Bhaibheri

Mabasa 24

Acts 24 · 27 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino mazuva mashanu akati apfuvura, Ananiasi, muPirisita mukuru, akaburuka navamwe vakuru, nomumwe mureveri, wainzi Terturo; vakamhan’arira Pauro kumubati.

2Iye akati adanwa, Terturo akatanga kumupomera mhosva achiti: Zvatinovona rugare rukuru nemi, norudzi urwu zvarunoruramisirwa mhosva nokubata kwenyu kwakanaka;

3tinozvigamuchira nemitovo yose napanzvimbo dzose nokuvonga kukuru, imi, Feriksi wakakurumbira zvikuru.

4Asi, zvandisingadi kukunonosai, ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti mutinzwei nengoni dzenyu zvishomanene.

5Nokuti takavona kuti murume uyu wakashata kwazvo, unomutsa bope pavaJudha vose panyika dzose, ari mutungamiriri weboka ravaNazareni.

6Iye wakaidza vo kushatisa tembere, tikamubata, [tichida kumutonga nomurairo wedu.

7Asi Risia, mutungamiri mukuru, ndokuvuya, akamubvisa mumavoko edu nesimba guru,

8akaraira vanomupomera kuti vavuye pamberi penyu.] Kana mukamubvunzisisa mumene, muchagona kuziva izvozvo zvose zvatakamukwirira nazvo.

9NavaJudha vakabvumira vo pakumhangara, vakasimbisa kuti zvinhu izvozvo ndizvo.

10Zvino mubati wakati amuninira kuti ataure, Pauro akapindura, akati: Zvandinoziva kuti mava mutongi wavanhu ava makore mazhinji, ndinozvidavirira nomufaro,

11nokuti munzwisise kuti mazuva achigere kupfuvura gumi namaviri, kubvira panguva yandakakwira Jerusarema kundonamata.

12Havana kundiwana ndichiita nharo mutembere nomunhu, kana muguta;

13havangagoni vo kusimbisa kwamuri izvo zvavanondipomera nazvo zvino.

14Asi ndinotenda hangu kwamuri, kuti ndinoshumira Mwari wamadzibaba edu neNzira, yavanoti idzidziso yakatsauka, ndichitenda zvose zvomurairo nezvakanyorwa pavaporofita;

15ndinetariro kunaMwari, iyo yavanotenda vo vamene, kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.

16Pachinhu ichi ndinoidza zvikuru kuti misi yose ndive nehana isinemhosva kunaMwari nokuvanhu.

17Zvino makore mazhinji akati apfuvura, ndakavuya nezvipo nezvibayiro kuvanhu vangu.

18Ndizvozvo zvavakandiwana ndichiita mutembere, ndanatswa, ndisinavanhu vazhinji, kana bopoto;

19asi vamwe vaJudha veAsia vaivapo ivo vaifanira kuva pano pamberi penyu, kundipomera mhosva, kana vaiva nechinhu neni.

20Kunyange naivava ngavareve vamene chisakarurama chavakawana, musi wandakamira pamberi pamakurukota

21asi shoko iri bedzi, randakadanidzira, ndimire pakati pavo, ndichiti: Ndinotongwa nhasi pamusoro pokumuka kwavakafa.

22Asi Feriksi, zvaakazivisisa zvakanaka. Nzira iyo, akavavetsa, achiti: Kana Risia, mutungamiri mukuru aburukira pano, ndichanatso-bvunzisisa mhaka yenyu.

23Akaraira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe, arerusirwe, vuye kuti varege kudzivisa mumwe wokwake kumushumira.

24Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, Feriksi akasvika, nomukadzi wake Drusira, waiva muJudha, akadana Pauro, akamunzwa pamusoro pokutenda kunaKristu Jesu.

25Zvino wakati achitaura zvokururama, nokuzvidzora, nokutonga kunovuya, Feriksi akatya zvikuru, akapindura, akati: Enda hako zvino; kana ndikazova nenguva yakanaka, ndichakudana.

26Wakati vo zvimwe uchazopiwa mari naPauro; amusunungure naizvozvo wakamudana kazhinji, achitaura naye.

27Asi makore maviri akati apera, Porkio Festo akapinda panzvimbo yaFeriksi, zvino Feriksi achida kufadza vaJudha, akasiya Pauro akasungwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.