Johani 2
John 2 · 25 verses
1Nezuva retatu mutambo wokuwana waivapo paKana yeGarirea; namai vaJesu vakanga varipo.
2NaJesu navadzidzi vake vakanga vadamwa vo kumutambo wokuwana.
3Waini yakati ichizoshaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havachine waini.
4Jesu akati kwavari: Ndineiko nemi, mai? Nguva yangu ichigere kusvika.
5Mai vake vakati kuvaranda: Itai zvose zvaanokuvudzai.
6Zvino kwakanga kunamakate matanhatu amabwe, akanga aiswapo netsika yavaJudha yokuzvinatsa, rimwe nerimwe raizadzwa nezviyero zviviri kana zvitatu*
7Jesu akati kwavari: Zadzai makate nemvura. Ivo vakazadza kusvikira pamiromo.
8Akati kwavari: Cherai zvino muise kumukuru womutambo. Vakandoisa.
9Zvino mukuru womutambo wakati aravira mvura yakashanduka waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womutambo akadana chikomba,
10akati kwaari: Munhu mumwe nomumwe unositanga abudisa waini yakanaka, neisinganaki kana vamwa kwazvo, asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.
11Ichi chiratidzo chake chokutanga Jesu wakaita paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
12Shure kwaizvozvo wakaburukira Kapernaume, iye namai vake navanun’una, navadzidzi vake; akagarapo mazuva mashomanene.
13Paseka yavaJudha yakanga yava pedo; zvino Jesu akakwira Jerusarema.
14Akawana mutembere vaitengesa mombe namakwai nenjiva, navaitsinhanha mari, vageremo.
15Akaruka tyava yorwonzi, akabudisa mutembere makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo.
16Akati kuna vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvozvo muno; musaita imba yaBaba vangu imba yokutengesera.
17Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa, kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.
18Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari: Ungatiratidza chiratidzo cheiko, zvaunoita zvinhu izvozvo?
19Jesu akapindura, akati kwaari: Putsai tembere iyi, ini ndichaimutsa zve namazuva matatu.
20Zvino vaJudha vakati: Tembere iyi yakavakwa namakore anamakumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?
21Asi iye wakanga achireva tembere yomuviri wake.
22Zvino wakati amutswa kuvakafa, vadzidzi vake vakatenda, kuti wakanga areva izvozvo; vakatenda Magwaro neshoko rakangararebwa naJesu.
23Zvino nguva yaakanga ari Jerusarema pamutambo wepaseka, vazhinji vakatenda kuzita rake, vachivona zviratidzo zvaaiita.
24Asi Jesu haana kuzviisa mumavoko avo, nokuti wakanga achivaziva vanhu vose.
25Wakanga asingatsvaki kuti munhu mumwe apupure zvomunhu; nokuti wakanga achiziva iye zviri mumunhu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.