Bhaibheri

Mabasa 16

Acts 16 · 40 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Akasvika vo paDerbe neRistra. Zvino ipapo paiva nomumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana womukadzi mutendi, waiva muJudha; asi baba vake vaiva muGiriki.

2Iye waipupurirwa zvakanaka nehama dzapaRistra neIkonio.

3Pauro akada kuti aende naye, akamutora, akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vose vakanga vachiziva kuti baba vake muGiriki.

4Vakafamba namaguta, vakavapa zvirevo zvakatemwa navaapostora navakuru vapaJerusarema, kuti vazvichengete.

5Naizvozvo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuverengwa kwadzo zuva rimwe nerimwe.

6Vakagura nenyika yeFrigia neyeGaratia, vambodziviswa noMweya Mutsvene kuparidza shoko paAsia.

7Zvino vakati vasvika pakatarisana neMisia, vakaidza kuenda Bitinia, asi Mweya haana kuvatendera.

8Vakati vapfuvura Misia, vakaburukira Troa.

9Chiratidzo chikavonekwa naPauro vusiku; murume weMakedhonia wakanga amire, akakumbira zvikuru kwaari, achiti: Yambukira Makedhonia, utibatsire.

10Zvino wakati avona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kuenda Makedhonia, tichiti, Mwari watidana kuti tindovaparidzira Evhangeri.

11Naizvozvo takabva Troa nechikepe, tikaruramira Samotrake; fume mangwana tikasvika Neapori;

12tikabvapo, tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedhonia, raiva koroni yeRoma; tikagara mamwe mazuva muguta iro

13Nezuva resabata tikabuda kunze kwesuvo kurwizi, pataiti vanenge vanonyengeterapo; tikagara pasi, tikaparidzira vakadzi vakanga vavunganapo.

14Zvino mumwe mukadzi, wainzi Ridia, mutengesi wenguvo tsvuku, womusha weTiatira, wainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura moyo wake, kuti aterere zvaitaurwa naPauro.

15Wakati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru; achiti: Kana muchiti ndakatenda kunaShe, pindai mumba mangu mugare. Akatitendisa.

16Zvino takati tichipinda panzvimbo yokunyengetera, tikasongana nomumwe musikana waiva nomweya wokuvuka, waiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.

17Iye akatevera Pauro nesu, akadanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo.

18Akaita izvozvo mazuva mazhinji. Zvino Pauro akafa neshungu, akatendevuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Ukabuda nenguva iyeyo.

19Zvino vatenzi vake vakati vachivona kuti tariro yokufumiswa kwavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira, kudare pamberi pavabati,

20vakaenda navo kuvatongi, vakati: Vanhu ava vaJudha, vanopesanisa guta redu,

21vachiparidza tsika dzatisinakutenderwa kugamuchira, kana kuita, isu vaRoma.

22Ipapo vanhu vazhinji vakavamukira vose, vatongi vakava bvarurira nguvo dzavo, vakaraira kuti varobwe neshamhu.

23Zvino vakati vavarova zvikuru, vakavaisa mutorongo, vakaraira murindi wetorongo kuti ava chengete kwazvo.

24Iye akati arairwa kudaro, akavaisa mutorongo yomukati, akasunga makumbo avo mumatanda.

25Zvino panenge pakati povusiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavaterera.

26Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo mikova yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka.

27Ipapo murindi wetorongo akapepuka, ndokuvona mikova yetorongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzvivuraya, achiti vasungwa vatiza.

28Ipapo Pauro akadanidzira nenzwi guru, akati: Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose.

29Zvino wakati akumbira mwenje, akamhanyiramo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, a chibvunda;

30akavabudisira kunze, akati: Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?

31Vakati: Tenda kunaShe Jesu Kristu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.

32Vakaparidza shoko raMwari kwaari navose vaiva mumba make.

33Akavatora nenguva iyeyo yovusiku, akakupa mavanga avo, ndokubhabhatidzwa pakarepo, iye navose vake.

34Akaenda navo mumba make, ndokuisa zvokudya pamberi pavo, akafara zvikuru, iye nemhuri yake yose, achitenda kunaMwari.

35Zvino kwakati kwaedza, vatongi vakatuma mapurisa, vachiti: Sunungurai vanhu vaya.

36Murindi wetorongo akavudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatongi vatuma shoko kuti musunungurwe; naizvozvo budai henyu zvino, muende norugare.

37Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutorongo; zvino vodokutibudisa chinyararire here? Haiwa, kwete! Ngavavuye vamene vatibudise.

38Mupurisa akavudza vatongi mashoko iwayo; vakatya vachinzwa kuti vaRoma;

39vakasvika, vakakumbira zvikuru kwavari; vakavabudisa, ndokukumbira kuti vabve muguta ravo.

40Ipapo vakabuda mutorongo, vakapinda mumba maRidia; vakavona hama, vakavanyaradza, ndokuenda.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.