Bhaibheri

Mabasa 5

Acts 5 · 42 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino mumwe murume, wainzi Ananiasi, wakatengesa fuma yake anaSafira mukadzi wake,

2akazvikamurira zvimwe pamutengo, mukadzi wake achizviziva vo, akavuya nomumwe mugove, ndokuuisa pamberi pavaapostora.

3Asi Petro akati: Ananiasi, Satani wazadzireiko moyo wako, kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nokuzvikamurira zvimwe pamutengo womunda?

4Iwo uchiripo, wakanga usi wako here? Watengeswa, wakanga usinesimba nazvo here? Waita seiko, zvawafunga chinhu ichi mumoyo mako? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kunaMwari.

5Ananiasi, wakati achinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akabudisa mweya wake; kutya kukuru kukawira vose vakazvinzwa.

6Majaya akasimuka, akamuputira, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga.

7Nguva dzinege senhatu dzakati dzapfuvura, mukadzi wake akapinda, asingazivi zvaitwa.

8Petro akapindura kwaari, akati: Ndivudze kana maka tengesa munda nemari yakadai? Iye akati: Hongu, neyakadai.

9Petro akati kwaari: Maita seiko zvamarangana kuidza Mweya waShe? Tarira, tsoka dzavakaviga murume wako, dzichiri pamukova, vachakutakurira vo kunze.

10Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akabudisa mweya wake; majaya akapinda, akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga kumurume wake.

11Kutya kukuru kukawira kereke yose navose vakazvinzwa.

12Zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvakaitwa pakati pavanhu namavoko avaapostora; vose vaiva nomoyo mumwe pabiravira raSoromoni.

13Asi pakati pavamwe kwakanga kusinomunhu wakatsunga kuzviisa kwavari; asi vanhu vaivakudza

14Vatendi vazhinji kwazvo, varume navakadzi, vairamba vachiwedzerwa kunaShe.

15Nokudaro vakatakurira varwere munzira dzomumusha, vakavaradzika pamibhedha napanhovo, kuti kana Petro achiswederapo, kunyange nomumvuri wake bedzi udzikatire mumwe wavo.

16Navazhinji vamaguta akapoteredza Jerusarema vakavungana, vachivuya navarwere, navaitambudzika nemweya yetsvina, vakaporeswa.

17Zvino muPirisita mukuru akasimuka, navose vaiva naye (vaiva vedzidziso yavaSadhuse), vanegodo kwazvo;

18vakabata vaapostora vakavaisa mutorongo maipinzwa vanhu vose.

19Asi mutumwa waShe wakazarura mikova yetorongo vusiku, akavabudisa, akati:

20Endai, mumire mutembere muchitaura kuvanhu mashoko ose ovupenyu ubwu.

21Vakati vachizvinzwa, vakapinda mutembere mangwanani, vakadzidzisa. Zvino muPirisita mukuru navaiva naye, vakasvika, vakakokera makurukota nevungano yose yavakuru vavana vaIsraeri; vakatumira vanhu kutorongo kuzovuya navo.

22Asi varanda vakati vachisvikapo, vakawana vasimo mutorongo; vakadzoka, vakavavudza izvozvo, vachiti:

23Torongo takaiwana yakazarirwa zvakasimba kwazvo, navarindi vamire panze; asi takati tichizarura, tikasawana munhu mukati.

24Zvino MuPirisita nomukuru wetembere, navaPirisita vakuru vakati vachinzwa mashoko iwayo, vakakanganiswa pamusoro pazvo, vasingazivi kuti zvinozodini.

25ipapo mumwe munhu akasvika, akavavudza, achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutorongo, vava mutembere, vamire vachidzidzisa vanhu.

26Zvino mutungamiriri wavarwi, navatariri, vakaenda, vakavuya navo, vasingaiti nesimba, nokuti vakanga vachitya vanhu kuti vangatakwa namabwe.

27Vakati vasvika navo, vakavaisa kumakurukota. MuPirisita mukuru akavabvunza

28achiti: Ko hatina kukurairai zvikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri here?, zvino tarirai, mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu; muchida kuti ropa romunhu uyu rivuye pamsoro pedu.

29Zvino Petro navaapostora vakapindura vakati: Tinofanira kuterera Mwari kupfuvura vanhu.

30Mwari wamadzibaba edu wakamutsa Jesu iye wamakavuraya muchimuturika pamuti,

31Mwari wakamusimudza iye noruvoko rwake rworudyi, ave Mutungamiriri noMusununguri, kuti ape vaIsraeri kutendevuka nekanganwiro yezvivi.

32Isu tiri zvapupu zvamashoko iwayo; noMweya Mutsvene vo, wavakapiwa naMwari ivo vanomuterera.

33Zvino ivo vakati vachizvinzwa, vakafa neshungu, vakada kuvavuraya.

34Ipapo mumwe muFarise, wainzi Gamarieri, mudzidzisi womurairo, waikudzwa navanhu vose, akasimuka pamakurukota, akaraira kuti vaapostora vabudiswe chinguva chiduku;

35akati kwavari: Varume vaIsraeri, chenjerai zvamunoda kuitira vanhu ava.

36Nokuti kare kwakambomuka Tudasi, achiti, ndiri munhu mukuru, vanhu vanenge mazana mana vakamutevera; iye akavurawa, navose vaimuterera vakaparadzirwa, nokuparadzwa.

37Shure kwomunhu uyu Judhasi weGarirea akamuka, pamazuva okuverengwa, akatsausa vanhu kuti vamutevere; iye akaparara, navose vakamuterera, vakaparadzirwa.

38Zvino ndinoti kwamuri: Musabata vanhu ava, muvarege, nokuti kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa.

39Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe mungadai muchirwa naMwari vo.

40Vakamunzwa; ipapo vakati vadana vaapostora, vakavarova, vakavaraira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza.

41Ipapo vakabuda pamakurukota, vachifara, zvavakanzi vakafanirwa kunyadziswa nokuda kwezita rake.

42Havana kurega kudzidzisa, nokuparidza mazuva ose zvaKristu Jesu, mutembere kana kudzimba dzavo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.