Bhaibheri

Johani 11

John 11 · 57 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Mumwe munhu wakanga achirwara, wainzi Razaro weBetania, musha waMaria nomukoma wake Marta.

2Ndiye Maria uya wakazodza Ishe namafuta, akapisika tsoka dzake nevhudzi rake; hanzvadzi yake Razaro, wakanga achirwara.

3Zvino hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kwaari, dzichiti: Ishe, tarirai uyo unodikanwa nemi unorwara.

4Jesu wakati azvinzwa, akati: Kurwara uku hakuzi kwokufa, asi kuti Mwari akudzwe, noMwanakomana waMwari akudzwe vo nazvo.

5Jesu wakanga achida Marta, nomunun’una wake, naRazaro.

6Zvino wakati anzwa kuti unorwara, akambogara mazuva maviri paakanga ari.

7Shure kwaizvozvo akati kuvadzidzi vake: Hendei zve Judhea,

8Vadzidzi vakati kwaari: Rabhi, vaJudha vakanga vachikutsvakai ikozvino, kuti vakutakei namabwe; zvino moenda zve ikoko here?

9Jesu akapindura, akati: Nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti unovona chiedza chenyika ino.

10Asi kana munhu achifamba vusiku, unogumburwa, nokuti hakunechiedza maari.

11Ndizvozvo zvaakareva akazoti kwavari; Razaro, hama yedu, wavata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope.

12Zvino vadzidzi vakati kwaari: Ishe, kana achivata, uchanaya.

13Jesu wakanga areva kufa kwake, asi ivo vakanga vachiti,unoreva kuvata hope.

14Ipapo Jesu akavavudza pachena: Razaro wafa.

15Ndinofara nokuda kwenyu, kuti ndakanga ndisipo, kuti mugotenda; asi zvino hendei kwaari.

16Ipapo Tomasi, wainzi Dhidhimo, akati kuna vamwe vadzidzi: Hendei nesu vo, kuti tindofa naye.

17Zvino Jesu wakati achisvika, akamuwana atovamubwiro mazuva mana.

18Betania rakanga riri pedo neJerusarema, mastadia anenge gumi namashanu*;

19vazhinji vavaJudha vakanga vavuya kunaMarta naMaria, kuti vavabate ruvoko pamusoro pehanzvadzi yavo.

20Zvino Marta wakati achinzwa kuti Jesu wovuya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba.

21Marta akati kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.

22Kunyange zvino ndinoziva, kuti zvose zvamunokumbira kunaMwari, Mwari uchakupai.

23Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamuka zve.

24Marta akati kwaari: Ndinoziva kuti uchamuka zve pakumuka kwavakafa nezuva rokupedzisira.

25Jesu akati kwaari: Ndini kumuka novupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama.

26Mumwe nomumwe uri mupenyu; unotenda kwandiri, haangatongofi. Unotenda izvozvo here?

27Akati kwaari: Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo wainzi unovuya panyika.

28Wakati areva izvozvo, akandodana Maria, munun’una wake, akati kwaari vari voga: Mudzidzisi wasvika, unokudana.

29Iye wakati achizvinzwa, akakurumidza kusimuka, akaenda kwaari.

30(Zvino Jesu wakanga asati asvika pamusha, asi wakanga achiri paya paakachingamidzwa naMarta.)

31Zvino vaJudha, vakanga vari mumba naye vachimubata ruvoko, vakati vachivona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti, unoenda kubwiro kundochema’ko.

32Zvino Maria wakati achisvika kunaJesu, achimuvona, akawira pasi patsoka dzake akati kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.

33Zvino Jesu wakati achimuvona achichema, navaJudha vakanga vavuya naye, vachichema vo, akafa neshungu mumweya, akatambudzika.

34akati: Mamuisepiko? Vakati kwaari: Ishe, vuyai, muvone.

35Jesu akachema misodzi.

36Ipapo vaJudha vakati: Tarirai, waimuda sei!

37Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haazaigona kudzivisa kuti uyu munhu arege kufa here.

38Ipapo Jesu akafa zve neshungu mukati make, akasvika pabwiro. Iro raiva bako, nebwe rakanga riri pamusoro paro.

39Jesu akati: Bvisai ibwe! Marta, hanzvadzi yowakafa, akati kwaari: Ishe, wotonhuwa zvino, nokuti wava namazuva mana okufa kwake.

40Jesu akati: kwaari Handina kukuvudza here, kuti kana ukatenda, uchavona kubwinya kwaMwari?

41Ipapo vakabvisa ibwe. Kubva panzvimbo paakanga aiswa akafa. Zvino Jesu akatarira kudenga, akati: Baba, ndinokuvongai, nokuti mandinzwa.

42Asi ndakanga ndichiziva kuti munosindinzwa nguva dzose; asi ndakazvireva nokuda kwavazhinji vakandikomba, kuti vatende kuti makandituma.

43Wakati areva izvozvo, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda!

44Wakanga afa akabuda, akapombwa makumbo namavoko nemicheka yobwiro, nechiso chake chakapombwa nomucheka, Jesu akati kwavari: Mumusunungurei, aende.

45Naizvozvo vazhinji vavaJudha, vakanga vavuya kunaMaria, vakati vavona zvaitwa naJesu, vakatenda kwaari.

46Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarise, vakandovavudza zvakanga zvaitwa naJesu.

47Naizvozvo vaPirisita vakuru navaFarise vakavunganidza makurukota, vakati: Todiniko? Nokuti uyu unoita zviratidzo zvizhinji.

48Kana tikamurega achidaro, vanhu vose vachatenda kwaari; navaRoma vachavuya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.

49Zvino mumwe wavo, Kayafasi, wakanga ari muPirisita mukuru gore iro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu, imi,

50vuye hamurangariri kuti zvirinani kwamuri, kuti munhu mumwe afire vanhu, rudzi rwose rurege kufa.

51Haana kureva izvozvo pachake, asi zvaakanga ari muPirisita mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waifanira kufira rudzi;

52rusati ruri rudzi rwoga, asi kuti avunganidze pamwe chete vana vaMwari vakapararira.

53Zvino kubva pazuva iro vakarangana, kuti vamuvuraye.

54Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha, asi wakabvapo. Akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efraimi; akagara’ko navadzidzi vake.

55Zvino paseka yavaJudha yakanga yava pedo, vanhu vazhinji venyika iyo vakakwira Jerusarema, paseka isati yasvika, kuti vazvinatse.

56Zvino vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti: Munoti kudiniko? Munoti hangavuyi kumutambo here?

57Zvino vaPirisita vakuru navaFarise vakanga varaira, kuti, aninani kana achiziva kwaari, avazivise, kuti vandomubata.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.