Varume, hama, namadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu pamberi penyu zvino.Men, brethren, and fathers, hear ye my defence which I make now unto you.
Ivo vakati vachinzwa, kuti wotaura navo norurimi rwechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Iye akati:(And when they heard that he spake in the Hebrew tongue to them, they kept the more silence: and he saith,)
Ini ndiri muJudha, ndakaberekwa paTarso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurairo wamadzibaba edu, ndichishingairira Mwari, semi mose nhasi;I am verily a man which am a Jew, born in Tarsus, a city in Cilicia, yet brought up in this city at the feet of Gamaliel, and taught according to the perfect manner of the law of the fathers, and was zealous toward God, as ye all are this day.
ndikatambudza veNzira Iyi kusvikira pakuvuraya, ndichisunga varume navakadzi nokuvaisa mutorongo.,And I persecuted this way unto the death, binding and delivering into prisons both men and women.
muPirisita mukuru sezaangandipupurira vo namakurukota ose; ndikapiwa mwadhi navo kuhama, ndikaenda Dhamaseko kuti ndiise Jerusarema avo vaigara’ko, vakasungwa, kuti varobwe.As also the high priest doth bear me witness, and all the estate of the elders: from whom also I received letters unto the brethren, and went to Damascus, to bring them which were there bound unto Jerusalem, for to be punished.
Zvino ndakati ndichifamba, ndoswedera Dhamaseko, anenge masikati, pakarepo ndikapenyerwa kwose nechiedza chikuru, chaibva kudenga.And it came to pass, that, as I made my journey, and was come nigh unto Damascus about noon, suddenly there shone from heaven a great light round about me.
Ndikawira pasi, ndikanzwa inzwi richiti kwandiri: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?And I fell unto the ground, and heard a voice saying unto me, Saul, Saul, why persecutest thou me?
Ndikapindura, ndikati: Ndimi aniko Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta, waunotambudza.And I answered, Who art thou, Lord? And he said unto me, I am Jesus of Nazareth, whom thou persecutest.
Zvino vaiva neni vakavona chiedza, vakatya asi havana kunzwa inzwi rowakataura neni.And they that were with me saw indeed the light, and were afraid; but they heard not the voice of him that spake to me.
Ndikati: Ndodiniko, Ishe? Ishe akati kwandiri: Simuka, uende Dhamaseko; apo uchavudzwa zvose zvakatarwa kuti uzviite.And I said, What shall I do, Lord? And the Lord said unto me, Arise, and go into Damascus; and there it shall be told thee of all things which are appointed for thee to do.
Zvino zvandakanga ndisingagoni kuvona nokupenya kwechiedza icho, ndikasesedzwa noruvoko navaiva neni, ndikasvika Dhamaseko.And when I could not see for the glory of that light, being led by the hand of them that were with me, I came into Damascus.
Zvino mumwe murume, wainzi Ananiasi, munhu wainamata Mwari sezvinoreva murairo, waipupurirwa zvakanaka navaJudha vose vakanga vagerepo,And one Ananias, a devout man according to the law, having a good report of all the Jews which dwelt there,
akavuya kwandiri akamira, akati kwandiri: Sauro, hama, chivona! Nenguva iyo ndikamuvona.Came unto me, and stood, and said unto me, Brother Saul, receive thy sight. And the same hour I looked up upon him.
Iye akati: Mwari wamadzibaba edu wakakusanangura, kuti uzive kuda kwake, nokumuvona iye wakarurama, nokunzwa inzwi rinobva mumuromo make.And he said, The God of our fathers hath chosen thee, that thou shouldest know his will, and see that Just One, and shouldest hear the voice of his mouth.
Nokuti iwe uchava chapupu chake kuvanhu vose chezvawakavona nezvawakanzwa.For thou shalt be his witness unto all men of what thou hast seen and heard.
Zvino uchanonokereiko? Simuka, ubhabhatidzwe, usukwe zvivi zvako, udane zita raShe.And now why tarriest thou? arise, and be baptized, and wash away thy sins, calling on the name of the Lord.
Zvino ndakati ndadzokera Jerusarema, ndichinyengetera mutembere, ndikaita sokubatwa nomweya,And it came to pass, that, when I was come again to Jerusalem, even while I prayed in the temple, I was in a trance;
ndikamuvona, achiti kwandiri: Kurumidza, ubve Jerusarema zvino-zvino, nokuti havangagamuchiri kupupura kwako pamusoro pangu.And saw him saying unto me, Make haste, and get thee quickly out of Jerusalem: for they will not receive thy testimony concerning me.
Ipapo ndikati: Ishe, vanoziva vamene kuti ini ndaiisa mutorongo, nokurova mumasinagoge, avo vaitenda kwamuri;And I said, Lord, they know that I imprisoned and beat in every synagogue them that believed on thee:
vuye, musi wakadururwa ropa raStafano, chapupu chenyu, neni vo ndakanga ndimirepo, ndichibvumira, kuvurawa kwake ndikachengeta nguvo dzavaimuvuraya.And when the blood of thy martyr Stephen was shed, I also was standing by, and consenting unto his death, and kept the raiment of them that slew him.
Ipapo akati kwandiri: Enda, ndichakutuma kure kuvahedheni.And he said unto me, Depart: for I will send thee far hence unto the Gentiles.
Vakamuterera kusvikira pashoko iro; ipapo vakadanidzira, vachiti: Wakadai ngaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama.And they gave him audience unto this word, and then lifted up their voices, and said, Away with such a fellow from the earth: for it is not fit that he should live.
Vakadanidzira, vakakandira nguvo dzavo pasi, vachikushira ivhu kudenga,And as they cried out, and cast off their clothes, and threw dust into the air,
mukuru wechuru chamazana akaraira, kuti aiswe kuimba yavarwi, achiti abvunzwe nokurobwa zvikuru, kuti azive mhosva yavaimupopotera kudai.The chief captain commanded him to be brought into the castle, and bade that he should be examined by scourging; that he might know wherefore they cried so against him.
Zvino vakati vamusunga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, wakanga amirepo: Makatenderwa kurova munhu uri muRoma, asina kutongwa here?And as they bound him with thongs, Paul said unto the centurion that stood by, Is it lawful for you to scourge a man that is a Roman, and uncondemned?
Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaenda kumutungamiri mukuru, akati kwaari chenjerai zvamunoita, Nokuti munhu uyu muRoma.When the centurion heard that, he went and told the chief captain, saying, Take heed what thou doest: for this man is a Roman.
Mutungamiri mukuru akavuya akati kwaari: Ndivudze, uri muRoma here? Akati: Hongu.Then the chief captain came, and said unto him, Tell me, art thou a Roman? He said, Yea.
Mutungamiri mukuru akati: Ini ndakatenga simba iri rokuve muRoma nomutengo mukuru. Pauro akati: Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.And the chief captain answered, With a great sum obtained I this freedom. And Paul said, But I was free born.
Zvino vakanga vomubvunzisisa, vakabva kwaari pakarepo, nomutungamiri mukuru wakatya vo achiziva kuti iye muRoma, vuye nokuti wakanga amusunga.Then straightway they departed from him which should have examined him: and the chief captain also was afraid, after he knew that he was a Roman, and because he had bound him.
Zvino fume mangwana, achida kuziva kwazvo kuti vaJudha vakamupomera mhosva yei, akamusunungura, akaraira kuti vaPirisita vakuru namakurukota ose vavungane, akaburusa Pauro, ndokumuisa pamberi pavo.On the morrow, because he would have known the certainty wherefore he was accused of the Jews, he loosed him from his bands, and commanded the chief priests and all their council to appear, and brought Paul down, and set him before them.