Mabasa 14
Acts 14 · 28 verses
1Zvino paIkonio vakapinda pamwechete vose musinagoge ravaJudha, vakataura nokudaro kuti vazhinji-zhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda.
2Asi vaJudha vasina kuterera, vakamutsa moyo yavahedheni, kuti vavenge hama.
3Naizvozvo vakagarapo nguva refu, vachitaura munaShe vasingatyi; iye akapupurira shoko renyasha dzake, akavapa simba kuti zviratidzo nezvishamiso zviitwe namavoko avo.
4Asi vanhu vazhinji veguta vakapesana, vamwe vakava kuvaJudha, vamwe kuvaapostora.
5Zvino vahedheni, navaJudha, navabati vavo vakati vachivavarira kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe;
6ivo vakazviziva, vakatizira Ristra neDerbe, aiva maguta eRikaonia, nokunyika yakapoteredza;
7vakaparidzira Evhangeri ikoko.
8Zvino paRistra paigara mumwe murume wakanga asinesimba patsoka dzake, chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.
9Iye wakanzwa Pauro achitaura; zvino iye wakati achimutarisisa, akavona kuti unokutenda kuti ungaporeswa,
10akati nenzwi guru: Mira kwazvo netsoka dzako. Iye akavhazuka, akafamba.
11Vanhu vazhinji vakati vavona zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwavaRikaonia, vachiti: Vamwari vaburukira kwatiri, vakaita savanhu.
12Bharnabhasi vakamutumidza Jupiteri, naPauro Merkurio, nokuti ndiye waiva mutauri mukuru.
13Ipapo muPirisita waJupiteri waiva netembere yake pamberi peguta, akavuya pamasuvo nenzombe namaruva okushonga, achida kuvabayira, anavanhu vazhinji naye.
14Zvino vaapostora, Bharnabhasi naPauro, vakati vachinzwa izozvo, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pavanhu vazhinji, vakadanidzira.
15vachiti: Varume, munoitireiko izvozvi? Nesu tiri vanhu semi vo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaizvozvo zvisinamaturo, mutendevukire kunaMwari mupenyu wakaita denga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo.
16Iye, panguva dzakapfuvura wakatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo.
17Asi haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji, achizadza moyo yenyu nezvokudya nomufaro.
18Nokutaura kwavo saizvozvo, vakatambura kwazvo kudzivisa vanhu kuti varege kuvabayira.
19Ipapo vaJudha vakabva Antiokia neIkonio, vakasvika, vakamutsa moyo yavanhu vazhinji, vakataka Pauro namabwe, vakamukwevera kunze kweguta vachiti wafa.
20Asi vadzidzi vakati vamukomba, iye akasimuka, akapinda muguta. Fume mangwana akaenda Derbe naBharnabhasi.
21Vakati vaparidza Evhangeri paguta iro, vakaita vadzidzi vazhinji, ndokudzokera Ristra, neIkonio, neAntiokia,
22vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivaraira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, tinofanira kupinda vushe bwaMwari namadambudziko mazhinji.
23Vakavasanangurira vakuru pakereke imwe neimwe, vakanyengetera, vachizvinyima zvokudya, vakavaisa kunaShe, wavaitenda.
24Vakagura nePisidia, ndokusvika Pamfiria.
25Vakati vaparidza shoko paPerga, vakaburukira Ataria.
26Vakabvapo, vakaenda Antiokia nechikepe, apo pavakanga vaiswa panyasha dzaMwari kubata basa ravakanga vapedzisa zvino.
27Vakati vasvika, vakavunganidza kereke, vakarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari navo, vuye kuti wakanga azarurira vahedheni mukova wokutenda.
28Vakagara nguva huru navadzidzi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.