Bhaibheri

Mabasa 8

Acts 8 · 40 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Sauro wakanga achitenda kuvurawa kwake. Zvino nenguva iyo kereke yapaJerusarema yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhea neSamaria, vakasara vaapostra bedzi.

2Varume vakarurama vakaviga Stefano, vakamuchema zvikuru.

3Zvino Sauro akaparadza kereke, achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutorongo.

4Zvino avo vakaparadzirwa, vakapotenyika, vachiparidza shoko.

5NaFiripo wakaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu.

6Vanhu vazhinji vakaterera nomoyo mumwe zvairebwa naFiripo, vachinzwa nokuvona zviratidzo zvaakanga achiita.

7Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nenzwi guru; navazhinji vakanga vakafa mitezo navaikamhina vakaporeswa.

8Mufaro mukuru ukavapo paguta iro.

9Zvino kwakanga kunomumwe murume, wainzi Simoni, waiva n’anga kare paguta iro, waishamisa vanhu veSamaria, achizviita munhu mukuru.

10Vose, vaduku navakuru, vakamuterera, vachiti: Uyu munhu isimba guru raMwari,

11Vakamuterera, nokuti wakanga avashamisa novun’anga bwake nguva huru.

12Zvino vakati vatenda Firipo, wakaparidza mashoko ovushe bwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa varume navakadzi.

13Naiye Simoni akatenda vo, ndokubhabhatidzwa vo, akagara naFiripo; akashamiswa, achivona zviratidzo namabasa esimba makuru, akanga achiitwa.

14Zvino vaapostora vaiva paJerusarema, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Petro naJohane kwavari.

15Ivo vakaburukira’ko, vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene;

16nokuti wakanga asina kuburukira pamusoro pomumwe wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raShe Jesu bedzi.

17Ipapo vakaisa mavoko avo pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene.

18Zvino Simoni wakati achivona kuti Mweya Mutsvene wapiwa nokuiswa kwamavoko avapostora, akavuya kwavari nemari,

19achiti: Ndipei neni vo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa mavoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.

20Zvino Petro akati kwaari: Sirvheri yako ngaiparadzwe pamwechete newe, nokuti wakafunga kutenga chipo chaMwari nemari.

21Hauna mugove, kana chikamu, pachinhu ichi, nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari.

22Naizvozvo tendevuka pakuipa kwako, ukumbire kunaShe, kuti zvimwe ukanganwirwe murangariro womwoyo wako.

23Nokuti ndinovona kuti wapinda munduru inovava, napakusungwa kusakarurama.

24Simoni akapindura, akati: Mundikumbirire zvikuru imi kunaShe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.

25Zvino vakati vapupura kwazvo nokutaura shoko raShe, vakadzokera zve Jerusarema, vachiparidza Evhangeri mumisha mizhinji yavaSamaria.

26Zvino mutumwa waShe akataura naFiripo, akati: Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusarema ichiburukira Gaza; iyo nyika irenje.

27Akasimuka, akaenda; zvino kwakanga kunomurume weEtiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weEtiopia, waichengeta fuma yake yose, wakanga avuya Jerusarema kuzonamata;

28wakanga achidzoka, agere mungoro yake achirava muporofita Isaya.

29Mweya akati kunaFiripo: Swedera, urambire pangoro iyo.

30Firipo akamhanyira’ko, akamunzwa achirava muporofita Isaya, akati: Unonzwisisa zvaunorava here?

31Iye akati: Ndingagona seiko, kana mumwe asingandidudziri? Akakumbira zvikuru kunaFiripo kuti akwire, agare naye.

32Zvino paakanga achirava paRugwaro paiti: Wakaiswa pakubayiwa segwai; Segwaiana rinyerere pamberi pomuvevuri waro, Saizvozvo haana kushamisa muromo wake;

33Pakuzvidzwa kwake kutongwa kwake kwakabviswa; Ndianiko ucharondedzera rudzi rwake? Nokuti vupenyu bwake bwunobviswa panyika.

34Muranda akapindura Firipo, akati: Ndinokumbira kwauri, undivudze kuti muporofita unoreva aniko achidaro? Unozvireva iye amene, kana mumwe?

35Ipapo Firipo akashamisa muromo wake; akatanga parugwaro urwu, akamuparidzira Jesu.

36Zvino vakati vachifamba munzira akati: Heyi mvura; chinyiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa?

37[Firipo akati: Kana uchitenda nomoyo wako wose, zvingaitwa. Akapindura, akati: Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.]

38Akaraira kuti ngoro imire; vakaburukira vose mumvura, iye Firipo nomuranda; akamubhabhatidza.

39Zvino vakati vachibuda mumvura, Mweya waShe ukabvisa Firipo; muranda akasazomuvona zve; nokuti wakafamba rwendo rwake, achifara.

40Asi Firipo wakawanika paAzoto, akapota nyika achiparidza Evhangeri pamaguta ose, kusvikira paKesaria.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.