Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kunavamire pano, vasingazovoni rufu, vasati vavona vushe bwaMwari bwuchivuya nesimba.And he said unto them, Verily I say unto you, That there be some of them that stand here, which shall not taste of death, till they have seen the kingdom of God come with power.
Mazuva matanhatu akati apfuvura, Jesu akatora Petro, naJokobo, naJohane, akaenda navo kurutivi mugomo refu, vari voga; akashanduka pamberi pavo.And after six days Jesus taketh with him Peter, and James, and John, and leadeth them up into an high mountain apart by themselves: and he was transfigured before them.
Nguvo dzake dzikapenya, dzikachena zvikuru; hakunomusuki pano panyika, ungagona kudzichenesa dzikadaro.And his raiment became shining, exceeding white as snow; so as no fuller on earth can white them.
Ipapo Eria naMosesi vakavonekwa navo, vachitaurirana naJesu.And there appeared unto them Elias with Moses: and they were talking with Jesus.
Petro akapindura, akati kunaJesu: Rabhi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.And Peter answered and said to Jesus, Master, it is good for us to be here: and let us make three tabernacles; one for thee, and one for Moses, and one for Elias.
Nokuti wakanga asingazivi chaanotaura, nokuti vakatya zvikuru.For he wist not what to say; for they were sore afraid.
Zvino gore rikavuya rikavafukidza, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodikanwa, mumunzwei!And there was a cloud that overshadowed them: and a voice came out of the cloud, saying, This is my beloved Son: hear him.
Kamwe, vakati vachiringaringa, havanakuzovona munhu, asi Jesu bedzi anavo.And suddenly, when they had looked round about, they saw no man any more, save Jesus only with themselves.
Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuvudza munhu zvavakanga vavona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.And as they came down from the mountain, he charged them that they should tell no man what things they had seen, till the Son of man were risen from the dead.
Vakarichengeta shoko iro, vachiita nyaya pakati pavo, kuti kumuka kwavakafa chinyiko?And they kept that saying with themselves, questioning one with another what the rising from the dead should mean.
Vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanotaurireiko vachiti, Eria unofanira kutanga kuvuya?And they asked him, saying, Why say the scribes that Elias must first come?
Akati kwavari: Eria uchatanga kuvuya hake, avandudze zvinhu zvose, asi kwakagonyorwa seiko zvoMwanakomana womunhu, kuti uchatambudzika zvikuru nokuzvidzwa?And he answered and told them, Elias verily cometh first, and restoreth all things; and how it is written of the Son of man, that he must suffer many things, and be set at nought.
Asi ndinoti kwamuri, Eria wakatosvika, vakamuitira zvose pavakanga vachida napo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.But I say unto you, That Elias is indeed come, and they have done unto him whatsoever they listed, as it is written of him.
Vakati vasvika kuvadzidzi, vakavona vanhu vazhinji-zhinji, vakavakomba, navanyori vachiita nyaya navo.And when he came to his disciples, he saw a great multitude about them, and the scribes questioning with them.
Pakarepo vazhinji vose vakati vachimuvona, vakashamiswa kwazvo, vakamhanyira kwaari, vakamukwazisa.And straightway all the people, when they beheld him, were greatly amazed, and running to him saluted him.
Akavabvunza, akati: Munoita nyaya neiko navo?And he asked the scribes, What question ye with them?
Mumwe wavazhinji akamupindura, akati: Mudzidzisi, ndavuya kwamuri nomwanakomana wangu, unomweya wembeveve.And one of the multitude answered and said, Master, I have brought unto thee my son, which hath a dumb spirit;
Kwose kwaanomubata, unomuwisira pasi, achipupuma furo, achigeda-geda meno, vuye unowonda kwazvo; ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.And wheresoever he taketh him, he teareth him: and he foameth, and gnasheth with his teeth, and pineth away: and I spake to thy disciples that they should cast him out; and they could not.
Akavapindura, akati: Haiwa, rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira riniko Vuyai naye kwandiri.He answereth him, and saith, O faithless generation, how long shall I be with you? how long shall I suffer you? bring him unto me.
Vakavuya naye kwaari; wakati achimuvona, pakarepo mweya ukamubvundisa, akawira pasi, akakunguruka, achipupuma furo.And they brought him unto him: and when he saw him, straightway the spirit tare him; and he fell on the ground, and wallowed foaming.
Zvino akabvunza baba vake, akati: Yava nguva yakadiniko kubvira izvozvi zvichimuwira? Akati: Kubva pavuduku bwake.And he asked his father, How long is it ago since this came unto him? And he said, Of a child.
Kazhinji wakamuwisira mumoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.And ofttimes it hath cast him into the fire, and into the waters, to destroy him: but if thou canst do any thing, have compassion on us, and help us.
Jesu akati kwaari: Kana iwe uchigona kutenda, zvose zvingaitika kunounotenda.Jesus said unto him, If thou canst believe, all things are possible to him that believeth.
Pakarepo baba vomwana vakadanidzira, vachiti: Ndinotenda, ndibatsirei pakusatenda kwangu.And straightway the father of the child cried out, and said with tears, Lord, I believe; help thou mine unbelief.
Zvino Jesu wakati achivona vanhu vazhinji vachimhanyirana pamwe chete, akaraira mweya wetsina, akati kwauri: Iwe, mweya wembeveve namatsi, ndinokuraira kuti ubve maari, urege kupindazve maari!When Jesus saw that the people came running together, he rebuked the foul spirit, saying unto him, Thou dumb and deaf spirit, I charge thee, come out of him, and enter no more into him.
Ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda; akafanana nomunhu wakafa, nokudaro vazhinji vakati: Wafa.And the spirit cried, and rent him sore, and came out of him: and he was as one dead; insomuch that many said, He is dead.
Asi Jesu wakabata ruvoko rwake, akamusimudza, iye akasimuka.But Jesus took him by the hand, and lifted him up; and he arose.
Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti: Isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?And when he was come into the house, his disciples asked him privately, Why could not we cast him out?
Akati kwavari: Rudzi urwu harungatongobudi, asi nokunyengetera.And he said unto them, This kind can come forth by nothing, but by prayer and fasting.
Vakabva ipapo, vakagura neGarirea, akaramba kuti zvizikamwe nomunhu.And they departed thence, and passed through Galilee; and he would not that any man should know it.
Nokuti wakadzidzisa vadzidzi vake, akati kwavari: Mwanakomana womunhu uchaiswa mumavoko avanhu, vachamuvuraya; kana avurawa, uchamuka zvemazuva matatu apfuvura.For he taught his disciples, and said unto them, The Son of man is delivered into the hands of men, and they shall kill him; and after that he is killed, he shall rise the third day.
Asi havanakunzwisisa shoko iro, vakatya kumubvunza.But they understood not that saying, and were afraid to ask him.
Vakasvika Kapernaume; zvino wakati ava mumba, akavabvunza, achiti: Makanga muchiita nyaya yeiko munzira?And he came to Capernaum: and being in the house he asked them, What was it that ye disputed among yourselves by the way?
Vakaramba vanyerere, nokuti vakanga vaita nharo pakati pavo munzira, kuti mukuru ndiani.But they held their peace: for by the way they had disputed among themselves, who should be the greatest.
Ipapo akagara pasi, akadana vanegumi navaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wokutanga, uchazova weshure kunavose nomuranda wavose.And he sat down, and called the twelve, and saith unto them, If any man desire to be first, the same shall be last of all, and servant of all.
Akatora mwana muduku, akamuisa pakati pavo; akamufungatira mumavoko, akati kwavari:And he took a child, and set him in the midst of them: and when he had taken him in his arms, he said unto them,
Aninani unogamuchira mumwe wavaduku vakadai nezita rangu, unondigamuchireni; aninani unondigamuchira ini, haandigamuchiri ini, asi uyo wakandituma.Whosoever shall receive one of such children in my name, receiveth me: and whosoever shall receive me, receiveth not me, but him that sent me.
Johane akati kwaari: Mudzidzisi, tavona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.And John answered him, saying, Master, we saw one casting out devils in thy name, and he followeth not us: and we forbad him, because he followeth not us.
Jesu akati: Musamudzivisa, nokuti hakunomunhu ungaita basa re simba nezita rangu, ungakurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.But Jesus said, Forbid him not: for there is no man which shall do a miracle in my name, that can lightly speak evil of me.
Nokuti usingapesani nesu, unesu.For he that is not against us is on our part.
Nokuti aninani unokunwisai mukombe wemvura muzita rangu, nemhaka yokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haanakurashikirwa nomubairo wake.For whosoever shall give you a cup of water to drink in my name, because ye belong to Christ, verily I say unto you, he shall not lose his reward.
Aninani unogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zvirinani kwaari kuti guyo guru risungirirwe pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.And whosoever shall offend one of these little ones that believe in me, it is better for him that a millstone were hanged about his neck, and he were cast into the sea.
Kana ruvoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uri chirema, pakuenda muGehena, mumoto usingadzimwi, unamavoko maviri.And if thy hand offend thee, cut it off: it is better for thee to enter into life maimed, than having two hands to go into hell, into the fire that never shall be quenched:
Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.Where their worm dieth not, and the fire is not quenched.
Kana rutsoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uchikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri.And if thy foot offend thee, cut it off: it is better for thee to enter halt into life, than having two feet to be cast into hell, into the fire that never shall be quenched:
Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.Where their worm dieth not, and the fire is not quenched.
Kana ziso rako richikugumbusa, urirashe; zvirinani kwauri kuti upinde muvushe; hwokudenga uneziso rimwe, pakukandirwa muGehena, unameso maviri.And if thine eye offend thee, pluck it out: it is better for thee to enter into the kingdom of God with one eye, than having two eyes to be cast into hell fire:
Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.Where their worm dieth not, and the fire is not quenched.
Nokuti mumwe nomumwe ucharungwa nomoto.For every one shall be salted with fire, and every sacrifice shall be salted with salt.
Munyu wakanaka; asi kana munyu usichavavi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mukati menyu mugare norugare pakati penyu.Salt is good: but if the salt have lost his saltness, wherewith will ye season it? Have salt in yourselves, and have peace one with another.