Bhaibheri

Johani 19

John 19 · 42 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Pirato wakatora Jesu, akamurovesa.

2Varwi vakaruka korona yeminzwa, vakaiisa pamusoro wake, vakamupfekedza nguvo tsvuku.

3vakavuya kwaari, vachiti: Kwaziwai, Mambo wavaJudha! Vakamurova namavoko.

4Ipapo Pirato akabuda zve, akati kwavari: Tarirai, ndamubudisira kwamuri, muzive kuti handiwani mhosva kwaari.

5Jesu akabuda, akadzika korona yeminzwa, anenguvo tsvuku. Pirato akati kwavari: Tarirai munhu!

6Zvino vaPirisita vakuru navatariri vakati vachimuvona, vakadanidzira, vachiti: Roverai pamuchinjikwa, roverai pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Chimutorai imi, mumuroverei pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.

7VaJudha vakamupindura, vakati: Isu tinomurairo, zvino nomurairo wedu unofanira kufa, nokuti wakazviita Mwanakomana waMwari.

8Zvino Pirato wakati anzwa shoko iri, akanyanya kutya.

9Akapinda zve mumba momubati, akati kuna Jesu Uri wepiko? Asi Jesu haana kumupindura.

10Ipapo Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi su kuti ndinesimba rokukusunungura, nesimba rokukurovera pamuchinjikwa?

11Jesu akamupindura, akati: haungatongovi nesimba pamusoro pangu, kana usina kuripiwa richibva kumusoro' naizvozvo wakandiisa kwauri, unezvivi zvinokunda zvako.

12Zvino Pirato akatsvaka kumusunungura; asi vaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura munhu uyu, hamuzi shamwari yaKesari; mumwe nomumwe, unozviita mambo, unoramba Kesari.

13Zvino Pirato wakati anzwa mashoko iwayo, akabudisa Jesu, akagara pachigaro chokutonga, panzvimbo yainzi Pakarongwa naMambwe, asi nechiHebheru Gabata.

14Zvino wakanga uri musi woKugadzirira paseka; yaiva nguva inenge yechitanhatu. Akati kuvaJudha: Tarirai Mambo wenyu!

15Ivo vakadanidzira, vachiti: Bvisai, bvisai, mumurovere pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndorovera Mambo wenyu pamuchinjikwa here? VaPirisita vakuru vakapindura, vachiti: Hatinamambo, asi Kesari chete.

16Akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa. Zvino vakaenda naJesu;

17Akabuda akatakura muchinjikwa wake,akaenda kunzvimbo yainzi, Dehenya, nechiHebheru ichinzi Gorgota.

18pavakamurovera pamuchinjikwa, navamwe vaviri naye, mumwe kunorumwerutivi, mumwe kunorumwe rutivi, Jesu pakati.

19Pirato akanyora vo rugwaro, akaruisa pamuchinjikwa; kwakanga kwakanyorwa kuchinzi: Jesu weNazareta, MambowavaJudha.

20Zvino vaJudha vazhinji vakarava rugwaro urwo; nokuti nzvimbo iyo pakanga pakaroverwa Jesu pamuchinjikwa, yaiva pedo neguta; rwakanyorwa nechiHebheru, nechiLatini, nechiGiriki.

21Ipapo vaPirisita vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo wavaJudha, asi kuti Iye wakati: Ndiri mambo wavaJudha.

22Pirato akapindura, akati: Zvandanyora, ndanyora.

23Zvino varwi vakati varovera Jesu pamuchinjikwa, vakatora nguvo dzake, vakaita migove mina, murwi mumwe nomumwe mugove wake; nenguvo yapasi vo. Zvino nguvo iyi yakanga isina pakasonwa, asi yakanga yakarukwa yose kubva kumsoro kwayo.

24Zvino vakataurirana, vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo, tivone kuti ichava yani; kuti Rugwaro ruitike, runoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo. Vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu. Ndizvo zvakaitwa navarwi.

25Zvino pamuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, nomunin’ina wamai vake, Maria, mukadzi waKropasi, naMaria Magadarene.

26Zvino Jesu wakati achivona mai vake, nomudzidzi waaida, amirepo, akati kunamai vake: Mai, tarirai, mwanakomana wenyu.

27Ipapo akati kumudzidzi: Tarira mai vako. Kubva panguva iyo mudzidzi akavatora, akavaisa kumba kwake.

28Shure kwaizvozvo, Jesu wakati achiziva kuti zvose zvapera, kuti Rugwaro ruitike, akati: Ndinenyota.

29Pakanga pamirepo hari izere nevhinega; zvino vakaisa chipanje chizere nevhinega parutanda rwehisopi, vakaruisa kumuromo wake.

30Zvino Jesu wakati agamuchira vhinega, akati: Zvapera! Akakotamisa musoro wake, akabudisa Mweya wake.

31Zvino zvawaiva musi woKugadzirira paseka, vaJudha vakakumbira kunaPirato kuti akumbo avo avhunwe, vabiswe, kuti mitumbu irege kugara pamuchinjikwa nesabata, nokuti zuva iro resabata raiva guru.

32Naizvozvo varwi vakavuya, vakavhuna makumbo owokutanga, noomumwe wakanga aroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye;

33asi vakati vachisvika kunaJesu, vachivona kuti watofa hake, havana kuvhuna makumbo ake,

34asi mumwe murwi wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura zvikabuda.

35Uyo wakavona, ndiye wakapupura, vuye kupupura kwake ndokwe zvokwadi; iye unoziva kuti unoreva zvirokwazvo, kuti nemi vo mutende.

36Nokuti izvozvo zvakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti: Fupa rake haringavhunwi.

37Norumwe Rugwaro zve runoti: Vachatarira uyo wavakabvovora.

38Shure kwaizvozvo Josefa weArimatia, waiva mudzidzi waJesu, asi pakavanda nokutya vaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbu waJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akavuya, akabvisa mutumbu waJesu.

39NaNikodimo vo, iye wakambovuya kuna Jesu vusiku pakutanga, wakavuya anemura nearosi zvakavhenganiswa, mapaundi anenge zana.

40Ipapo vakatora mutumbu waJesu, vakamuputira nemicheka pamwe chete nezvinonhuwira, sezvinoita vaJudha pakuviga kwavo.

41Panzvimbo iyo, paakaroverwapamuchinjikwa, pakanga panomunda; mumunda imomo maiva nebwiro bwutsva, makanga musina kumboiswa munhu.

42Zvino vakaisa Jesuipapo,zvawakanga uri musiwo Kugadzirira kwavaJudha, (nokuti bwiro bwakanga bwuri pedo.)

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.