Bhaibheri

Mabasa 13

Acts 13 · 52 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino pakereke yapaAntiokia paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bharnabhasi naSimeoni, wainzi Nigeri, naRukio weKurini, naManaeni wakanga arerwa pamwe chete naHerodhe mubati, naSauro.

2Vakati vachishumira Ishe, nokuzvinyima zvokudya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Barnabhasi naSauro kubata basa randakavadanira.

3Ipapo vakazvinyima zvokudya, vakanyengetera, vakaisa mavoko pamusoro pavo, ndokuvaendisa.

4Naizvozvo vakati vatumwa noMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia; vakabvapo vakaenda Kupro nechikepe.

5Vachisvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge avaJudha. Vakanga vanaJohane vo, waiva mubatsiri wavo.

6Vakati vagura chiwi chose kusvikira paPafosi, vakawana imwe n’anga, waiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi Bari-Jesu.

7Waigara pamubati wenyika, wainzi Sergio Pauro, munhu wakachenjera. Iye ndokudana Bharnabhasi naSauro, achitsvaka kunzwa shoko raMwari.

8Asi n’anga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana richishandurwa), akavadzivisa, achitsvaka kutsausa mubati pakutenda.

9Asi Sauro (ndiye Pauro vo), azere noMweya Mutsvene, akamutarisisa, akati:

10Iwe, uzere nokunyengera kwose namano akaipa ose, mwanakomana waDhiabhorosi, muvengi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaShe?

11Zvino, tarira, ruvoko rwaShe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingavoni zuva. Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota-pota, achitsvaka vangamusesedza noruvoko.

12Zvino mubati wakati achivona zvaitika, akatenda, akashamiswa nedzidziso yaShe.

13Zvino Pauro navaiva naye, vakabva Pafosi, ndokusvika Perga muPamfiria; Johane akabva kwavari, ndokudzokera Jerusarema.

14Asi ivo vakabva Perga, vakasvika Antiokia paPisidia; vakapinda musinagoge nezuva resabata, ndokugara pasi.

15Zvino murairo navaporofita zvakati zvarabwa, vabati vesinagoge vakatuma shoko kwavari, vachiti: Varume, hama, kana muneshoko rokuvaraidza vanhu, taurai henyu.

16Ipapo Pauro akasimuka, akavaninira noruvoko, akati: Varume vaIsraeri, nemi munotya Mwari, tererai:

17Mwari wavanhu ava vaIsraeri wakasanangura madzibaba edu, akakudza vanhu ava, vachiri vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruvoko runesimba,

18akava nomoyo murefu namafambire avo murenje makore anenge makumi mana,

19akaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani, akavagovera nyika yavo nemijenya, ive nhaka yavo makore anenge mazana mana namakumi mashanu.

20Shure kwaizvozvo akavapa vatongi kusvikira kumuporofita Samueri.

21Pashure vakakumbira mambo; Mwari akavapa Sauro, mwanakaomana waKisi, murume worudzi rwaBenjamini, makore makumi mana.

22Akamubvisa akamutsa Dhavhidhi, kuti ave mambo wavo, waakapupura achiti: Ndawana Dhavhidhi, mwanakomana waJese murume womoyo wangu, uchaita kuda kwangu kwose.

23Parudzi rwaiyeyo, Mwari akamutsira vaIsraeri Muponesi Jesu, se zvaakanga avapikira;

24iye asati asvika, Johane akamboparidzira vanhu vaIsraeri rubhabhatidzo rwokutendevuka.

25Zvino Johane wakati opedzisa basa rake, akati: Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe unovuya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.

26Varume, hama, vana vorudzi rwaAbhurahamu, navari pakati penyu vanotya Mwari, shoko roruponeso urwu rakatitumirwa isu.

27Nokuti vaigara Jerusarema navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana manzwi avaporofita, anorabwa sabata rimwe nerimwe vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo.

28Kunyange vasina kuwana mhosva yorufu kwaari, vakakumbira kunaPirato kuti avurawe.

29Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga mubwiro.

30Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa.

31Akavonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusarema, vachibva Garirea, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu.

32zvino tinokuparidzirai mashoko emufaro kuti chipikirwa chakaitwa kumadzibaba edu.

33Kuti Mwari wakachizadzisa kwatiri isu vana vavo pakuti wakasimudzazve Jesu sezvazvakanyorwa mupisarema rechipiri ndiwe mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.

34Zvino zvaanoti wakamumutsa kuvakafa kuti asazodzokerazve kukuvora wakareva kudai ndichakupai mikomborera mitsvene inotendwa yaDhavhidhi.

35Nokuti unoreva panerimwe Pisarema, achiti: Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti avone kuvora.

36Nokuti Dhavhidhi wakati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kunamadzibaba ake, akavona kuvora.

37Asi uyu, wakamutswa naMwari haana kuvora.

38Naizvozvo varume, hama, muzive imi, kuti kanganwiro yezvivi noyuyu inokuparidzirwai imi.

39Noyuyu, mumwe nomumwe unotenda, unoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurairo waMosesi.

40Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarebwa navaporofita, zvinoti:

41Tarirai, imi vazvidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, Basa ramucharamba kutongotenda, kana muchizvivudzwa nomunhu.

42Zvino vakati vachibuda musinagoge, vakakumbira zvikuru kuti vaparidzirwe zve mashoko iwayo nesabata rinotevera.

43Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navaproserite vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBharnabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavaraira kuti varambire panyasha dzaMwari.

44Nesabata rakatevera guta rinenge rose. Rakavungana kuzonzwa shoko raMwari.

45Zvino vaJudha vakati vachivona vanhu vazhinji, vakazara negodo, vakaramba zvakarebwa naPauro, vachimhura Mwari.

46Ipapo Pauro, naBharnabhasi vakataura vasingatyi, vakati: Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi novupenyu bwusingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni.

47Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo, achiti: Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.

48Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvozvo, vakafara, vakakudza shoko raShe; navose vakanga vatarirwa vupenyu bwusingaperi vakatenda.

49Shoko raShe rikaparidzirwa kunyika yose.

50Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vainamata Mwari, vaikudzwa, navakuru veguta; vakamutsira Pauro naBharnabhasi dambudziko, vakavadzinga munyika yavo.

51Asi ivo vakazuza guruva patsoka dzavo, vakaenda Ikonio.

52Vadzidzi vakaramba vachizadzwa nomufaro noMweya Mutsvene.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.