Mabasa 7
Acts 7 · 60 verses
1MuPirisita mukuru akati: Zvinhu izvi ndizvo nhai?
2Iye akati: Varume, hama, namadzibaba, inzwai: Mwari wokubwinya wakazviratidza kunababa vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani,
3akati kwavari: Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.
4Ipapo akabuda munyika yavaKadhia, akagara Harani. Zvino baba vake vakati vafa, Mwari akamutamisira ipapo kunyika ino yamugere zvino.
5Asi haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake, asi wakamupikira kuti uchamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati atongova nomwana.
6Mwari akataura, achiti, vana vake vachava vatorwa kunyika yavamwe; vachavaita varanda, nokuvavonesa nhamo makore anamazana mana.
7Rudzi rwavachava varanda varwo, ndicharutongesa, ndizvo zvinoreva Mwari; shure kwaizvozvo vachabuda, vachandishumira panzvimbo iyi.
8Akamupa sungano yedzingiso, Zvino Abhurahamu akabereka Isaka, akamudzingisa nezuva rorusere, Isaka akabereka Jakobho; naJakobho akabereka mateteguru anegumi namaviri.
9Mateteguru zvaakanga achigodora Josefa, vakamutengesa, akaiswa Ijipiti; Mwari akava naye.
10Akamurwira panhamo dzake dzose, akamubatsira kuti adikanwe naFarao, mambo weIjipiti, ave nokuchenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weIjipiti noweimba yake yose.
11Zvino nzara ikasvika paIjipiti yose neKanani, nenhamo huru; madzibaba edu akashaiwa zvokudya.
12Zvino Jakobho, wakati anzwa kuti Ijipiti kunezviyo, pakutanga akatuma madzibaba edu.
13Parwendo rwechipiri Josefa akazikanwa navakuru vake; rudzi rwaJosefa rukavonekwa naFarao.
14Zvino Josefa akavatuma kundodana Jakobho, baba vake, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu.
15Jakobho akaburukira Ijipiti; akazofa, iye namadzibaba edu;
16vakaiswa Shekemi, vakavigwa pabwiro bwakanga bwatengwa naAbhurahamu nomutengo wesirvheri kuvanakomana vaEmori paShekemi.
17Zvino nguva yechipikirwa chakanga chapikirwa Abhurahamu naMwari, yakati ichiswedera, vanhu vakawanda, vakaita vazhinji muIjipiti;
18kusvikira mumwe mambo akamuka muIjipiti, wakanga asina kuziva Josefa.
19Iye akabata rudzi rwedu namano, akatambudza madzibaba edu, akavaraira kuti varashe vacheche vavo, kuti varege kuraramiswa.
20Nenguva iyo Mosesi akaberekwa, wakanga akaisvonaka kwazvo; akarerwa mwedzi mitatu mumba mababa vake;
21zvino wakati arashwa, mukunda waFarao akamunonga, akamurera kuti ave mwanakomana wake.
22Mosesi akadzidziswa vuchenjeri bwose bwavaIjipiti; akava nesimba pamashoko napamabasa ake.
23Zvino wakati asvika makore anamakumi mana, moyo wake ukada kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri.
24Akavona mumwe achiitirwa zvisakarurama, ndokumurwira, akavuraya muIjipiti, achitsiva wakanga achitambudzwa.
25Akati, zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari wakanga achida kuvaponesa noruvoko rwake; asi havana kunzwisisa.
26Fume mangwana akavashanyira akavawana vachikakavadzana, akaidza kuvayananisa, achiti: Varume, muri hama, munoitirana zvisakarurama neiko?
27Zvino iye wakanga achiitira wokwake zvisakarurama akamusundira kure, achiti: Ndianiko wakakuita mubati nomutongi wedu?
28Unoda kundivuraya, sezvawakavuraya muIjipiti zuro kanhi?
29Mosesi akatiza achinzwa shoko iri, akandova mutorwa kunyika yeMidiani, kwaakandobereka vanakomana vaviri.
30Zvino makore makumi mana akati apera, mutumwa waShe akavonekwa naye murenje regomo reSinai, mumurazvo womoto mugwenzi.
31Mosesi akati achizvivona, akashamiswa nezvaakavona; zvino akati achiswedera kuzocherekedza, inzwi raShe rikanzwika, richiti:
32Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, ipapo Mosesi akadedera akatya kucherekedza.
33Zvino Ishe akati kwaari: Bvisa shangu patsoka dzako, nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene.
34Ndakavona hangu kwazvo kutambudzika kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndakanzwa kugomera kwavo, ndaburuka kuzovarwira; zvino vuya ndikutume Ijipiti.
35Uyu Mosesi wavakaramba,vachiti: Ndiani wakakuita mubati nomutongi? Ndiye wakatumwa naMwari, nomutumwa wakavonekwa naye mugwenzi, kuti ave mubati nomudzikinuri.
36Iye akavabudisa, akaita zvinoshamisa nezviratidzo munyika yeIjipiti, nepaGungwa Dzvuku, nomurenje, makore anamakumi mana.
37Ndiyeye Mosesi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu uchakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni uyu ndiye wamuchanzwa.
38Ndiyeye wakanga ari kuvungano murenje, anomutumwa wakataura naye mugomo reSinai, anamadzibaba edu vo, wakagamuchira mashoko mapenyu kuzotipa.
39Ndiye, wavakanga vasingadi kumutevera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemoyo yavo.
40Vakati kunaAroni: Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.
41Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakavuya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amavoko avo.
42Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvakanyorwa mubhuku ravaporofita, zvichinzi: Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibayiro Makore makumi mana murenje, imi, imba yavaIsraeri here?
43Makatakura tabernakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamwari wenyu Remfani, Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi.
44Madzibaba edu aiva netabernakeri yovuchapupu murenje, yakanga yakavakwa sezvaakaraira iye, wakataura naMosesi achiti aite nomufananidzo waakavona.
45Yakati yagamuchirwa namadzibaba edu, vakapinda nayo naJoshua munyika yavahedheni,vakadzingwa naMwari pamberi pamadzibaba edu, kusvikira pamazuva aDhavhidhi.
46iye akanzwirwa nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuvakira Mwari waJakobho pokugara.
47Soromoni akamuvakira imba.
48Asi Wokumusoro haagari mudzimba dzakavakwa namavoko, sezvakarebwa nomuporofita, achiti:
49Denga ndicho chigaro changu chovushe. Nenyika chitsiko chetsoka dzangu; Muchandivakira imba yakadiniko? Ndizvo zvinoreva Ishe; Kana nzvimbo yandingazorora pairi ndeipi?
50Ko ruvoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?
51Imi vemitsipa mikukutu, musinakudzingiswa pamoyo nenzeve, munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene; samadzibaba enyu, nemi vo.
52Ndoupiko pakati pavaporofita, usinakutambudzwa namadzibaba enyu? Vakavuraya avo vaiparidza kuvuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuvuraya zvino.
53Iyemi, makapiwa murairo sezvawakarairwa navatumwa, mukasauchengeta.
54Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakamugeda-gedera meno.
55Asi iye azere noMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akavona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruvoko rwurudyi rwaMwari,
56akati: Tarirai, ndinovona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruvoko rworudyi rwaMwari.
57Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira kwaari vose pamwe chete;
58vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka namabwe; zvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya, rainzi Sauro.
59Vakataka Stefano, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.
60Akafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi, Akati areva izvozvo, akavata rufu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.