Johani 4
John 4 · 54 verses
1Zvino Ishe wakati aziva kuti vaFarise vakanga vanzwa kuti Jesu wakaita nokubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuvura Johane,
2(kunyange Jesu wakanga asingabhabhatidzi amene, asi vadzidzi vake),
3akabva Judhea, akaenda zveGarirea.
4Wakanga achifanira kupfuvura neSamaria.
5Zvino akasvika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedo nenyika yakanga yapa Jakobho mwanakomana wake Josefa.
6Tsime raJakobho rakanga riripo. Zvino Jesu aneta nokufamba, ndokungogara zvake patsime. Yaiva nguva inenge yechitanhatu.
7Zvino mumwe mukadzi weSamaria akasvikapo kuzochera mvura. Jesu akati kwaari: Ndipeivo, ndimwe.
8Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga zvokudya.
9Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kumwa, ini mukadzi muSamaria? (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria).
10Jesu akapindura, akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, vuye kuti ndiani unoti kwauri, ndipei vo ndimwe, ungadai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.
11Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chamungachera nacho, tsime rakadzika, zvino mvura mhenyu mungaiwanepiko?
12Ko muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime iri, vakamwa pariri vamene navanakomana vavo nezvipfuwo zvavo here?
13Jesu akapindura, akati kwaari: Mumwe nomumwe, unomwa mvura iyi, uchava nenyota zve.
14Asi aninani, unomwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kusvika kuvupenyu bwusingaperi.
15Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuvuya kuchera pano.
16Jesu akati kwaari: Enda, undodana murume wako, ugovuya pano.
17Mukadzi akapindura, akati kwaari: Handino murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka, zvawati: Handino murume.
18Nokuti watova navarume vashanu; uyo, waunaye zvino, haazi murume wako; apo wareva zvokwadi.
19Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinovona kuti muri muporofita.
20Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatwa.
21Jesu akati kwaari: Mai, nditende kuti nguva inovuya, yamusingazonamati Baba pagomo iri, kana paJerusarema.
22Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.
23Asi nguva inovuya, nazvino yatovapo, yokuti vashumiri vazvokwadi vachanamata Baba mumweya nezvokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.
24Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi.
25Zvino mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi unovuya, unonzi Kristu; kana iye asvika, uchativudza zvose.
26Jesu akati kwaari: Ini, ndinotaura newe, ndini iye.
27Zvino vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa vachivona kuti unotaurirana nomukadzi; kunyange zvakadaro hakuno mumwe wakati: Munotsvakeiko? Kana: Munotaurireiko naye?
28Ipapo mukadzi akasiya chirongo chake, akaenda muguta, akati kuvanhu:
29Vuyai muvone munhu, wakandivudza zvose zvandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here?
30Vakabuda muguta, vakaenda kwaari.
31Nenguva iyo vadzidzi vake vakafanomunyengetera, vachiti: Rabhi, chidyai.
32Iye akati kwavari: Ini ndine zvokudya, zvandinodya, zvamusingazivi,
33Zvino vadzidzi vakataurirana, vachiti: Kasi mumwe wamuvigira zvokudya kanhi?
34Jesu akati kwavari: Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwowakandituma, nokupedza basa rake.
35Ko imi hamuti: Kwasara mwedzi mina, kucheka kwasvika? Tarirai, ini ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, vonai minda, kuti yatoibvira kucheka.
36Unocheka unopiwa mubairo, unovunganidza zvibereko muvupenyu bwusingaperi; kuti unokusha nounocheka vafare vose.
37Nokuti shumo ndeya zvokwadi, inoti: Mumwe unokusha, mumwe achicheka.
38Ndakakutumai kundocheka zvamusakabatira; vamwe vakabata, zvino imi mapinda pabasa ravo
39Zvino vaSamaria vazhinji veguta iro vakatenda kwaari neshoko romukadzi wakapupura, achiti: Wandivudza zvose zvandakaita.
40Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetera kuti agare navo; akagarapo mazuva maviri.
41Navamwe vazhinji vakatenda neshoko rake.
42Vakati kumukadzi: Hatichatendi nokureva kwako; tazvinzwira timene, tinoziva kuti uyu ndiye Kristu Muponesi wenyika zvirokwazvo.
43Mazuva maviri akati apfuvura, akabvapo akaenda Garirea.
44Nokuti Jesu amene wakapupura, kuti muporofita haakudzwi munyika yake.
45Zvino wakati achisvika Garirea, vaGarirea vakamugamuchira, nokuti vakanga vavona zvose zvaakaita Jerusarema pamutambo, nokuti naivo vakanga vaenda vo kumutambo.
46Zvino Jesu wakasvika zve paKana yeGarirea, paakanga ashandura mvura ikaita waini. Ipapo pakanga pano mumwe mutariri washe, mwanakomana wake wakanga achirwara paKapernaume.
47Iye wakati achinzwa kuti Jesu wabva Judhea, wasvika Garirea, akaenda kwaari, akamunyengetera kuti aburuke kundoporesa mwanakomana wake; nokuti wakanga wotandadza.
48Zvino Jesu akati kwaari: Kana musingavoni zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.
49Mutariri washe akati kwaari: Ishe, burukai henyu, mwana wangu asati afa.
50Jesu akati kwaari: Enda hako, mwanakomana wako mupenyu. Munhu uyu akatenda shoko rakarebwa naJesu kwaari, akaenda.
51Wakati vachaburuka, varanda vake vakasongana naye, vakati: Mwana wenyu mupenyu.
52Zvino akavabvunza nguva yaakatanga kunaya nayo. Vakati kwaari: Zuro nenguva yechinomwe fivhiri yakabva kwaari.
53Zvino baba vakaziva kuti ndiyo nguva Jesu yaakati kwaari: Mwanakomana wako mupenyu. Iye akatenda nemhuri yake yose.
54Ichi ndicho chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva Judhea, asvika Garirea.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.