Bhaibheri

Mabasa 23

Acts 23 · 35 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Pauro wakati achitarisisa kumakurukota, akati: Varume, hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yakarurama kusvikira zuva ranhasi.

2Ipapo Ananiasi, muPirisita mukuru, akaraira vakanga vamire naye kuti vamurove muromo.

3Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari uchakurova iwe, rusvingo rwakacheneswa; ugerepo kuti unditonge nomurairo, zvino woraira kuti ndirobwe, uchidarika murairo here?

4Vakanga vamirepo vakati: Ko unotuka muPirisita mukuru waMwari here?

5Pauro akati: Hama dzangu, ndakanga ndisingazivi kuti ndiye muPirisita mukuru; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.

6Zvino Pauro wakati achivona kuti vamwe ndivaSadhuse navamwe vaFarise, akadanidzira mumakurukota, akati: Varume, hama, ini ndiri muFarise, mwanakomana wavaFarise, ndotongwa pamusoro petariro nokumuka kwavakafa.

7Wakati adaro, kupesana kukavapo pakati pavaFarise navaSaduse; vungano ikaparadzana.

8Nokuti vaSadhuse vaiti hapana kumuka kwavakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarise vaitenda izvozvo zvose.

9Zvino bope guru rikavapo; vamwe vanyori vokuvaFarise vakasimuka, vakaita nharo, vachiti: Ngatirege kugwa naMwari, hativoni chinhu chakaipa kumunhu uyu; zvimwe mweya wakataura naye, kana mutumwa.

10Zvino kupesana kukuru kuchida kumuka, mutungamiri Mukuru akatya kuti Pauro ungabvamburwa navo, akaraira varwi kuti vaburuke, vamubvute pakati pavo, vamuise muimba yavarwi.

11Vusiku; bwakatevera, Ishe akamira naye, akati: Tsunga moyo, sezvawakandipupurira kwazvo paJerusarema, unofanira kupupura paRoma vo.

12Zvino kwakati kwaedza, vaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nokupika, vachiti, havangadyi kana kunwa kusvikira vavuraya Pauro.

13Vakanga vaita rangano iyo, vakapfuvura makumi mana.

14Ava vakaenda kuvaPirisita vakuru navakuru, vakati: Tazvisunga nokupika kukuru, kuti hatingadyi chinhu, kusvikira tavuraya Pauro.

15Naizvozvo zvino imi, namakurukota, mutaridzire mutungamiri mukuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, muchiita somunoda kunatso-bvunzisisa mhosva yake; isu tazvigadzira kuti timuvuraye, asati aswedera.

16Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuvandira kwavo, akaenda, akapinda mumba mavarwi, akavudza Pauro.

17Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana, akati: Isa jaya iri kumutungamiri Mukuru; nokuti uneshoko raanoda kumuvudza.

18Naizvozvo akamutora, akaenda naye kumutungamiri Mukuru, akati: Pauro musungwa, wakandidana akakumbira, kuti ndivuye nejaya iri kwamuri; uneshoko raanoda kukuvudzai.

19Mutungamiri Mukuru akabata ruvoko rwake, akaenda naye vari voga, akamubvunza vari voga, akati: Uneshoko reiko, raunoda kundivudza?

20Iye akati: VaJudha vakatenderana kukumbira kwamuri, kuti muburuse Pauro kumakurukota mangwana, vachiita savanoda kumubvunzisisa mhosva yake.

21Naizvozvo musavatendera; nokuti pakati pavo kunavarume vanopfuvura makumi mana vanomuvandira vakazvisunga nokupika, kuti havangadyi, kana kunwa, kusvikira vamuvuraya; zvino vakazvigadzirira vachimirira chivimbiso, chinobva kwamuri.

22Naizvozvo Mutungamiri Mukuru akaendesa jaya amuraira achiti: Usavudza munhu, kuti wandizivisa izvozvo.

23Zvino akadana vakuru vezana vaviri, akati: Gadzirai varwi vanamazana maviri, navanotasva mabhiza vanamakumi manomwe, navanamapfumo vanamazana maviri, vaende Kesaria nenguva yechitatu yovusiku;

24muvatsvakire zvipfuwo, kuti vatasvise Pauro, vagonyatsomuisa kumubati Feriksi.

25Akanyora mwadi yakanga ichiti:

26Kraudio Risia, kunaFeriksi, mubati wakakurumbira kwazvo, kwaziwai!

27Uyu munhu wakabatwa navaJudha, akanga oda kuvurawa navo, ini ndikasvika navarwi, ndikamurwira, zvandakanzwa kuti muRoma.

28Zvino ndakati ndichida kuziva mhosva yavakamukwirira nayo, ndikamuburusira kumakurukota avo;

29ndakawana kuti wakwirirwa pamusoro pamashoko omurairo wavo, asi asinemhosva yechinhu chingafanira rufu kana kusungwa.

30Zvino ndakati ndavudzwa, kuti voda kuvandira munhu uyu, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikaraira vanomukwirira kuti vataure pamberi penyu mhosva yake.

31Zvino varwi vakatora Pauro sezvavakarairwa, vakamuisa Antipatri vusiku.

32Fume mangwana vakarega vatasvi vamabhiza, kuti vaende naye, ivo vakadzokera kuimba yavarwi.

33Vaya vakati vasvika Kesaria, vakapa mubati mwadhi, vakaisa vo Pauro pamberi pake.

34Wakati arava, akabvunza kuti ndowenyika ipi; zvino wakati anzwa kuti ndoweKirikia,

35akati: Ndichakunzwa kwazvo, kana vanokukwirira vasvika vo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.