Bhaibheri

Johani 12

John 12 · 50 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino mazuva matanhatu paseka ichigere kusvika, Jesu wakasvika Betania, paiva naRazaro, wakanga afa waakamutsa kuvakafa.

2Vakamuitirapo chirayiro; Marta akavashandira; naRazaro wakanga ari mumwe wavakanga vagere naye pakudya.

3Zvino Maria akatora paundi yamafuta enardo, anomutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapisika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta.

4Ipapo mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni wakanga achazomupandukira, akati:

5Mafuta awa akaregereiko kutengeswa namadhenari mazana matatu,* akapiwa varombo?

6Asi haana kureva izvozvo kuri kuti wakarangarira varombo, asi nokuti waiva mbavha; waigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo.

7Asi Jesu wakati: Muregei, akadaro wazviitira kuvigwa kwangu.

8Nokuti varombo munavo nguva dzose; asi ini hamuneni nguva dzose.

9Zvino vanhu vazhinji-zhinji vavaJudha vakanzwa kuti uripo; vakavuya,, asi havana kuvuya nokuda kwaJesu bedzi, asi kuti vavone vo Razaro, waakanga amutsa kuvakafa.

10Asi vaPirisita vakuru vakarangana kuti vavuraye naRazaro vo,

11nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vachibva kwavari, vachitenda kunaJesu.

12Zvino ava mangwana vanhu vazhinji-zhinji, vakanga vavuya kumutambo, vakati vanzwa kuti Jesu, wovuya Jerusarema,

13vakatora mashizha emichindwe, vakabuda kundomuchingamidza, vakadanidzira, vachiti: Hosana! Ngaarumbidzwe unovuya muzita raShe Mambo wavaIsraeri.

14Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa, zvichinzi:

15Usatya, mukunda weZiyoni; tarira Mambo wako unovuya, agere pamusoro pemhuru yembongoro.

16Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, vakazorangarira, kuti izvozvo zvakanga zvanyorwa pamusoro pake, vuye kuti vakanga vamuitira izvozvo.

17Zvino vanhu vazhinji vaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abve mubwiro, nokumumutsa kuvakafa, vakapupura,

18Saka vazhinji vakamuchingamidza vo, nokuti vakanga vanzwa, kuti wakaita chiratidzo ichecho.

19Ipapo vaFarise vakataurirana, vachiti: Munovona henyu kuti hamugoni kuita chinhu; tarirai, nyika yose yamutevera.

20Zvino kwaiva navamwe vaGiriki pakati pavakanga vakwira kumutambo kundonamata’ko;

21ivo vakavuya kunaFiripo weBetsaida reGarirea, vakakumbira kwaari, vachiti: Ishe, tinoda kuvona Jesu.

22Firipo akaenda, akandovudza Andreasi; Andreasi akaenda naFiripo, vakandovudza Jesu.

23Jesu akavapindura, akati: Nguva yasvika, kuti Mwanakomana womunhu akudzwe.

24Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana tsanga yezviyo ikasawira muvhu, ikafa, ichagara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji.

25Unoda vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo; nounovenga vupenyu bwake panyika ino, uchabwuchengeta kuvupenyu bwusingaperi.

26Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri, nomuranda wangu uchavapo vo. Kana munhu achindishumira, Baba vachamukudza.

27Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiyiko? Baba ndiponesei panguva ino. Asi ndizvo zvandavuyira panguva ino.

28Baba, kudzai zita renyu, Ipapo inzwi rakavuya, richibva kudenga, richiti: Ndatorikudza, ndicharikudza zve.

29Zvino vanhu vazhinji, vakanga vamirepo, vachizvinzwa, vakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.

30Jesu akapindura, akati: Inzwi iri harina kuvuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu.

31Zvino kutongwa kwenyika ino kwavapo, zvino muchinda wenyika ino uchadzingwa.

32Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.

33Wakareva izvozvi, achiratidza kufa, kwaaizofa nako.

34Zvino vanhu vazhinji vakamupindura, vachiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu uchagara nokusingaperi; zvino moreva seiko imi, kuti Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa? Uyu Mwanakomana womunhu ndianiko?

35Ipapo Jesu akati kwavari: Chiedza chichipo pakati penyu chinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, kuti murege kukundwa nerima; unofamba murima haazivi kwaanoenda,

36Muchinechiedza, tendai kuchiedza, mugoitwa vana vechiedza. Jesu wakareva izvozvi, akabva, akazvivanza kwavari.

37Zvino kunyange akanga aita zviratidzo zvizhinji zvakadaro pamberi pavo, havana kutenda kwaari;

38kuti shoko romuporofita Isaya riitike, raakareva, achiti: Ishe, ndianiko wakatenda chavakanzwa kwatiri? Noruvoko rwaShe rwakaratidzwa kunaniko?

39Saka vakanga vasingagoni kutenda, nokuti Isaya wakati zve:

40Wakapofumadza meso avo, akawomesa moyo yavo; Kuti varege kuvona nameso avo, nokunzwisisa nemoyo yavo, Vadzoke,Ndivaporese.

41Isaya wakareva izvozvi, paakavona kubwinya kwake; akamureva iye.

42Asi kunyange zvakadaro vazhinji vavabati vakatenda kwaari; asi vakanga vasingamupupuri nokuda kwavaFarise, kuti varege kubudiswa musinagoge;

43nokuti vakanga vachida kukudzwa navanhu kupfuvura kukudzwa naMwari.

44Zvino Jesu akadana, akati: Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kuno wakandituma.

45Zvino Jesu wakadanidzira akati: Unondivona, unovona wakandituma.

46Ini ndakavuya munyika, ndiri chiedza, kuti aninani unotenda kwandiri arege kugara murima.

47Kana munhu achinzwa mashoko angu, akasaachengeta, handimutongi ini, nokuti handina kuvuya kuzotonga nyika, asi kuti ndiponese nyika.

48Unondiramba, asingagamuchiri mashoko angu, unomumwe, unomutonga; shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira.

49Nokuti handina kureva pachangu, asi Baba, vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.

50Ndinoziva kuti murairo wavo ndibwo vupenyu bwusingaperi; naizvozvi zvandinotaura, ndinotaura sezvandakavudzwa naBaba.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.