Bhaibheri

Mabasa 19

Acts 19 · 41 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Aporo achiri paKorinte, Pauro wakati agura namativi enyika okumusoro, akasvika Efeso, akawana vamwe vadzidzi,

2akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here? vakati kwaari kwete, hatina kutongonzwa kuti Mweya Mutsvene uripo.

3Akati: ko makabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwupiko? Vakati: Norubhabhatidzo rwaJohane.

4Zvino Pauro akati: Johane wakabhabhatidza norubhabhatidzo rwokutendevuka, achivudza vanhu kuti vatende kunaiye unozovuya shure kwake, iye Jesu Kristu.

5Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabhabhatidzwa muzita raShe Jesu,

6Zvino Pauro wakati aisa mavoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akavuya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita.

7Ivavo vose vaiva varume vanenge gumi navaviri.

8Zvino wakapinda musinagoge, akataura asingatyi mwedzi mitatu, achitaurirana navo, achivagombedzera namashoko ovushe bwaMwari.

9Asi vamwe vakati vachiwomesa moyo, vasingatereri, vachizvidza Nzira iyo pamberi pavazhinji akabva kwavari, akataura navadzidzi, akataurirana navo zuva rimwe nerimwe muchikoro chaTirano.

10Izvozvo zvikaitwa makore maviri; nokudaro vose vakanga vagere paAsia vakanzwa shoko raShe Jesu, vaJudha navaGiriki.

11NaMwari akaita zvishamiso nemavoko aPauro,

12nokudaro micheka nenguvo, zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda.

13Zvino vamwe vaJudha, vavuki, vaipota-pota, vakaidza kudana zita raShe Jesu pamusoro pavaiva nemweya yakaipa, vachiti: Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro.

14Vaiva vanakomana vanomwe vomumwe muJudha, wainzi Skevha, muPirisita mukuru, vaiita izvozvo.

15Mweya wakaipa ukapindura, ukati kwavari: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinomuziva, asi imi ndimi vananiko?

16Ipapo munhu waiva nomweya wakaipa akavamukira simba, akavakurira vose vari vaviri, akavakunda; nokudaro vakatiza mumba imomo, vasinenguvo, vakuvadzwa.

17Izvozvo zvakazikanwa navose vaJudha navaGiriki, vakanga vagere Efeso vakatya vose, zita raShe Jesu rikakudzwa.

18Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakavuya, vakazvirevurura, nokurondedzera mabasa avo.

19Navamwe vazhinji vaiita zvovun’anga, vakavunganidza bhuku dzavo, vakadzipisa pamberi pavose; vakaverenga mutengo wadzo, vakawana kuti waiva masirivheri anezvuru zvinamakumi mashanu.*

20Naizvozvo shoko raShe rikakura nesimba, rikakunda.

21Izvozvo zvakati zvapedziswa, Pauro akafunga mumoyo make kuenda Jerusarema, kana ambogura napaMakedhonia neAkaya, achiti: Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundovona Roma vo.

22Zvino akatumira Makedhonia vaviri vavaimushumira, vanaTimoito naErasto, iye amene akagara Asia nguva duku.

23Zvino nenguva iyo bope guru rikavapo pamusoro peNzira iyo.

24Nokuti mumwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirvheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirvheri, waifumisa zvikuru mhizha dzapo.

25Akavavunganidza ivo pamwe chete navamwe vabati vezvakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tinowana fuma yedu.

26Zvino munovona, nokunzwa, kuti Pauro uyu wakatendisa nokutsausa vazhinji, pasati pari paEfeso bedzi, asi panenge paAsia yose, achiti, zvakaitwa namavoko havazi vamwari.

27Zvino njodzi ndiyo kuti habwuzi vumhizha bwedu bedzi bwungazvidzwa, asi kuti tembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichashovorwa, naiye amene, unonamatwa paAsia yose nenyika yose, abviswe pavukuru bwake.

28Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakadanidzira, vachiti: Dhiana wavaEfeso mukuru!

29Guta rikakanganiswa kwazvo; vakamhanyira nomoyo mumwe panzvimbo paitambwa, vabata Gayo naAristarko, varume veMakedhonia, vaiperekedza Pauro.

30Zvino Pauro akada kupinda kuvanhu, vadzidzi vakasamutendera.

31Navamwe vakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kupinda panzvimbo paitambwa.

32Zvino vamwe vakadanidzira zvimwe, vamwe zvimwe zve; nokuti vungano yakanga yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakavunganira.

33Ipapo vakabudisa Areksandro mukati mavanhu vazhinji, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Areksandro akaninira noruvoko, achida kuzvidavirira pamberi pavanhu.

34Ipapo vakati vachivona kuti iye muJudha, inzwi rimwe rikamuka kuna vose, vakadanidzira nguva dzinenge mbiri, vachiti: Dhiana wavaEfeso mukuru!

35Zvino munyori weguta wakanyaradza vanhu, akati: Varume veEfeso, munhu ndoupiko usingazivi, kuti guta ravaEfeso ndiro mushumiri wamwari kadzi mukuru Dhiana nowechifananidzo chakawa kubva kunaJupiteri.

36Zvazvisingagoni kurambwa izvozvi, maifanira kunyarara musingaiti chinhu nokusarangarira kwazvo.

37Nokuti mavuya navarume ava, vasati vari mbavha dzetembere kana vamhuri vamwarikadzi wedu.

38Zvino kana Dhemetrio nedzimwe mhizha dzinaye vanemhosva nomunhu, misi yokutonga iripo, navatongi varipo; ngavakwirirane havo.

39Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu pamusoro pedzimwe mhosva, zvingatemwa pavungano yakafanira.

40Nokuti njodzi ndiyo kuti tingakwirirwa pamsoro pebope ranhasi, zvakusinemhosva; kana chiri chinhu ichi hatingagoni kupindura pamsoro pemhere-mhere iyi.

41Wakati ataura izvozvo, akaendisa vungano.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.