJohane, musi vaJudha vakatumira kwaari vaPirisita navaRevhi, vachibva Jerusarema, kundomubvunza, kuti: Iwe ndiwe aniko?
20Akatenda pachena, haana kuramba, akatenda pachena, achiti: Handizi Kristu.
21Vakamubvunza, vachiti: Asi kudiniko? Ndiwe Eria here? Akati: Handizi iye. Ko uri uya muporofita here? Akapindura, akati: Kwete,
22Zvino vakati kwaari: Ndiwe aniko? Tigondopindura vakatituma. Unozviti aniko?
23Akati: Ndini inzwi rounodana murenje, richiti: Ruramisai nzira yaShe; sezvakarebwa nomuporofita Isaya.
24Ava vakanga vatumwa vaiva vavaFarise,
25Vakamubvunza, vakati kwaari: Kana usiKristu, kana Eria, kana muporofita uya, unogobhabhatidzireiko?
26Johane akapindura akati,: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi;
27ndiye unovuya shure kwangu, asi uri mberi kwangu wandisina kufanira kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.
28Izvozvi zvakaitwa paBetania, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johane.
29Ava mangwana wakavona Jesu achivuya kwaari, akati: Tarirai, Gwaiana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika.
30Uyu ndiye wandaireva, ndichiti: Shure kwangu kunovuya murume, wakavapo mberi kwangu, nokuti wakanditangira.
31Neni ndakanga ndisingamuzivi, asi ndizvo zvandakavuyira, ndichibhabhatidza nemvura, kuti avoneswe kuvaIsraeri.
32Johane akapupura, akati: Ndakavona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamsoro pake.
33Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunovona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye unobhabhatidza noMweya Mutsvene.
34Ini ndikavona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.
35Ava mangwana zve Johane wakanga amire navadzidzi vake vaviri;
36akatarisisa Jesu achifamba, akati: Tarirai, Gwaiana raMwari!
37Ivavo vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu.
38Jesu akatendevuka akavavona vachitevera, akati kwavari: munotswakeiko ivo Vakati kwaari Rabhi (ndokuti Mudzidzisi, kana zvichishandurwa, munogarepiko?
39Akati kwavari: Vuyai, muvone. Vakaenda, vakandovona kwaaigara, vakagara naye zuva iro; yakanga iri nguva inenge yegumi.
40Mumwe waivavo vaviri, vakanga vanzwa Johane, vakamutevera, vaiva Andreasi, munun’una waSimoni Petro.
41Iye akatanga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari: Tawana Mesiasi (ndokuti Kristu, kana zvichishandurwa, )
42Akamuisa kunaJesu. Jesu akamutarira, akati: Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi (ndiko kuti dombo kana zvichishandurwa.)
43Ava mangwana akada kuenda Garirea, akawana Firipo; Jesu akati kwaari: Nditevere.
44Firipo wakanga ari weBetsaida, guta raAndreasi naPetro.
45Firipo akawana Natanaeri, akati kwaari: Tamuwana iye, wakanyorwa zvake naMosesi pamurairo navaporofita, iye Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.
46Natanaeri akati kwaari: Kune chinhu chakanaka chingabva Nazareta here? Firipo akati kwaari: Vuya uvone.
47Jesu akavona Natanaeri achivuya kwaari, akamuti: Tarirai, muIsraeri wazvokwadi, usinokunyengera maari.
48Natanaeri akati kwaari: Mandizivirepiko? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipo asati akudana, uri munyasi momuvonde, ndakakuvona.
49Natanaeri akamupindura, akati: Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi Ishe waIsraeri.
50Jesu akapindura, akati kwaari: Unotenda iwe, nokuti ndakati kwauri, ndakakuvona munyasi momuvonde here? Uchazovona zvikuru kunaizvozvi.
51Akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva zvino Muchavona kudenga kwazarurwa, navatumwa vaMwari vachikwira, nokuburukira pamusoro poMwanakomana womunhu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.