Bhaibheri

Johani 20

John 20 · 31 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino nomusi wokutanga wevhiki Maria Magadarene wakaenda kubwiro mangwanani kuchakasviba; akavona ibwe rabiswa pabwiro.

2Akamhanya, kuenda kuna Simoni Petro nokuno mumwe mudzidzi waidikanwa naJesu, akati kwavari: Vabvisa Ishe mubwiro, hatizivi pavakamuisa.

3Zvino Petro akabuda nouya mumwe mudzidzi, vakaenda kubwiro.

4Vakamhanya vose vari vaviri: uya mumwe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petro, akatanga kusvika pabwiro,

5akakotama achidongorera, akavona micheka iri pasi, asi haana-kupinda.

6Zvino Simoni Petro akasvika vo. Akapinda mubwiro, akavona micheka iri pasi;

7nomucheka muduku, wakanga uri mumusoro wake, usati uri kune imwe micheka, asi wakapetwa uri pamwe woga.

8Zvino uya mumwe mudzidzi akapinda vo, iye wakatanga kusvika pabwiro akavona, akatenda.

9Nokuti vakanga vachigere kunzwisisisa Rugwaro, runoti unofanira kumuka kuvakafa.

10Zvino vadzidzi vakadzokera zve kumusha kwavo.

11Asi Maria wakaramba amire kunze kwobwiro, achichema; zvino achachema akakotama, akadongorera mubwiro.

12Akavona vatumwa vaviri, vanenguvo chena, vagere, mumwe kumusoro. Mumwe kumakumbo, ipapo pakanga paiswa mutumbu waJesu.

13Ivo vakati kwaari: Mai, munochemeiko? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuisa.

14Zvino wakati achireva izozvo, akatendevukira shure, akavona Jesu amire; asi haana-kuziva kuti ndiJesu.

15Jesu akati kwaari: Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko? Iye achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari: Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndivudzei pamamuisa, ndindomutora.

16Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendevuka, akati kwaari nechiHebheru: Rabhoni; ndokuti Mudzidzisi,

17Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kunaBaba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari: Ndinokwira kunababa vangu naBaba venyu. KunaMwari wangu naMwari wenyu.

18Maria Magdarene akaenda akavudza vadzidzi, achiti: Ndavona Ishe, vuye kuti wakanga avudzwa zvinhu izvi naye.

19Zvino ava madeko pazuva iro rokutanga revhiki, mikova yapfigwa pavakanga vari pakavungana vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akavuya, akamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri!

20Zvino wakati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake norutivi rwake. Vadzidzi vakafara vachivona Ishe,

21Jesu akati zve kwavari: Rugare kwamuri! Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai vo.

22Zvino wakati areva izvozvo, akafemera kwavari, akati kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.

23Avo, vamunokanganwira zvivi zvavo, vazvikanganwirwa; avo vamunobata zvivi zvavo, zvabatwa.

24Zvino Tomasi, wainzi Didimo, mumwe wavanegumi navaviri, wakanga asipo pavari, pakuvuya kwaJesu.

25Zvino vamwe vadzidzi vakati kwaari: Tavona Ishe. Iye akati kwavari: Kana ndikasavona mavanga embambo muzvanza zvake, nokuisa munwe wangu paiva nembambo, nokuisa ruvoko rwangu murutivi rwake, handingatongo tendi.

26Zvino mazuva masere akati apfuvura zve, vadzidzi vakanga varimo mukati, naTomasi anavo. Jesu akavuya, mikova yapfigwa, akamira pakati pavo, akati Rugare kwamuri!

27Ipapo akati kunaTomasi: Vuya pano nomunwe wako, uvone zvanza zvangu; vuya noruvoko rwako, uruise murutivi rwangu, usava usingatendi, asi unotenda.

28Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu, naMwari wangu!

29Jesu akati kwaari: Tomasi watenda, nokuti wandivona? Vakaropafadzwa vanotenda, kunyange vasina-kuvona.

30Zvino Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iyi;

31asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari; vuye kuti, muchitenda, muve novupenyu muzita rake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.