Zvino takati taparadzana navo, tikabva nechikepe, tikarurama, tikasvika Kose; fume mangwana tikasvika Rode; tikabvapo, tikasvika Patara.And it came to pass, that after we were gotten from them, and had launched, we came with a straight course unto Coos, and the day following unto Rhodes, and from thence unto Patara:
Takati tawanapo chikepe, chaiyambukira Finikia, tikapinda mukati macho, tikaenda.And finding a ship sailing over unto Phenicia, we went aboard, and set forth.
Takati tavona Kupro, tikaisiya kuruboshwe, tichienda Siria, tikasvika Tire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo;Now when we had discovered Cyprus, we left it on the left hand, and sailed into Syria, and landed at Tyre: for there the ship was to unlade her burden.
zvino takati tawanapo vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati nomweya kunaPauro kuti arege kukwira Jerusarema.And finding disciples, we tarried there seven days: who said to Paul through the Spirit, that he should not go up to Jerusalem.
Zvino takati tapedzapo mazuva tikabva, tikaenda; ivo vose, navakadzi navana, vakatiperekedza kusvikira tabuda paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyengetera.And when we had accomplished those days, we departed and went our way; and they all brought us on our way, with wives and children, till we were out of the city: and we kneeled down on the shore, and prayed.
Tikawonekana, isu tikaenda kuchikepe, ivo vakadzokera kumusha kwavo.And when we had taken our leave one of another, we took ship; and they returned home again.
Isu takati tapedza rwendo tichibva Tire, tikasvika Toremai, tikakwazisa hama, ndokuswera zuva rimwe navo.And when we had finished our course from Tyre, we came to Ptolemais, and saluted the brethren, and abode with them one day.
Fume mangwana isu taiva veboka raPauro tikabvapo, tikasvika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripo, Muevhangeri, mumwe wavanomwe, tikagara naye.And the next day we that were of Paul’s company departed, and came unto Caesarea: and we entered into the house of Philip the evangelist, which was one of the seven; and abode with him.
Iye wakanga anavakunda vana, mhandara, vaiporofita.And the same man had four daughters, virgins, which did prophesy.
Zvino takati tichigarapo mazuva mazhinji, mumwe muporofita, wainzi Akabo, akaburuka achibva Judhea,And as we tarried there many days, there came down from Judaea a certain prophet, named Agabus.
akavuya kwatiri, akatora bhanire raPauro, akazvisunga makumbo namavoko ake, akati: Mweya Mutsvene unoreva kudai: Saizvozvo vaJudha paJerusarema vachasunga murume, mwene webhanire iri, nokumuisa pamavoko avahedheni.And when he was come unto us, he took Paul’s girdle, and bound his own hands and feet, and said, Thus saith the Holy Ghost, So shall the Jews at Jerusalem bind the man that owneth this girdle, and shall deliver him into the hands of the Gentiles.
Takati tichinzwa izvozvo, isu navamwe vaipapo tikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kukwira Jerusarema.And when we heard these things, both we, and they of that place, besought him not to go up to Jerusalem.
Ipapo Pauro akapindura, akati; Munoiteiko, muchichema nokuputsa moyo wangu? Nokuti ini handina kuzvigadzirira kusungwa bedzi, asi kunyange kufira zita raShe Jesu paJerusarema.Then Paul answered, What mean ye to weep and to break mine heart? for I am ready not to be bound only, but also to die at Jerusalem for the name of the Lord Jesus.
Zvino wakati achiramba kukundwa, tikanyarara, tikati: Kuda kwaShe ngakuitwe.And when he would not be persuaded, we ceased, saying, The will of the Lord be done.
Mazuva iwayo akati apera, tikarongedza, tikakwira Jerusarema.And after those days we took up our carriages, and went up to Jerusalem.
Navamwe vadzidzi veKesaria vakaenda nesu, vakavuya vo nomumwe, wainzi Mnasoni, mudzidzi wakare weKupro, wataindogara naye.There went with us also certain of the disciples of Caesarea, and brought with them one Mnason of Cyprus, an old disciple, with whom we should lodge.
Zvino takati tichisvika Jerusarema, hama dzikatigamuchira nomufaro.And when we were come to Jerusalem, the brethren received us gladly.
Fume mangwana Pauro akapinda nesu kunaJakobho; navakuru vakanga varipo vose.And the day following Paul went in with us unto James; and all the elders were present.
Akavakwazisa, ndokuvarondedzera, chimwe nechimwe, zvakaitwa naMwari pakati pavahedheni nebasa rake.And when he had saluted them, he declared particularly what things God had wrought among the Gentiles by his ministry.
Ivo vakati vazvinzwa, vakakudza Mwari, vakati kwaari: Hama, unovona kuti zvuru zvingani zvavaJudha vanotenda; vose vanoshingairira murairo;And when they heard it, they glorified the Lord, and said unto him, Thou seest, brother, how many thousands of Jews there are which believe; and they are all zealous of the law:
zvino vakavudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vari pakati pavahedheni, kuti varambe Mosesi, uchiti, varege kudzingisa vana vavo, kana kufamba netsika dzomurairo.And they are informed of thee, that thou teachest all the Jews which are among the Gentiles to forsake Moses, saying that they ought not to circumcise their children, neither to walk after the customs.
Zvino todiniko? Vachanzwa havo kuti wasvika.What is it therefore? the multitude must needs come together: for they will hear that thou art come.
Naizvozvo ita izvi zvatinotaura kwauri: Tinavarume vana vakazvisunga nokupika;Do therefore this that we say to thee: We have four men which have a vow on them;
uvatore, uzvinatse pamwe chete navo, uvaripire, vagovevura misoro yavo; ipapo vose vachaziva, kuti haazi mashoko ezvokwadi, avakavudzwa pamusoro pako; asi kuti iwe vo unofamba zvakanaka uchichengeta murairo umene.Them take, and purify thyself with them, and be at charges with them, that they may shave their heads: and all may know that those things, whereof they were informed concerning thee, are nothing; but that thou thyself also walkest orderly, and keepest the law.
Asi kana vari vahedheni vakatenda, takavanyorera kuti vasachengeta zvinhu zvakadai, asi kuti vazvidzore panezvakabayirwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa novupombwe.As touching the Gentiles which believe, we have written and concluded that they observe no such thing, save only that they keep themselves from things offered to idols, and from blood, and from strangled, and from fornication.
Ipapo Pauro akatora varume avo, akazvinatsa pamwe chete navo nezuva rakatevera, akapinda mutembere kuti azivise kupera kwamazuva okunatsa, kusvikira mumwe nomumwe abayirwa chibayiro.Then Paul took the men, and the next day purifying himself with them entered into the temple, to signify the accomplishment of the days of purification, until that an offering should be offered for every one of them.
Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha veAsia vakamuvona mutembere, vakamutsa vanhu vazhinji, vakamubata.And when the seven days were almost ended, the Jews which were of Asia, when they saw him in the temple, stirred up all the people, and laid hands on him,
vakadanidzira, vachiti: Varume vaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa vanhu kwose-kwose zvinopesana navanhu, nomurairo, nenzvimbo ino, vuye zve vakavuya navaGiriki mutembere, akasvibisa nzvimbo ino tsvene.Crying out, Men of Israel, help: This is the man, that teacheth all men every where against the people, and the law, and this place: and further brought Greeks also into the temple, and hath polluted this holy place.
Nokuti vakanga vavona Trofimo muEfeso, anaye muguta, vakati zvimwe Pauro wapinda naye mutembere.(For they had seen before with him in the city Trophimus an Ephesian, whom they supposed that Paul had brought into the temple.)
Ipapo guta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwe chete; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere, mikova ikazarirwa pakarepo.And all the city was moved, and the people ran together: and they took Paul, and drew him out of the temple: and forthwith the doors were shut.
Zvino vakati vachitsvaka kumuvuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru chamazana, kuti Jerusarema rose ranyonganiswa.And as they went about to kill him, tidings came unto the chief captain of the band, that all Jerusalem was in an uproar.
Iye akatora pakarepo varwi navakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari: ivo vakati vachivona mukuru wechuru chemazana navarwi, vakarega kurova Pauro.Who immediately took soldiers and centurions, and ran down unto them: and when they saw the chief captain and the soldiers, they left beating of Paul.
Zvino mukuru wechuru chemazana akaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe namaketani maviri; akabvunza kuti ndiani, vuye kuti waiteiko.Then the chief captain came near, and took him, and commanded him to be bound with two chains; and demanded who he was, and what he had done.
Zvino vamwe pakati pavazhinji vakadanidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe chinhu; zvino iye asingagoni kuziva zvokwadi nokuda kwebopoto, akaraira kuti vamuise kuimba yavarwi.And some cried one thing, some another, among the multitude: and when he could not know the certainty for the tumult, he commanded him to be carried into the castle.
Wakati achisvika pazvikwiriso, akaita sokutakurwa navarwi, nokuda kwesimba ravanhu vazhinji;And when he came upon the stairs, so it was, that he was borne of the soldiers for the violence of the people.
nokuti vanhu vazhinji vakatevera, vachidanidzira, vachiti: Mubvisei!For the multitude of the people followed after, crying, Away with him.
Zvino oda kupinzwa muimba yavarwi, Pauro akati kumukuru wechuru chamazana; Ko ndingataura nemi here? Iye akati unoziva chiGiriki here?And as Paul was to be led into the castle, he said unto the chief captain, May I speak unto thee? Who said, Canst thou speak Greek?
Ko hauzi uya muIjipiti, wakadeya kukanganisa vanhu panguva yapfuvura, akaenda navavurayi vanezvuru zvina kurenje here?Art not thou that Egyptian, which before these days madest an uproar, and leddest out into the wilderness four thousand men that were murderers?
Ipapo Pauro akati: Ini ndiri muJudha weTarso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure navanhu.But Paul said, I am a man which am a Jew of Tarsus, a city in Cilicia, a citizen of no mean city: and, I beseech thee, suffer me to speak unto the people.
Zvino wakati amutendera, Pauro akamira pazvikwiriso, akaninira vanhu noruvoko rwake; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura norurimi rwechiHebheru, achiti:And when he had given him licence, Paul stood on the stairs, and beckoned with the hand unto the people. And when there was made a great silence, he spake unto them in the Hebrew tongue, saying,