Bhaibheri

Mabasa 12

Acts 12 · 25 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino nenguva inenge iyeyo mambo Herodhe akatambanudza mavoko ake kuti atambudze vamwe vekereke;

2akavuraya Jakobho, mukuru waJohane, nomunondo.

3Zvino wakati achivona kuti zvafadza vaJudha, ndokupfuvura akabata Petro vo. Aiva mazuva ezvingwa zvisinembiriso.

4Zvino wakati amubata, akamusunga mutorongo, akamuisa kumapoka mana, rimwe nerimwe rinavarwi vana, kuti vamurinde, achiti amuise pamberi pavanhu, kana paseka yapfuvura.

5Naizvozvo Petro akachengetwa mutorongo,; asi wakanga achinyengetererwa zvikuru nekereke kunaMwari.

6Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, vusiku ibwobwo Petro wakanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namaketani maviri; navarindi vakanga vachirinda torongo pamberi pomukova.

7Ipapo, tarira, mutumwa waShe wakamirapo, chiedza chikapenya mumba; akarova Petro parutivi, ndokumumutsa, achiti: Muka, ukurumidze. Ipapo maketani akawa pamavoko ake.

8Mutumwa akati kwaari: Zvisunge chivuno, usungire shangu dzako. Akaita saizvozvo. Akati kwaari: Fuka nguvo yako, unditevere.

9Akabuda, akamutevera, asingazivi kuti zvirokwazvo zvinoitwa nomutumwa; asi wakati ndinovona chiratidzo.

10Zvino vakati vapfuvura murindi wokutanga nowechipiri, vakasvika pasuvo ramatare, pavaipinda napo paguta; rikangovazarukira roga; vakabuda, vakapfuvura neimwe nzira, mutumwa ndokubva kwaari pakarepo.

11Petro wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe wakatuma mutumwa wake, akandirwira paruvoko rwaHerodhe napazvose zvakanga zvichifungwa navanhu vavaJudha.

12Zvino wakati arangarira izvozvo, akaenda kumba kwaMaria, mai vaJohane, wainzi Marko; vazhinji vakanga vakavunganapo, vachinyengetera.

13Zvino wakati agogodza pagonhi resuvo, musikana wainzi Rodha akavuya kuzoterera.

14Iye akati achinzwa inzwi raPetro, akasazarura suvo nomufaro, asi wakamhanyira mukati akavavudza kuti Petro umire pasuvo.

15Ivo vakati kwaari: Unopenga. Asi iye wakasimbisa achiti ndizvozvo. Ivo vakati: Mutumwa wake.

16Asi Petro wakaramba achigogodza; vakazozarura, vakamuvona, vakashamiswa.

17Zvino iye akavaninira noruvoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutovo waakabudiswa nawo naShe patorongo. Akati: Vudzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.

18Zvino kwakati kwaedza, bope guru rikavapo pakati pavarwi, vachiti Petro waitiwa sei?

19Herodhe wakati amutsvaka, akamushaiwa, ndokubvunzisisa varindi, akaraira kuti vavurawe. Zvino akaburuka Judhea, akaenda Kesaria, akandogara’ko.

20Zvino akatsamwira zvikuru vanhu veTire neSidhoni; ivo ndokuvuya kwaari vose pamwe chete, vakaita vushamwari naBrasto, mutariri weimba yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa zvokudya nenyika yamambo.

21Ipapo nezuva rakanga ratarwa, Herodhe akafuka nguvo dzovumambo, akagara pachigaro chake chovushe, akataura kwavari.

22Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti: Inzwi raMwari, harizi romunhu.

23Pakarepo mutumwa waShe ukamurova, nokuti wakanga asinakukudza Mwari; akadyiwa nehonye, akafa.

24Asi shoko raMwari rakakura rikawanda.

25Zvino Bharnabhasi naSauro vakati vapedzisa basa ravo, vakadzokera Jerusarema, vakaenda naJohane, wainzi Marko.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.