Bhaibheri

Mabasa 10

Acts 10 · 48 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino kwakanga kunomumwe murume paKesaria, wainzi Kornerio, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria,

2Munhu, wainamata nowaitya Mwari, iye neveimba yake yose, waipa vanhu zvipo zvizhinji, nokunyengetera kunaMwari misi yose.

3Zvino nenguva inenge yepfumbamwe yezuva akavona kwazvo, nezvaakaratidzwa, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Kornerio!

4Iye akamutarisisa, akatya, akati; Chinyiko Ishe? Akati kwaari: Minyengetero yako nezvipo zvako zvakwira pamberi paMwari, zvarangarirwa.

5Zvino tuma varume Jopa kundodana Simoni, unotumidzwa Petro.

6Unogara nomumwe unonzi Simoni, musuki wamatebwe, imba yake iri pagungwa iye uchakuvudza zvaunofanira kuita.

7Zvino mutumwa, wakataura naye, wakati abva, akadana varanda vake vaviri nomurwi wakarurama pakati pavaisimushumira,

8akavavudza zvose, ndokuvatumira Jopa.

9Zvino fume mangwana vachiri parwendo, vava pedo neguta, Petro akakwira pamusoro peimba kundonyengetera nenguva inenge yechitanhatu.

10Akaziya kwazvo, akada kudya; zvino vakati vachagadzira akabatwa nomweya;

11akavona denga razarurwa, nechimwe chinhu chichiburuka somucheka mukuru unoburusirwa pasi wakasungwa miromo mina.

12Maiva nemhuka dzose dzinamakumbo mana nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga.

13Inzwi rikavuya kwaari, richiti: Simuka Petro, baya, udye.

14Asi Petro akati: Kwete, Ishe, nokuti handina kutongodya chinhu chisakanaka, chinetsvina.

15ipapo inzwi rikavuya zve kwaari rwechipiri, richiti: Chakanatswa naMwari, usati, chinetsvina iwe.

16Izvozvo zvakaitwa katatu, chinhu chikakwidzwa pakarepo kudenga.

17Zvino Petro wakati achakanganiswa mumoyo make kuti chiratidzo chaakanga avona chairevei, tarira varume vakanga vatumwa naKornerio, vamira pasuvo vachibvunza imba yaSimoni;

18vakadana, vakabvunza kana Simoni, unonzi Petro, agerepo.

19Zvino Petro, achafunga chiratidzo, Mweya akati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka.

20Zvino simuka, uburuke, uende navo, usinganyunyuti, nokuti ndini ndava tuma.

21Ipapo Petro akaburukira kuvarume avo, akati kwavari: Tarirai, ndini wamunotsvaka; shoko ramavuyira ndereiko?

22Vakati: Kornerio, mukuru wezana, murume wakarurama, unotya Mwari, unorumbidzwa norudzi rwose rwavaJudha, wakarairwa naMwari nomutumwa mutsvene, kuti anzwe mashoko kwamuri.

23Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo. Fume mangwana akasimuka, akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza.

24Fume zve mangwana akapinda Kesaria, Zvino Kornerio wakanga akavamirira, akakokera hama dzake neshamwari dzake dzaidikanwa.

25Zvino Petro wakati achipinda, Kornerio akamuchingamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamunamata.

26Asi Petro wakamusimudza, akati: Simuka, neni ndiri munhu vo.

27Zvino wakati achataura naye, akapinda, akawana vazhinji vakavungana,

28akati kwavari: Imi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuvuya kwaari: Asi Mwari wakandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti unetsvina;

29naizvozvo ndavuya, ndisingarambi, zvandadanwa; zvino ndinobvunza kuti mandidanireiko.

30Kornerio akati: Ava mazuva mana kusvikira nguva ino, ini ndakanga ndichinyengetera mumba mangu nenguva yepfumbamwe, ipapo ndikavona murume amire pamberi pangu, anenguvo dzinopenya.

31akati: Kornerio, kunyengetera kwako kwanzwika, nezvipo zvako zvarangarirwa naMwari.

32Naizvozvo chitumira vanhu Jopa, udane Simoni, unonzi Petro; unogara mumba maSimoni musuki wamatebwe, pagungwa iye kana auya uchataura newe.

33Naizvozvo ndakakurumidza kutuma kwamuri; zvino maita zvakanaka, zvamavuya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari, kuti tinzwe zvamarairwa naShe.

34Ipapo Petro akashamisa muromo wake, akati: Zvirokwazvo, ndinovona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu;

35asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.

36Ndiro shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe wavose),

37Imi munoziva shoko iro rakaparidzwa paJudhea rose, rakatanga paGarirea, shure kwokubhabhatidzwa kwakaparidzwa naJohane;

38raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza noMweya Mutsvene nesimba; iye waipotenyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhorosi; nokuti Mwari waiva naye.

39Nesu tiri zvapupu zvazvose, zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusarema; ndiye wavakavuraya, vachimuturika pamuti.

40Ndiye wakamutswa naMwari nezuva retatu, akamupa simba kuti avonekwe pachena;

41akasavonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakagara zvatsaurwa naMwari, iyesu taidya nokunwa naye, amuka kuvakafa.

42Akatiraira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa.

43Vaporofita vose vanomupupurira kuti nezita rake mumwe nomumwe unotenda kwaari uchapiwa kanganwiro yezvivi.

44Petro wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akaburuka pamsoro pavose, vakanzwa shoko.

45Zvino vatendi vokudzingisa, vakanga vavuya naPetro, vakashamiswa, nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururwa pamusoro pavahedheni vo;

46nokuti vakavanzwa vachitaura nedzimwe ndimi, vachirumbidza Mwari. Ipapo Petro akapindura akati:

47Kunomunhu here ungadzivisa mvura, kuti ava, vakapiwa Mweya Mutsvene sesu, varege kubhabhatidzwa?

48Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira kwaari, kuti ambogara mamwe mazuva.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.