Bhaibheri

Mabasa 6

Acts 6 · 15 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino namazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, vaJudha, vaitaura chiGiriki, vakanyunyutira vaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwomusi mumwe nomumwe.

2Zvino vanegumi navaviri vakadana vadzidzi vazhinji, vakati: Hakuzakafanira kuti isu tirege shoko raMwari, tishumire pamatafura.

3Zvino hama dzangu, sanangurai pakati penyu varume vanomwe, vanopupurirwa zvakanaka, vazere noMweya Mutsvene novuchenjeri, vatingaisa pabasa iri.

4Asi isu tichatsungirira pakunyengetera napabasa reshoko.

5Shoko iri rikafadza vazhinji vose, vakasanangura Stefano, murume wakanga azere nokutenda noMweya Mutsvene, naFiripo, naProkoro, Nikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikorasi, muproserite weAntiokia.

6Vakavaisa pamberi pavaapostora; vakanyengetera, vakaisa mavoko pamusoro pavo.

7Shoko raMwari rikakura, vadzidzi vakawanda zvikuru paJerusarema; navaPirisita vazhinji vakagamuchira kutenda.

8Zvino Stefano, azere nenyasha nesimba, akaita zvinoshamisa nezviratidzo zvikuru pakati pavanhu.

9Ipapo vamwe vavo, vaiva vesinagoge rainzi ravasununguki, navaKureni, navaAreksandira, naveKirikia, neveAsia, vakasimuka vakaita nharo naStefano.

10Asi vakanga vasingagoni kukunda kuchenjera kwake, noMweya waitaura naye.

11Ipapo vakamutsa varume, vaiti: Takamunzwa achitaura mashoko anomhura Mosesi naMwari.

12Vakakurudzira vanhu, navakuru, vakamuisa kumakurukota.

13vakaisapo zvapupu zvenhema, zvaiti: Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tsvene nomurairo.

14Nokuti takamunzwa achiti: Uyu Jesu weNazareta uchaparadza nzvimbo iyi nokushandura tsika dzatakapiwa naMosesi.

15Zvino vose vakanga vagere pamakurukota, vakamutarisisa, vakavona chiso chake chakaita sechiso chomutumwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.