Zvino vamwe vakaburuka Judhea, vakadzidzisa hama, vachiti: Kana musingadzingiswi netsika yaMosesi, hamungaponeswi.And certain men which came down from Judaea taught the brethren, and said, Except ye be circumcised after the manner of Moses, ye cannot be saved.
Asi Pauro naBharnabhasi vakapesana kwazvo navo, nokuita nharo navo, vakazotenderana kuti Pauro naBharnabhasi navamwe vavo vakwire Jerusarema kuvaapostora navakuru pamusoro peshoko iri.When therefore Paul and Barnabas had no small dissension and disputation with them, they determined that Paul and Barnabas, and certain other of them, should go up to Jerusalem unto the apostles and elders about this question.
Naizvozvo vakaperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamaria, vakataura zvokutendevuka kwavahedheni; vakafadza zvikuru hama dzose.And being brought on their way by the church, they passed through Phenice and Samaria, declaring the conversion of the Gentiles: and they caused great joy unto all the brethren.
Zvino vakati vasvika Jerusarema, vakagamuchirwa nekereke, navaapostora, navakuru; vakarondedzera zvose zvakaitwa naMwari navo.And when they were come to Jerusalem, they were received of the church, and of the apostles and elders, and they declared all things that God had done with them.
Asi vamwe vedzidziso yavaFarise, vaitenda, vakasimuka, vakati, vanofanira kudzingiswa nokurairwa kuti vachengete murairo waMosesi.But there rose up certain of the sect of the Pharisees which believed, saying, That it was needful to circumcise them, and to command them to keep the law of Moses.
Ipapo vaapostora navakuru vakavungana kuti varangane pamusoro peshoko iri.And the apostles and elders came together for to consider of this matter.
Zvino, nharo huru dzakati dzavapo. Petro akasimuka akati kwavari: Varume, hama, munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari wakandisanangura pakati penyu, kuti vahedheni vanzwe shoko reEvhangeri nomuromo wangu, vatende.And when there had been much disputing, Peter rose up, and said unto them, Men and brethren, ye know how that a good while ago God made choice among us, that the Gentiles by my mouth should hear the word of the gospel, and believe.
Zvino Mwari, muzivi womoyo, wakavapupurira, akavapa Mweya Mutsvene sesu;And God, which knoweth the hearts, bare them witness, giving them the Holy Ghost, even as he did unto us;
haana kutsaura pakati pedu navo, zvaakanatsa moyo yavo nokutenda.And put no difference between us and them, purifying their hearts by faith.
Naizvozvo zvino munoidzirei Mwari, muchiisa pamitsipa yavadzidzi joko, rakanga risingagoni kutakurwa namadzibaba edu kunyange nesu?Now therefore why tempt ye God, to put a yoke upon the neck of the disciples, which neither our fathers nor we were able to bear?
Asi tinotenda kuti isu tichaponeswa nenyasha dzaShe Jesu Kristu nomutovo mumwe navo.But we believe that through the grace of the Lord Jesus Christ we shall be saved, even as they.
Ipapo vanhu vazhinji vose vakaramba vanyerere, vakaterera vana Bharnabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso, zvakaitwa naMwari navo pakati pavahedheni.Then all the multitude kept silence, and gave audience to Barnabas and Paul, declaring what miracles and wonders God had wrought among the Gentiles by them.
Zvino vakati vanyarara, Jakobho akapindura, akati: Varume, hama, nditererei.And after they had held their peace, James answered, saying, Men and brethren, hearken unto me:
Simeoni wakarondedzera mutangire waMwari kumutsa vahedheni, kuti atore kwavari vanhu vezita rake.Simeon hath declared how God at the first did visit the Gentiles, to take out of them a people for his name.
Namashoko avaporofita anobvumira izvozvi; sezvazvakanyorwa zvichinzi:And to this agree the words of the prophets; as it is written,
Shure kwaizvozvi ndichadzoka, Ndivake tabernakeri yaDhavhidhi, yakawa;Ndichavaka zve matongo ayo, Ndichiimutsa;After this I will return, and will build again the tabernacle of David, which is fallen down; and I will build again the ruins thereof, and I will set it up:
Ndizvo zvinotaura Ishe, Navahedheni vose vakadanwa nezita rangu,That the residue of men might seek after the Lord, and all the Gentiles, upon whom my name is called, saith the Lord, who doeth all these things.
Mabasa ake ose kubva pakuvamba kwenyika anozikanwa kunaMwari.Known unto God are all his works from the beginning of the world.
Naizvozvi ini ndinoti, ngatirege kugumbusa avo pakati pavahedheni vakatendevukira kunaMwari;Wherefore my sentence is, that we trouble not them, which from among the Gentiles are turned to God:
asi tivanyorere kuti varege zvakashatiswa nezvifananidzo, novupombwe, ne zvakadzipwa, neropa.But that we write unto them, that they abstain from pollutions of idols, and from fornication, and from things strangled, and from blood.
Nokuti Mosesi kubva pamarudzi ekare, waiva navanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achirabwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe.For Moses of old time hath in every city them that preach him, being read in the synagogues every sabbath day.
Ipapo vaapostora, navakuru, nekereke yose, vakati zvakanaka kuti vasanangure varume pakati pavo, vavatumire Antiokia pamwe chete naPauro naBharnabhasi, naSirasi, vakuru pakati pehama.Then pleased it the apostles and elders, with the whole church, to send chosen men of their own company to Antioch with Paul and Barnabas; namely, Judas surnamed Barsabas, and Silas, chief men among the brethren:
Vakanyora mwadhi, vakaituma navo, yaiti: Vaapostora navakuru kuhama, dzokuvahedheni paAntiokia, napaSiria, napaKirikia; Mufaro!And they wrote letters by them after this manner; The apostles and elders and brethren send greeting unto the brethren which are of the Gentiles in Antioch and Syria and Cilicia:
Zvatakanzwa, kuti vamwe vakabva kwatiri, vatisina kuraira, vakakukanganisai namashoko, vachidziyanisa mweya yenyu vachiti munofanira kudzingiswa nokuchengeta murairo.Forasmuch as we have heard, that certain which went out from us have troubled you with words, subverting your souls, saying, Ye must be circumcised, and keep the law: to whom we gave no such commandment:
takati nomwoyo mumwe zvakanaka kuti tisanangure varume, tivatumire kwamuri, pamwe chete naBharnabhasi naPauro, vadikanwa vedu;It seemed good unto us, being assembled with one accord, to send chosen men unto you with our beloved Barnabas and Paul,
vanhu vakazvidza vupenyu bwavo nokuda kwezita raShe wedu Jesu Kristu.Men that have hazarded their lives for the name of our Lord Jesus Christ.
Zvino tatuma Judhasi naSirasi, ivo vanozokuvudzai vamene izvozvi nomuromo.We have sent therefore Judas and Silas, who shall also tell you the same things by mouth.
Nokuti Mweya Mutsvene nesu takati zvakanaka, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kunezvinhu izvi zvakafanira,For it seemed good to the Holy Ghost, and to us, to lay upon you no greater burden than these necessary things;
zvinoti: Regai zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, novupombwe; kana mukazvidzora pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.That ye abstain from meats offered to idols, and from blood, and from things strangled, and from fornication: from which if ye keep yourselves, ye shall do well. Fare ye well.
Zvino vakati vaendiswa, vakaburukira Antiokia; vakavunganidza vanhu vazhinji,vakavapa mwadhi.So when they were dismissed, they came to Antioch: and when they had gathered the multitude together, they delivered the epistle:
Ivo vakati vairava, vakafara zvikuru pamusoro pokuvaraidzwa.Which when they had read, they rejoiced for the consolation.
Judhasi naSirasi, vaiva vaporofita vamene, vakavaraidza hama namashoko mazhinji, nokuvasimbisa.And Judas and Silas, being prophets also themselves, exhorted the brethren with many words, and confirmed them.
Vakati vagara’ko nguva, vakaendiswa nehama nomufaro, vakaenda kunavakanga vavatuma.And after they had tarried there a space, they were let go in peace from the brethren unto the apostles.
[Kunyange zvakadaro Sirasi wakavona zvakanaka kugarapo.]Notwithstanding it pleased Silas to abide there still.
Pauro naBaranabasi vakagara Antiokia, vachidzidzisa nokuparidza shoko raShe, navamwe vazhinji vo.Paul also and Barnabas continued in Antioch, teaching and preaching the word of the Lord, with many others also.
Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, Pauro akati kunaBharnabhasi: Ngatidzoke zve tindoshanyira hama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raShe, tivone kuti vakadini.And some days after Paul said unto Barnabas, Let us go again and visit our brethren in every city where we have preached the word of the Lord, and see how they do.
Zvino Bharnabhasi wakanga achida kutora Johane vo, wainzi Marko;And Barnabas determined to take with them John, whose surname was Mark.
asi Pauro wakati hazvina kunaka kumutora iye, wakambovasiya paPamfiria, akasaenda navo kubasa.But Paul thought not good to take him with them, who departed from them from Pamphylia, and went not with them to the work.
Ipapo kupesana kukavapo, nokudaro vakaparadzana, Bharnabhasi akatora Marko, akaenda Kupro nechikepe;And the contention was so sharp between them, that they departed asunder one from the other: and so Barnabas took Mark, and sailed unto Cyprus;
asi Pauro wakasanangura Sirasi; akenda, akaiswa nehama panyasha dzaShe;And Paul chose Silas, and departed, being recommended by the brethren unto the grace of God.
akagura neSiria neKirikia, achisimbisa kereke.And he went through Syria and Cilicia, confirming the churches.