Mabasa 20
Acts 20 · 38 verses
1Bopoto rakati ranyarara, Pauro akadana vadzidzi, akavaraira, ndokuwonekana navo, akabva achida kuenda Makedhonia.
2Akagura namativi enyika idzo, akaraira vatendi namashoko mazhinji, ndokusvika panyika yavaGiriki.
3Akati agara mwedzi mitatu, rangano yakaipa ikaitwa navaJudha pamusoro pake, oda kuenda Siria nechikepe, akati ndodzokera napaMakedhonia.
4Akaperekedzwa naSopatro weBerea, mwanakomana waPiro; naAristarko naSekundo, veTesaronika; naGayo weDerbe, naTimotio; vuye Tikiko naTrofimo veAsia.
5Ivo vakatungamira, vakatimirira paTroa.
6Isu tikabva Firipi nechikepe mazuva ezvingwa zvisinembiriso apfuvura; tikasvika kwavari paTroa namazuva mashanu; tikagarapo, mazuva manomwe.
7Zvino nomusi wokutanga wevhiki, takavungana kuti timedure chingwa, Pauro akataurirana navo, achida kuenda mangwana; akaramba achiparidza shoko kusvikira pakati povusiku.
8Kwakanga kunemwenje mizhinji muimba yokumusoro matakanga tavungana.
9Zvino pahwindi pakanga pagere rimwe jaya, rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo, zvino Pauro, wakati achingoramba achiparidza, iye akabatwa nehope, akawira pasi, achibva paimba yechitatu yokumusoro, akasimudzwa afa.
10Ipapo Pauro akaburuka, akazviwisira pamusoro pake, akamufungatira, akati: Musaita bopoto, nokuti mweya wake uchiri maari.
11Zvino wakati akwirazve kumusoro, akamedura chingwa, akadya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, ndokuenda.
12Vakavuya nomukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa kwazvo.
13Asi isu takatungamira kuchikepe, tikaenda Aso, tichida kutora Pauro ipapo, nokuti wakanga araira saizvozvo, iye achida kufamba namakumbo.
14Takati tasongana naye paAso, tikamutora, tikandosvika Mitirene;
15tikabva ipapo nechikepe, fume mangwana tikasvika pakatarisana neKiyo; fume mangwana tikapfuvura napaSamo; fume mangwana zve tikasvika Mireto.
16Nokuti Pauro wakanga achiti: Ndichapfuvura Efeso nechikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti wakanga achikurumidza kuti kana zvichibvira ave Jerusarema nezuva rePentekosta.
17Zvino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundodana vakuru vekereke.
18Vakati vasvika kwaari, akati kwavari: Imi munoziva mugarire wangu pakati penyu nguva dzose, kubva pazuva rokutanga randakasvika naro paAsia;
19ndichibatira Ishe nokuzvininipisa zvikuru, nemisodzi, namadambudziko akandiwira nerangano dzakaipa dzavaJudha;
20kuti handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose;
21ndichipupurira kwazvo vaJudha navaGiriki, kuti vatendevukire kunaMwari, nokutenda kunaShe wedu Jesu Kristu.
22Zvino tarirai, ndinoenda Jerusarema ndakasungwa pamweya ndisingazivi zvichandiwira ikoko;
23asi kuti Mweya Mutsvene unondipupurira kwazvo muguta rimwe nerimwe, kuti kusungwa nenhamo zvakandigarira.
24Asi hakuna chimwe chezvinhu izvi chinondidzosera shure uye handiverengi kuti upenyu hwangu hunokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nomufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rokupupura kwazvo Evhangeri yenyasha dzaMwari.
25Zvino tarirai, ndinoziva kuti imi mose, vandakafamba pakati penyu, ndichiparidza vushe bwaMwari hamuchazovoni chiso changu.
26Naizvozvo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakachena paropa ravanhu vose.
27Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari.
28Zvichenjererei imi, neboka rose ramakaitwa vatariri varo noMweya Mutsene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake.
29Ini ndinoziva kuti kana ndaenda mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka.
30Vuye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere.
31Naizvozvo rindai, murangarire kuti makore matatu handina kurega vusiku namasikati kuraira mumwe nomumwe nemisodzi.
32Zvino hama dzangu ndinokuisai kunaShe, neshoko renyasha dzake, iye unesimba rokukuvakisai, nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene vose.
33Handina kuchochora sirvheri, kana ndarama, kana nguvo dzomunhu mumwe.
34Hongu munoziva imi mumene, kuti mavoko awa akabatira kushaiwa kwangu nokwavanhu vandaiva navo.
35Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata muchidai, munofanira kubatsira vasinesimba, nokurangarira mashoko aShe Jesu, sezvaakataura amene achiti: Kupa kunamaropafadzo kupfuvura kugamuchira.
36Wakati ataura izvozvo, akafugama, akanyengetera navo vose.
37Vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro, vakawonekana naye nokumusveta,
38vaneshungu kwazvo neshoko raakataura rokuti havachazovoni chiso chake. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.