Bhaibheri

Mabasa 11

Acts 11 · 30 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino vaapostora nehama, vaiva paJudhea, vakanzwa kuti vahedheni vakagamuchira vo shoko raMwari

2Zvino Petro wakati akwira Jerusarema,vatendi vokudzingisa vakaita nharo naye,

3vachiti: Wakapinda iwe kuvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.

4Zvino Petro akatanga kuvarondedzera zvose, zvichitevedzana, achiti:

5Ndakanga ndiri muguta reJopa, ndichinyengetera; ndikabatwa nomweya, ndikavona chiratidzo; chimwe chinhu chakaburuka, chinenge mucheka mukuru unoburuswa kudenga wakasungwa miromo mina, chikasvika kwandiri;

6ndakati ndachitarisisa, nokucherekedza, ndikavona mhuka dzenyika dzinamakumbo mana nezvikara, nezvinokambaira, neshiri dzedenga,

7ndikanzwa vo inzwi richiti kwandiri: Simuka Petro, baya, udye.

8Asi ini ndikati: Kwete Ishe, nokuti mumuromo mangu hamuna kumbopinda chinhu chisakanaka, chinetsvina.

9Asi inzwi rakapindura rwechipiri, richibva kudenga, richiti: Icho chakanatswa naMwari, iwe usati, hachinakunaka.

10Izvozvi zvakaitwa katatu, zvose zvikakwidzwa zve kudenga.

11Ipapo tarira pakarepo varume vatatu vamire pamberi peimba matakanga tiri vakanga vatumirwa kwandiri vachibva Kesaria.

12Ipapo ndikakokerwa noMweya, kuti ndienda navo, ndisinganyunyuti. Nehama idzi nhanhatu vo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu.

13Iye akativudza vo kuti wakavona mutumwa amire mumba make, achiti: Tumira Jopa, udane Simoni, unonzi Petro;

14iye uchakuvudza mashoko auchaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose.

15Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavo, sapamusoro pedu vo pakutanga.

16Ini ndikarangarira shoko raShe, rokuti: Johane wakabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.

17Zvino kana Mwari akavapa chipo icho chaakatipa isu, pakutenda kwedu kunaShe Jesu Kristu, ini ndaigova ani, waigona kudzivisa Mwari?

18Zvino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari vachiti: Zvirokwazvo, Mwari wakapa vahedheni vo kutendevuka kwovupenyu.

19Zvino avo vakaparadzirwa nokutambudzika kwakamuka pamusoro paStefano, vakaenda kusvikira paFenikia neKupro, neAntiokia, vasingatauri shoko kumunhu, asi kunavaJudha bedzi.

20Zvino pakati pavo paiva navamwe varume veKupro neKurini ivo vakati vasvika Antiokia, vakataura kuvaGiriki vo, vachiparidza Ishe Jesu.

21Ruvoko rwaShe rukava navo, vazhinji vakatenda, vakatendevukira kunaShe.

22Mashoko avo akanzwika nekereke paJerusarema, vakatuma Bharnabhasi kuti aende Antiokia.

23Iye wakati asvika, avona nyasha dzaMwari, akafara; akaraira vose kuti vanamatire Ishe nomoyo wakasimba;

24nokuti waiva murume wakanaka, uzere noMweya Mutsvene nokutenda; vazhinji-zhinji vakawedzerwa kunaShe.

25Iye akaenda Tarso achindotsvaka Sauro.

26Zvino wakati amuwana, akavuya naye Antiokia. Ipapo vakavungana nekereke gore rose, vakadzidzisa vanhu vazhinji-zhinji; paAntiokia vadzidzi vakatanga kunzi Vakristu.

27Namazuva iwayo vaporofita vakaburuka vachibva Jerusarema, vakaenda Antiokia.

28Mumwe wavo wainzi Agabo, akasimuka, ndokuvazivisa noMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; iyo ikasvika panguva yaKraudio.

29Ipapo vadzidzi vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhea.

30Vakaita kudaro, vakazvitumira naBharnabhasi naSauro kuvakuru.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.