Bhaibheri

Johani 5

John 5 · 47 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Shure kwaizvozvo, mutambo wavaJudha waivapo; Jesu akakwira Jerusarema.

2Zvino paJerusarema pedo nesuvo ramakwai kwaiva nedziva rainzi Betsaida nechiHebheru, raiva namabiravira mashanu.

3Mukati mawo makanga muvete vazhinji vairwara namapofu, nezvirema, navakawonyana, [vakamirira kubvongodzwa kwemvura.

4Nokuti mutumwa waiburukira mudziva iro neimwe nguva, achibvongodza mvura; zvino uyo waitanga kupinda mumvura yabvongodzwa waiporeswa, kunyange akanga akabatwa nokurwara kupi nokupi.

5Zvino kwaivapo mumwe munhu, wakanga abatwa nokurwara kwake makore makumi matatu namasere.

6Jesu wakati avona munhu uyo avete pasi, zvaaiziva kuti wakanga akadaro nguva huru, akati kwaari: Unoda kuporeswa here?

7Murwere akamupindura, akati: Ishe, ndinoshaiwa munhu unondiwisira mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi ndinoti kana ndoenda. Mumwe wonditangira kupinda.

8Jesu akati kwaari: Simuka, tora nhovo dzako, ufambe.

9Pakarepo munhu uyo akaporeswa. Akatora nhovo dzake,. akafamba Musi uyo waiva wesabata.

10Zvino vaJudha vakati kuno wakaporeswa: Isabata, hautenderwi kutakura nhovo dzako.

11Iye akapindura, akati: Uyo wandiporesa ndiye wakati kwandiri: Tora nhovo dzako, ufambe?

12Vakamubvunza, vachiti: Ndianiko munhu uyo wakati kwaari: Tora nhovo dzako, ufambe?

13Zvino wakanga aporeswa, haana kuziva kuti ndiani; nokuti Jesu wakanga abva, zvakwaiva navanhu vazhinji panzvimbo iyo.

14Shure kwaizvozvo Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira, waporeswa; usatadza zve, kuti urege kubatwa nechinhu chakaipa chinokunda chichi.

15Zvino munhu uyo akandovudza vaJudha, kuti ndiJesu wakamuporesa.

16Saka vaJudha vakatambudza Jesu vakatsvaka kumuvuraya nokuti wakazviita izvozvo nesabata.

17Asi Jesu wakapindura, akati: Baba vangu vanobata kusvikira zvino, neni ndinobata vo.

18Saka zvino vaJudha vakatsvaka zvikuru kumuvuraya, nokuti wakanga asingaputsi murairo wesabata bedzi, asi wakati vo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari.

19Zvino Jesu akapindura, akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana hagoni kuita chinhu oga, kana asingavoni Baba vachichita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvo vo.

20Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, vanomuratidza zvose zvavanoita vamene; vachamuratidza mabasa makuru kunawawa, kuti mushamiswe.

21Nokuti Baba sezvavanomutsa vakafa, vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana unoraramisa vo vaanoda kuraramisa.

22Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose,

23kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza baba. Usingakudzi Mwanakomana, haakudzi naBaba, vakamutuma.

24Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unonzwa shoko rangu, nokutenda wakandituma, unovupenyu bwusingaperi; haavuyi mukutongwa, asi wabva murufu.waenda, muvupenyu.

25Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Nguva inovuya, nazvino yatovapo, nayo vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari; vanonzwa vachararama.

26Nokuti baba sezvavanovupenyu mavari, saizvozvo vo vakapa Mwanakomana, kuti ave novupenyu maari.

27Vakamupa simba rokutonga, zvaari Mwanakomana womunhu.

28Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inovuya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa inzwi rake,

29vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwovupenyu avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokurashiwa.

30Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwaBaba vakandituma.

31Kana ndichizvipupurira, kupupura kwangu hakuzi kwazvokwadi.

32Mumwe uripo unondipupurira; ndinoziva kuti kupupura kwake kwaanondipupurira ndokwe zvokwadi

33Makatuma kunaJohane, iye akapupura zvokwadi.

34Ini handigamuchiri kupupura kunobva kumunhu, asi ndinoreva izvozvo kuti muponeswe.

35Iye wakanga ari mwenje unopfuta nounovheneka;imi makanga muchida kufara nguva duku muchiedza chake.

36Ini ndinechapupu chikuru kunaJohane; nokuti mabasa andakapiwa naBaba; kuti ndiapedze, iwo mabasa andinoti, ndiwo anondipupurira kuti Baba vakandituma.

37Naivo Baba, vakandituma, ndivo vakandipupurira vo. Hamuna kutongonzwa inzwi ravo, kana kuvona mufananidzo wavo.

38Shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi wavakatuma.

39Munonzvera Magwaro, nokuti munoti vupenyu bwusingaperi munabwo maari; ndiwo anondipupurira ini.

40Asi hamudi kuvuya kwandiri, kuti muve novupenyu.

41Handigamuchiri kukudzwa kunobva kuvanhu; asi ndinokuzivai, kuti hamunorudo rwaMwari mukati menyu.

42asindinokuzivai, kuti hamunorudzo rwaMwari mukati menyu.

43Ndakavuya nezita raBaba vangu, asi hamuna kundigamuchira; kana mumwe akasvika nezita rake amene, muchamugamuchira iye.

44Mungatenda seiko imi, iyemi munogamuchira kukudzwa mumwe kunomumwe, asi kukudzwa kunobva kunaMwari, oga, hamukutsvaki?

45Musati ndichakupomerai mhosva kunaBaba; mumwe uri’ko unokupomerai mhosva, ndiye Mosesi, wamakavimba naye.

46Nokuti dai maitenda Mosesi, mungadai mainditenda ini, nokuti iye wakanyora zvangu.

47Asi kana musingatendi manyoro ake, mungatenda seiko mashoko angu?

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.