Bhaibheri

Mako 10

Mark 10 · 52 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino wakasimukapo, akasvika munyika yeJudhea, nemhiri kwaJoridhani, vanhu vazhinji-zhinji vakavunganira zve kwaari; akavadzidzisa zve sezvaakanga achisiita,

2VaFarise vakavuya kwaari, vakamubvunza, vachiti: Murume wakatenderwa kurasha mukadzi wake here?

3Akapindura, akati kwavari: Mosesi wakakuraireiko?

4Vakati: Mosesi wakatendera murume kunyora rugwaro rwokumuramba, nokumurasha.

5Jesu akati kwavari; Wakakunyorerai murairo iwoyo nokuda kwovukukutu bwemoyo yenyu.

6Asi kubva pakutanga kwokusikwa wakavaita murume nomukadzi.

7Nokuda kwaizvozvo murume uchasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake;

8ava vaviri vachava nyama imwe; nokudaro havachiri vaviri, asi nyama imwe.

9Zvino izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.

10Zvino mumba vadzidzi vakamubvunza zve pamusoro paizvozvo.

11Akati kwavari: Aninani unorasha mukadzi wake, akawana mumwe, unoita vupombwe kwaari.

12Vuye kana iye mukadzi akarasha murume wake, akawanikwa nomumwe, unofeva.

13Zvino vakavuya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakavaraira.

14Zvino Jesu wakati azvivona, akatsamwa, akati kwavari; Regai vana vaduku vavuye kwandiri, musavadzivisa, nokuti vushe bwaMwari ndobwavakadai.

15Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Aninani usingagamuchiri vushe bwaMwari somwana muduku, hangatongopindi mabwuri

16Ipapo akavafungatira mumavoko, akavaropafadza, ndokuisa mavoko pamusoro pavo.

17Zvino wakati achibuda kunzira, mumwe akamhanyira kwaari, akafugama pamberi pake akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteko kuti ndigare nhaka yovupenyu husingaperi?

18Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna wakanaka, asi mumwe chete, iye Mwari.

19Mirairo unoiziva, inoti, usavuraya, usaita vupombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.

20Akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku bwangu.

21Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari: Unoshaiwa chinhu chimwe chete; enda, utengese zvose zvaunazvo upe varombo, uve nefuma kudenga; ugovuya, unditevere.

22Asi wakasviba moyo neshoko iro, akaenda neshungu nokuti wakanga anefuma zhinji.

23Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vanefuma vacharemerwa sei kupinda pavushe hwaMwari!

24Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu wakapindura zve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kunavano vimba nefuma kupinda pavushe bwaMwari!

25Kamera ingarerukirwa kupinda paburi redumho, kumufumi kupinda muvushe hwaMwari.

26Ipapo vakakahadzika zvikuru, vakati kwaari: Ndianiko ungagoponeswa?

27Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.

28Petro akatanga kutaura kwaari, achiti: Tarirai isu takasiya zvose tikakuteverai,

29Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweEvhangeri,

30usingazopiwi zvinezana nenguva ino, dzimba navanunun’una, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwe chete nokutambudzwa, novupenyu bwusingaperi nenguva inovuya.

31Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzira vachava vokutanga.

32Zvino vakanga vari munzira, vachikwira Jerusarema; Jesu wakanga acivatungamirira; vakashamiswa; navakanga vachitevera, vakatya. Ipapo akatora zve vanegumi navaviri, akatanga kuvavudza izvo zvaakanga oda kuitirwa, achiti:

33Tarirai tinokwira Jerusarema Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvaPirisita vakuru navanyori; vachamutongera rufu, nokumuisa kuvahedheni.

34Vachamuseka, nokumupfira mate, nokumurovesa, nokumuvuraya; kana mazuva matatu apfuvura, uchamuka zve.

35Zvino Jakobho naJohane, vanakomana vaZebhedhi, vakavuya kwaari, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire sezvatinokumbira kwamuri.

36Akati kwavari: Munoda kuti ndikukitireiko?

37Vakati kwaari: Tigarisei pakubwinya kwenyu, mumwe kuruvoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe,

38Asi Jesu wakati kwavari:Hamuzivi zvamunokumbira.Mungagona kumwira pamukombe pandinomwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhaptidzwa narwo here?

39Vakati kwaari: Tingagona, Jesu akati kwavari: Muchamwira henyu pamukombe pandinomwira ini, nokubhabhatidzwa nokurubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;

40asi kugara kuruvoko rwangu rworudyi, kana kuruboshwe, handizini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo.

41Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira Jakobho naJohane.

42Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda avahedheni anovaraira, navakuru vavo vanoita simba navo.

43Zvino pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu;

44aninani unoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wavose.

45Nokuti Mwanakomana womunhu naiye haana kuvuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa vupenyu bwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.

46Vakasvika Jeriko; zvino wakati achibuda Jeriko navadzidzi vake navazhinji-zhinji, Bartimeo, mwanakomana waTemeo, raiva bofu riri rombe, wakanga agere panzira.

47Iye wakati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, achiti; Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!

48Vazhinji vakamuraira kuti anyarare, asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti; Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!

49Ipapo Jesu akamira, akati: Mudanei. Vakadana bofu vachiti kwariri tsunga moyo simuka unokudana.

50Ipapo akarasha nguvo yake akasimuka, akaenda kunaJesu.

51Jesu akamupindura, akati kwaari: Unoda kuti ndikuitireiko? Bofu rikati kwaari: Raboni, kuti ndivone.

52Jesu akati kwaari; Enda hako, kutenda kwako kwakuponesa. Pakarepo akavona, akatevera Jesu munzira.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.