Bhaibheri

Mabasa 17

Acts 17 · 34 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino vakati vagura neAmfipori neAporonia, vakasvika paTesaronika paiva nesinagoge ravaJudha.

2Zvino Pauro, sezvaaisiita, akapinda kwavari; akataurirana navo zvaMagwaro masabata matatu,

3achivazarurira nokuvazivisa, kuti Kristu waifanira kutambudzika nokumuka kuvakafa, vuye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu.

4Vamwe vavo vakatendiswa, vakatevera Pauro naSirasi, navazhinji vavaGiriki, vainamata Mwari, navakadzi vaikudzwa vazhinji.

5Asi vaJudha vakanga vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe, vakavunganidza vanhu vazhinji, vakakanganisa guta; vakawira imba yaJasoni, vachida kuvabudisira kuvanhu.

6Vakati vachivashaiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vakadana, vachiti: Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napano vo,

7Jasoni akavagamuchira; ava vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaKesari, vachiti, mumwe mambo uri’ko, unonzi Jesu.

8Vakapesanisa vanhu navabati veguta, vachinzwa izvozvo.

9Zvino, vakati vatora rubatso kunaJasoni navamwe, vakavarega.

10Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Berea vusiku. Ivo vakati vachisvikapo, vakapinda musinagoge ravaJudha.

11Ava vakanga vachinzwisisa kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.

12Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, navakadzi vaikudzwa vavaGiriki, navarume vazhinji.

13Asi vaJudha veTesaronika, vakati vachinzwa kuti shoko raMwari roparidzwa naPauro paBerea, vakasvika vo ipapo, vakamutsa nokupesanisa vazhinji.

14Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kusvikira kugungwa, asi Sirasi naTimotio vakasarapo.

15Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Atene; vakati varairwa kuvudza Sirasi naTimotio, kuti vakurumidze kuvuya kwaari, vakabva.

16Zvino Pauro, achakavagarira paAtene, akanzwa shungu pamoyo, achivona kuti guta rizere nezvifananidzo.

17Naizvozvo akataurirana musinagoge navaJudha, navainamata Mwari, napadare zuva rimwe nerimwe, navaakasongana navo.

18Zvino vamwe vakachenjera vavaEpikuro navaStoiko, vakaita nharo naye; vamwe vakati: Ko uyu mutauri wezvisinamaturo unoda kureveiko? Vamwe zve vakati: Unenge muparidzi wavamwari vasingazikanwi; nokuti wakavaparidzira Jesu nokumuka kwavakafa.

19ipapo vakamubata, vakamuisa paAreopago, vakati: Ngatinzwe vo kuti dzidziso iyi itsva, inotaurwa newe, ndeyeiko?

20Nokuti unoreva zvimwe zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kunzwa, kuti zvinhu izvi ndezveiko?

21(Zvino vaAtene vose, navatorwa vaigarapo, vaingofarira chinhu chimwe chete, kutaura kana kunzwa chinhu chitsva.)

22Zvino Pauro, amire pakati peAreopago, akati: Imi varume veAtene, pazvinhu zvose ndinovona kuti munonamata zvikuru.

23Nokuti ndakati ndichipfuvura, ndichicherekedza zvamunonamata, ndakawana vo aritari yakanyorwa izvi: KUNAMWARI USINGAZIKANWI. Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai.

24Mwari wakasika nyika nezvose zviri mairi, iye Tenzi wedenga napasi, haagari mutembere dzakaitwa namavoko.

25Haashumirwi namavoko avanhu, saachinge achishaiwa chinhu, zvaari iye amene unopa vose vupenyu, nokufema, nezvose;

26wakaita neropa rimwe marudzi ose avanhu, achibva kunomumwe chete, kuti agare pose panyika; ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yukugara kwavo;

27kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu.

28Nokuti maari tinovupenyu, tinofamba, tiripo; sezvavakareva vamwe vanyori venziyo vokwenyu, vachiti: Nokuti tiri rudzi rwake vo,

29Zvatiri rudzi rwaMwari, hatifaniri kufunga kuti vuMwari bwakafanana nendarama, kana sirivheri, kana ibwe, rakavezwa novumhizha kana kuchenjera kwomunhu.

30Naizvozvo Mwari wakarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino unoraira vanhu vose kwose-kwose kuti vatendevuke.

31Nokuti wakatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kunavose, pakumumutsa kuvakafa.

32Zvino vakati vachinzwa zvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati: Tichazokunzwa zve pamusoro paizvozvi,

33Naizvozvo Pauro akabuda pakati pavo,

34Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo kwaiva naDhionisio, muAreopago, nomukadzi wainzi Dhamari, navamwe pamwe chete navo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.