Bhaibheri

Mabasa 18

Acts 18 · 28 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Shure kwaizvozvo, Pauro wakabva Atene, akasvika Korinte;

2akawana mumwe muJudha, wainzi Akwira, chizvagwa chePonto, achangobva Itaria, naPrisira mukadzi wake; (nokuti Kraudio wakanga araira kuti vaJudha vose vabve Roma); akaenda kwavari;

3zvino zvaakanga anebasa rimwe navo, akagara navo vachibata; nokuti basa ravo raiva rokuita matende.

4Sabata rimwe nerimwe akataurirana navo musinagoge, akaidza kugombedzera vaJudha navaGiriki.

5Zvino Sirasi naTimotio vakati va chizoburuka vachibva Makedhonia, Pauro akamanikidzwa neshoko, achipupurira vaJudha kwazvo kuti Jesu ndiye Kristu.

6Zvino vakati vachimudzivisa, nokumutuka, akazuza nguvo dzake, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena, kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.

7Akabvapo, akapinda mumba momumwe, wainzi Tito Justo, wainamata Mwari, imba yake yaiva pedo nesinagoge.

8NaKrispo, mukuru wesinagoge. Akatenda kunaShe naveimba yake yose; navazhinji veKorinte vakanzwa, vakatenda, vakabhabhatidzwa.

9Zvino Ishe akati kunaPauro vusiku nechiratidzo: Usatya hako, asi taura, usanyarara;

10nokuti ini ndinewe; hapanomunhu ungakumukira akakuitira zvakaipa, nokuti ndinavanhu vazhinji muguta rino.

11Akagarapo gore rimwe nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.

12Zvino Gario wakati ava mubati weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nomwoyo mumwe, vakavuya naye pachigaro chokutonga,

13vachiti: Uyu unogombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira isingatenderwi nomurairo.

14Zvino Pauro wakati odakushamisa muromo wake, Gario akati kuvaJudha: Dai yaiva mhosva yezvisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuva nomoyo murefu kwamuri, imi vaJudha

15Asi kana dziri nharo pamusoro pamashoko namazita nomurairo wenyu, tambai henyu imi mhosva iyo; ini handidi kuva mutongi waizvozvo.

16Akavadzinga pachigaro chokutonga.

17Zvino vose vakabata Sosteni, mukuru wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chokutonga; asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe chaizvozvo.

18Pauro wakati agarapo mazuva mazhinji, akawonekana nehama, akabvapo, akaenda Siria nechikepe, anaPrisira naAkwira, avevura musoro wake paKenkrea, nokuti wakanga apika.

19Vakasvika Efeso, akavasiyapo; asi iye amene wakapinda musinagoge, akataurirana navaJudha.

20Zvino vakati vachikumbira kuti agare navo nguva refu, haana kutenda;

21akawonekana navo, achiti: Ndinofanira chose kuchengeta mutambo uyu unoitwa muJerusarema. Ndichadzokera zve kwamuri, kana Mwari achida, akabva paEfeso nechikepe.

22Wakati asvika Kesaria, akakwira kundokwazisa kereke, akaburukira Antiokia.

23Wakati agarapo nguva, akabva, akagura nenyika dzeGaratia neFrigia achidzitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose.

24Zvino mumwe muJudha wainzi Aporo, worudzi rwapaArekasandira, murume wakanga akadzidza zvikuru, wakasvika Efeso; wakanga anesimba pamagwaro.

25Uyu wakanga adzidziswa nzira yaShe, akashingaira nomweya, achitaura nokunatsodzidzisa zvaJesu, achiziva rubhabhatidzo rwaJohane bedzi.

26Iye akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanatsomududzira nzira yaMwari.

27Zvino wakati achida kuyambukira Akaya, hama dzikamusimbisa, vakanyorera vadzidzi kuti vamugamuchire. Zvino wakati asvika, akabatsira zvikuru ivo vakatenda nenyasha.

28Nokuti wakakunda vaJudha nesimba pachena, achiratidza naMagwaro, kuti Jesu ndiyeKristu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.