Bhaibheri

Johani 18

John 18 · 40 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Jesu wakati areva izvozvo, akabuda navadzidzi vake, akaenda mhiri kworukova runonzi Kedroni, paiva nomunda, akapinda mauri, iye navadzidzi vake.

2Zvino Judhasi, wakamupandukira, wakanga achiziva vo nzvimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waivunganapo navadzidzi vake.

3Naizvozvo Judhasi akatora boka ravarwi, navatariri, vaibva kuvaPirisita vakuru navaFarise, akaenda po nemwenje namazhenje, nezvokurwa nazvo.

4Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari: Munotsvaka aniko?

5Vakamupindura, vakati: Jesu weNazareta, Jesu akati kwavari: Ndini, naJudhasi, wakamupindura, wakanga amire vo navo.

6Zvino wakati areva kwavari, achiti: Ndini, vakasudurukira shure, vakawira pasi.

7Zvino akavabvunza zve, achiti: Munotsvaka aniko? Vakati: Jesu weNazareta.

8Jesu akapindura, akati: Ndakuvudzai, kuti ndini. Kana muchinditsvaka ini, regai ava vaende;

9kuti shoko, raakareva, riitike, rokuti: Handina kurashikirwa nomumwe kunaivavo vamakandipa.

10Zvino Simoni Petro, wakanga anomunondo, akauvhomora, akatema muranda womuPirisita mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Markosi.

11Zvino Jesu akati kunaPetro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa naBaba, handingaunwi here?

12Zvino boka ravarwi, nomukuru wechuru chezana, navatariri vavaJudha vakabata Jesu, vakamusunga,

13vakatanga kumuisa kunaAnasi; nokuti wakanga ari mukarabwa waKayafasi, waiva muPirisita mukuru gore iro.

14Zvino Kayafasi ndiye wakanga apa vaJudha zano, kuti zvirinani kuti munhu mumwe afire vanhu.

15Zvino Simoni Petro wakanga achitevera Jesu, nomumwe mudzidzi vo. Mudzidzi uyu waizikanwa nomuPirisita mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomuPirisita mukuru.

16Asi Petro wakanga amire panze pamukova. Zvino uya mumwe mudzidzi, waizikanwa nomuPirisita mukuru,, akabuda, akataura nomurindi womukova, akapinza Petro.

17Zvino musikana, wairinda mukova, akati kunaPetro: Newe vo uri mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here? Akati; Handizi.

18Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vambovesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; vakadziya moto. NaPetro akamira vo navo achidziya moto.

19Zvino muPirisita mukuru akabvunza Jesu zvavadzidzi vake, nedzidziso yake.

20Jesu akamupindura, akati: Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinangoge nomutembere, panovungana vaJudha vose; handina kureva chinhu pakavanda.

21Munondibvunzireiko ini? Bvunzai ava vainzwa zvandaitaura kwavari; tarirai ava vanoziva zvandaireva.

22Wakati areva izvozvo, mumwe wavatariri wakanga amirepo, akarova Jesu noruvoko, achiti: Unopindura muPirisita mukuru uchidaro nhai?

23Jesu akamupindura akati: Kana ndareva zvakaipa, pupura kuti zvakaipa ndezvipi; kana ndareva zvakanaka wagondirovereiko?

24Zvino Anasi akamutumira akasungwa kunaKayafasi, muPirisita mukuru.

25Zvino Simoni Petro wakanga amirepo, achidziya moto. Vakati kwaari: Newe vo uri mumwe wavadzidzi vake here? Akaramba, akati; Handizati.

26Mumwe muranda womuPirisita mukuru, hama yowakanga agurwa nzeve naPetro, akati: Ini handina kukuvona unaye mumunda here?

27Petro akaramba zve. Pakarepo jongwe rakarira.

28Zvino vakabva kunaKayafasi, vakaenda naJesu kuimba yomubati; aiva mangwanani. Asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, kuti vagodya paseka.

29Ipapo Pirato akabudira kwavari, akati: Munoti, munhu uyu unemhosva yeiko?

30Vakapindura, vakati kwaari: Dai munhu uyu asaiva mutadzi, tingadai tisina kumuisa kwamuri.

31Zvino Pirato akati kwavari: Chimutorai imi, mumutonge nomurairo wenyu. VaJudha vakati kwaari: Hatina kutenderwa isu kuti tivuraye munhu;

32kuti shoko raJesu raakareva riitike, achidudzira kufa kwaaifanira kufa nako.

33Zvino Pirato akapinda zve mumba momubati, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo wavaJudha here??

34Jesu akapindura, akati: Unozvireva izvi pachako here, kana wazvivudzwa navamwe pamusoro pangu?

35Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJudha su? Rudzi rwako navaPirisita vakuru vakakuisa kwandiri; waiteiko?

36Jesu akapindura, akati: Vushe bwangu habwuzi bwenyika ino; dai vushe bwangu bwaiva bwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kuiswa kuvaJudha; asi zvino vushe bwangu hahwuzi bwapano.

37Ipapo Pirato akati kwaari: Iwe uri mambo su? Jesu akapindura, akati: Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvozvo, ndakavuyira izvozvo panyika kuti ndipupure zvokwadi. Mumwe nomumwe wazvokwadi unonzwa inzwi rangu.

38Pirato akati kwaari: Zvokwadi chinyiko? Akati areva izvozvo, akabudira zve kuvaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari.

39Asi imi munetsika kuti ndikusunungurirei mumwe nepaseka; zvino munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?

40Ipapo vakadanidzira vose, vachiti: Munhu uyu kwete, asi Bharabhasi! Zvino Bharabhasi wakanga ari gororo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.