Bhaibheri

Johani 3

John 3 · 36 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Kwaivapo mumwe wavaFarise, wainzi Nikodimo, mukuru wavaJudha.

2Iye akavuya kwaari vusiku, akati kwaari: Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kunaMwari; nokuti hakuna munhu unogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asinaye.

3Jesu akapindura, akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asingaberekwi kutsva haangavoni vushe bwaMwari.

4Nikodimo akati kwaari: Munhu ungagoberekwa seiko ava mukuru? Ungapinda zve mudumbu ramai vake rwechipiri, akaberekwa here?

5Jesu akapindura, akati: Zvirokwazvo zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muvushe bwaMwari.

6Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya.

7Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri: Munofanira kuberekwa kutsva?

8Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; mumwe nomumwe wakaberekwa noMweya wakadaro.

9Nikodimo akapindura, akati kwaari; Zvinhu izvi zvingagoitwa seiko?

10Jesu akapindura, akati kwaari: Iwe uri mudzidzisi wavaIsraeri haunzwisisi zvinhu izvozvi here?

11Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva tinopupura zvatakavona; asi imi hamugamuchiri kupupura kwedu.

12Kana ndakakuvudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuvudzai zvinhu zvokudenga?

13Hakuno munhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.

14Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa vo,

15kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara ave novupenyu bwusingaperi.

16Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara, asi ave novupenyu bwusingaperi.

17Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti arashe nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.

18Unotenda kwaari, haatongwi; asi usingatendi kwaari, watotongwa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari wakaberekwa mumwe woga.

19Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuvura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.

20Nokuti mumwe nomumwe, unoita zvakaipa, unovenga chiedza, haavuyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.

21Asi unoita zvokwadi, unovuya pachiedza, kuti mabasa ake avonekwe, kuti akaitwa munaMwari

22Shure kwaizvozvo Jesu wakasvika munyika yeJudhea, navadzidzi vake, akagara’ko navo achibhabhatidza.

23NaJohane wakanga achibhabhatidza vo paAinoni, pedo neSarimi, nokuti kwaiva nemvura zhinji ipapo; vakavuya, vakabhabhatidzwa.

24Nokuti Johane wakanga achigere kuiswa mutirongo.

25Zvino nharo dzikamuka pamusoro pokuzvinatsa pakati pavadzidzi vaJohane nomumwe muJudha.

26Vakavuya kuna Johane, vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemi mhiri kwaJorodhani, wamaimbopupurira, tarirai, iye unobhabhatidza, vuye vose vanovuya kwaari.

27Johane akapindura, akati: Munhu haangagamuchiri chinhu, kana asina kuchipiwa chichibva kudenga.

28Imi mumene mungandipupurira, kuti ndakati: Handizi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa pamberi pake.

29Unomwenga ndichochikomba; asi shamwari yechikomba inomira ichimunzwa, inofara zvikuru nenzwi rechikomba. Naizvozvo kufara kwangu uku kwazadzika.

30Iye unofanira kukura, asi ini ndinofanira kudukupiswa.

31Unobva kumusoro ndiye uri pamusoro pavose; nounobva panyika ndowenyika, unotaura zvenyika; unobva kudenga ndiye uri pamusoro pavose.

32Zvaakavona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakunomunhu unogamuchira kupupura kwake.

33Uyo wakagamuchira kupupura kwake, wakasimbisa kuti Mwari ndowa zvokwadi.

34Nokuti wakatumwa naMwari, ndiye unotaura mashoko aMwari; nokuti haapi Mweya achiyera.

35Baba vanoda Mwanakomana, vakamupa zvose muruvoko rwake.

36Unotenda kuMwanakomana, unovupenyu bwusingaperi; asi usingatereri Mwanakomana, haangavoni vupenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.