Asi Sauro achingorangarira kutyisa nokuvuraya vadzidzi vaShe, wakaenda kumuPirisita mukuru,,And Saul, yet breathing out threatenings and slaughter against the disciples of the Lord, went unto the high priest,
akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamaseko kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, avuye navo Jerusarema vakasungwa.And desired of him letters to Damascus to the synagogues, that if he found any of this way, whether they were men or women, he might bring them bound unto Jerusalem.
Zvino wakati ari parwendo, oswedera pedo neDhamaseko, kamwe-kamwe chiedza chakabva kudenga chikamupenyera pamativi ose,And as he journeyed, he came near Damascus: and suddenly there shined round about him a light from heaven:
akawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?And he fell to the earth, and heard a voice saying unto him, Saul, Saul, why persecutest thou me?
Iye akati: Ndimi aniko, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza; [zvinokuremera kupfura zvibayiso.And he said, Who art thou, Lord? And the Lord said, I am Jesus whom thou persecutest: it is hard for thee to kick against the pricks.
Iye achidedera nokutya, akati: Ishe, munoda kuti ndiiteiko? Ishe akati kwaari:] Simuka, uende muguta, uchandovudzwa zvaunofanira kuita.And he trembling and astonished said, Lord, what wilt thou have me to do? And the Lord said unto him, Arise, and go into the city, and it shall be told thee what thou must do.
Varume vaiva parwendo naye, vakamira vanyerere, vachinzwa inzwi, asi vasingavoni munhu.And the men which journeyed with him stood speechless, hearing a voice, but seeing no man.
Zvino Sauro akasimuka pasi; asi achisvunudza meso ake, haana kuvona chinhu; vakamubata ruvoko, vakaenda naye Dhamaseko.And Saul arose from the earth; and when his eyes were opened, he saw no man: but they led him by the hand, and brought him into Damascus.
Akaita mazuva matatu, asingavoni, asingadyi, asinganwi chinhu.And he was three days without sight, and neither did eat nor drink.
Zvino paDhamaseko pakanga panomumwe mudzidzi, wainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari nezvaakaratidzwa: Ananiasi! Iye akati: Ndiri pano Ishe!And there was a certain disciple at Damascus, named Ananias; and to him said the Lord in a vision, Ananias. And he said, Behold, I am here, Lord.
Ishe akati kwaari: Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudhasi, munhu unonzi Sauro weTarso; nokuti tarira, unonyengetera;And the Lord said unto him, Arise, and go into the street which is called Straight, and enquire in the house of Judas for one called Saul, of Tarsus: for, behold, he prayeth,
naiye wakavona murume, unonzi Ananiasi achipinda, achiisa mavoko ake pamusoro pake, kuti avone zve.And hath seen in a vision a man named Ananias coming in, and putting his hand on him, that he might receive his sight.
Zvino Ananiasi akapindura, akati: Ishe, ndakanzwa navanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti wakaitira vatsvene venyu paJerusarema zvakaipa zvizhinji;Then Ananias answered, Lord, I have heard by many of this man, how much evil he hath done to thy saints at Jerusalem:
napano unesimba raakapiwa navaPirisita vakuru, kuti asunge vose vanonamata nezita renyu.And here he hath authority from the chief priests to bind all that call on thy name.
Asi Ishe, akati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsraeri;But the Lord said unto him, Go thy way: for he is a chosen vessel unto me, to bear my name before the Gentiles, and kings, and the children of Israel:
nokuti ndichamuratidza zvose, zvaachafanira kutamburira nokuda kwezita rangu.For I will shew him how great things he must suffer for my name’s sake.
Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa mavoko ake pamusoro pake, akati: Sauro, hama, Ishe Jesu, wakazviratidza kwauri munzira yawakavuya nayo, wakandituma, kuti uvone zve, uzadzwe noMweya Mutsvene.And Ananias went his way, and entered into the house; and putting his hands on him said, Brother Saul, the Lord, even Jesus, that appeared unto thee in the way as thou camest, hath sent me, that thou mightest receive thy sight, and be filled with the Holy Ghost.
Pakarepo pameso ake pakabva zvinhu zvinenge mafunhurwa, akavona zve; akasimuka, ndokusimbiswa.And immediately there fell from his eyes as it had been scales: and he received sight forthwith, and arose, and was baptized.
Akagara navadzidzi paDhamaseko mamwe mazuva.And when he had received meat, he was strengthened. Then was Saul certain days with the disciples which were at Damascus.
Pakarepo akaparidza Kristu mumasinagoge, kuti ndiye Mwanakomana waMwari.And straightway he preached Christ in the synagogues, that he is the Son of God.
Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati: Ko uyu haazi iye waiparadza vaidana kuzita iri paJerusarema here, akavuyira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvaPirisita vakuru?But all that heard him were amazed, and said; Is not this he that destroyed them which called on this name in Jerusalem, and came hither for that intent, that he might bring them bound unto the chief priests?
Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akakunda vaJudha vakanga vagere Dhamaseko, achiratidza kuti Jesu ndiye Kristu.But Saul increased the more in strength, and confounded the Jews which dwelt at Damascus, proving that this is very Christ.
Zvino mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kuti vamuvuraye.And after that many days were fulfilled, the Jews took counsel to kill him:
Asi kurangana kwavo kwakazikanwa naSauro. Vakarinda vo masuvo masikati novusiku, kuti vamuvuraye.But their laying await was known of Saul. And they watched the gates day and night to kill him.
Zvino vadzidzi vake vakamutora vusiku, vakamuburusa naparusvingo, vamuisa mudengu.Then the disciples took him by night, and let him down by the wall in a basket.
Zvino wakati asvika Jerusarema, akaidza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose vasingatendi kuti wava mudzidzi.And when Saul was come to Jerusalem, he assayed to join himself to the disciples: but they were all afraid of him, and believed not that he was a disciple.
Zvino Bharnabhasi akamutora, akaenda naye kuvaapostora, ndokuvarondedzera kuti wakavona Ishe munzira, vuye kuti wakataura naye, vuye kuti wakaparidza nezita raJesu paDhamaseko asingatyi.But Barnabas took him, and brought him to the apostles, and declared unto them how he had seen the Lord in the way, and that he had spoken to him, and how he had preached boldly at Damascus in the name of Jesus.
Akagara navo paJerusarema, achifambidzana navo,And he was with them coming in and going out at Jerusalem.
akaparidza nezita raShe asingatyi. Akataura nokuita nharo navaJudha vaitaura chiGiriki; asi ivo vakaidza kumuvuraya.And he spake boldly in the name of the Lord Jesus, and disputed against the Grecians: but they went about to slay him.
Zvino hama dzakati dzichizviziva, dzikamuburusira Kesaria, ndokumutumira Tarso.Which when the brethren knew, they brought him down to Caesarea, and sent him forth to Tarsus.
Zvino kereke yakanga inorugare paJudhea rose neGarirea, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, ichifamba ichitya Ishe, ichinyaradzwa noMweya Mutsvene.Then had the churches rest throughout all Judaea and Galilee and Samaria, and were edified; and walking in the fear of the Lord, and in the comfort of the Holy Ghost, were multiplied.
Zvino Petro wakati achipota nyika kwose, akaburukira vo kuvatsvene vakanga vagere Ridha,And it came to pass, as Peter passed throughout all quarters, he came down also to the saints which dwelt at Lydda.
Akawanapo mumwe munhu, wainzi Eneasi, wakanga avete panhovo makore masere, akafa mitezo.And there he found a certain man named Aeneas, which had kept his bed eight years, and was sick of the palsy.
Petro akati kwaari: Eneasi, Jesu Kristu unokuporesa; simuka,, uwarure nhovo dzako! Akasimuka pakarepo.And Peter said unto him, Aeneas, Jesus Christ maketh thee whole: arise, and make thy bed. And he arose immediately.
Zvino vose vakanga vagere Ridha neSaroni vakamuvona, vakatendevukira kunaShe.And all that dwelt at Lydda and Saron saw him, and turned to the Lord.
Zvino paJopa pakanga panomukadzi waiva mudzidzi, wainzi Tabhita, ndokuti Dorkasi, kana zvichishandurwa. Iye wakashingaira zvikuru pamabasa akanaka nezvipo.Now there was at Joppa a certain disciple named Tabitha, which by interpretation is called Dorcas: this woman was full of good works and almsdeeds which she did.
Zvino namazuva iwayo iye akarwara, ndokufa. Vakati vamushambidza, vakamuisa muimba yokumusoro,And it came to pass in those days, that she was sick, and died: whom when they had washed, they laid her in an upper chamber.
Zvino Ridha zvawakanga uri pedo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Petro uripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti: Usanonoka hako kuvuya kwatiri.And forasmuch as Lydda was nigh to Joppa, and the disciples had heard that Peter was there, they sent unto him two men, desiring him that he would not delay to come to them.
Ipapo Petro akasimuka, akaenda navo. Wakati asvika, vakamuisa kuimba yokumusoro chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokupfeka nenguvo, dzavakanga vaitirwa naDorkasi, achiri navo.Then Peter arose and went with them. When he was come, they brought him into the upper chamber: and all the widows stood by him weeping, and shewing the coats and garments which Dorcas made, while she was with them.
Zvino Petro akavabudisira panze vose, akafugama, akanyengetera, ndokutendevukira kumutumbu, akati: Tabhita, muka! Akasvunura meso ake; zvino wakati achivona Petro, akagara.But Peter put them all forth, and kneeled down, and prayed; and turning him to the body said, Tabitha, arise. And she opened her eyes: and when she saw Peter, she sat up.
Akamubata noruvoko rwake, akamusimudza; akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu.And he gave her his hand, and lifted her up, and when he had called the saints and widows, presented her alive.
Zvikazikanwa navose paJopa; vazhinji vakatenda kunaShe.And it was known throughout all Joppa; and many believed in the Lord.
Ipapo akagara mazuva mazhinji paJopa, kunomumwe Simoni, musuki wamatebwe.And it came to pass, that he tarried many days in Joppa with one Simon a tanner.